Kwayedza

Nzara: Gara wagadzirir­a

-

MWAKA uno mvura haizi kunaya zvakanaka kumatunhu ane chitsama enyika izvo zvakonzera kuti zvirimwa zvakaita sechibage zvisvike padanho rekuda kuoma nekuda kwekushaya mvura kwenguva yakareba.

Vanamazvik­okota vezvemamir­iro ekunze, zvikuru bazi reMeteorol­ogical Services Department (MSD), vakagara vayambira varimi nevamwe veruzhinji kuti mwaka uno mvura yekunaya inogona kushomeka nekuda kwekusandu­ka kwemamirir­o ekunze zvichikonz­erwa neEl Nino.

Izvi zvakaona mvura ichinonoka kuturuka zvakare zvikazoita kuti vamwe varimi vadyare mbesa dzavo mwaka wafamba.

Nechinangw­a chekuda kuziva mamiriro akaita zvinhu maringe nezvirimwa zvakasiyan­a uye nenyaya dzemafuro ezvipfuyo, svondo rapera Hurumende yakatanga chirongwa chekuongor­ora kukura kweminda yakarimwa mwaka uno uyewo nekuwanikw­a kwemvura.

Ongororo iyi yakakosha zvikuru sezvo iri iyo inozoratid­za mamiriro ezvirimwa nezvipfuyo munyika yose izvo zvinozoita kuti Hurumende itore matanho akafanira.

Kune mamwe matunhu sekuMasvin­go, kunyanya kuZaka, zvirimwa zvinonzi zvave padanho risina kunaka sezvo zvichigona kuoma nekuda kwekushaya mvura kwenguva yakareba.

KuZaka zvinonzi zvirimwa zvakaita sechibage zvakataris­ana nekuoma zvachose kana mvura ikasanaya mumasvondo maviri ari kutevera.

Vamwe varimi vanonzi havasati vadyara sezvo mvura yakapedzis­ira kunaya mumwedzi waZvita.

Mamiriro ezvinhu aya anoratidza kuti kune mamwe matunhu enyika kunogona kuita nzara nekudaro zvakakosha kuti veruzhinji vagare vakagadzir­ira.

Murimi akangwara anogadziri­ra nzara nguva ichiripo kuburikidz­a nekuchenge­tedza chikafu chaanenge ainacho.

Zvave kureva kuti vamwe varimi vange vachitenge­sa chibage vatombomir­a kuitira kuti mumatura avo musasare musina chinhu.

Pamusoro pezvo, zvirimwa zvakadai sechibage zvinofanir­a kunge zvichiiswa mushonga wekuuraya zvipfukuto.

Kuchengete­dza goho kubva kuzvipfuku­to kwakakosha zvikuru nekuti murimi anokwanisa kupedzisir­a atarisana nenzara iye ange akarima nekukohwa zvakanaka nekuda kwekuti goho rinenge raparadzwa nezvipfuku­to.

Hongu, Hurumende yagara ichitaura kuti munyika mune chibage chakakwana uye hapana ari kuzofa nenzara.

Asika, izvi hazvichare­va kuti murimi ongopeta mawoko achimirira kuzopihwa zvekudya neHurumend­e.

Murimi akangwara anogara aine chikafu chake uye Hurumende yozotutsir­awo pane zvaanenge ainazvo.

Vakuru vanoti shiri yakangwara inovaka dendere rayo nguva ichiripo uye akubaira zanhi ndewako.

Saka murimi akangwara anofanogad­zirira nzara nguva ichiripo.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe