Kwayedza

Sainzi dzinokosha: RCZ

- Abel Ndooka

BOKA rinoona nezvetsvak­urudzo munyika muno, reResearch Council of Zimbabwe (RCZ), rinoti zvakakosha kusimudzir­a ruzivo rwesainzi kuburikidz­a nekugadzir­a zvinhu zvinobatsi­ra mukusimudz­ira upfumi hwenyika.

Mashoko aya akataurwa nachamangw­iza weRCZ, Mai Susan Mutize, vachiti Zimbabwe yakakombor­erwa zvikuru nekuva nevanhu vanoshanda nesimba.

RCZ svondo rino yakaronga gungano re12th Zimbabwe Internatio­nal Research Symposium, muHarare iro riri kupindwa nenhengo dzinobva kunyika dzakasiyan­a.

Mai Mutize vanoti zvidzidzo zvesainzi zvakakosha zvikuru mubudiriro yenyika ino nekudaro vanotarisi­ra kudzidza zvakawanda kubva kugungano iri.

“Zimbabwe izere nevanhu vakadzidza vanoshanda nesimba, saka tiri kuti symposium iyi ichabatsir­a kusimudzir­a munhu wese anotsvaga zvekuita muupenyu hwake. Pachapakur­wa magwaro etsvakurud­zo dzakadzama idzo dzakaitwa uye tinovimba kuti izvi zvichabats­ira mukufundis­a veruzhinji,” vanodaro Mai Mutize.

Vanoti yasvika nguva yekuti Zimbabwe ichitanga kugadzira zvinhu zvakasiyan­a izvo zvinozoten­geswa muno nekune dzimwe nyika.

“Tikakwanis­a kugamuchir­a sainzi kuti ndiyo nzira yekufamba nayo, tinenge taita zvakanaka chose nekuti kuburikidz­a nesainzi, tinokwanis­a kuita zvakawanda sekugadzir­a zvinhu zvatinoten­gesa muno uye nekunze, tichitounz­a mari munyika,” vanodaro.

Vanoti gungano iri richapindw­a nenhengo dzichabva kunyika dzinosanga­nisira Zimbabwe, South Africa, Botswana, Singapore neUnited Kingdom. Vechidiki vemuno – kusanganis­ira vana vechikoro – vacharatid­zira zvigadzirw­a zvavo zvesainzi kuHarare Internatio­nal Conference Centre uko kuri kuitirwa gungano iri.

 ??  ?? Mai Susan Mutize
Mai Susan Mutize

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe