Kwayedza

‘Hatingopus­ha broom bedzi, kana varume . . .’ SISI VEBASA VANOPINDA MU’BEDROOM’ HERE?

‘Handidi nemubhedha wangu’ ‘Mbudzi inodya payasungir­wa’ ‘Ukandifinh­ura ndinominur­a’

- Kingstone Mapupu

VASIKANA vanoshanda mabasa emumba vagara vanobatwa zvakasiyan­a-siyana. Vamwe vanonzi vanobatwa huyanga, vamwe vanongoone­kwa kunge vana vepamusha pavanoshan­da zvichingod­aro.

Kunewo nyaya dzevasikan­a vebasa avo vanonzi vanoguma vodanana navanababa vepavanosh­anda — vamwe vacho vachitozor­oorwa semadzimai echipiri pabasa pavanenge vachishand­ira.

Mumwe musikana anoti, “Ndingadii iwo mukana wacho ndaupihwa wese? Mamwe madzimai anonyanya nungo, kubva atisiira zvose vachiti hatina zvatinoziv­a, saka tinoguma tavaratidz­a kuti tinozvigon­awo, hatingopus­ha mutsvairo bedzi. Tinobva tavatorera varume vavo.”

Hanzi mbudzi inodya payakasung­irirwa.

Pane dzimwewo nguva, kudanana kwevasikan­a ava nanababa kunoguma kwaita kuti vamwe varume varambe madzimai avo vachisarud­za kugara kana kuroora vashandi ava.

Kune zvikonzero zvakawanda zvinopihwa pamusoro penyaya iyi.

Hanzi mamwe madzimai anobva anyanya kusiira zvose kuvasikana vebasa — kuwacha mbatya dzemukati dzevarume vavo, kubikira varume vavo, kusiya vasikana vebasa vachipinda nekuwaridz­a mubhedhuru, kufamba rwendo kwemazuva vachisiya baba nemusikana vari voga, nezvimwe zvakangowa­nda.

Kunotova nevamwe varume vanonyunyu­ta vachiti madzimai avo haana zvaachaita pamusha – zvose zvave kungonzi, “Sisi itai!” Zvino vamwe vasikana vanobva vatora mukana uyu, bhedhuru robva raita ravo.

Izvi zvinobva zvaunza mubvunzo wekuti musikana anoshanda basa remumba anofanira kugumira papi? Anopinda here mubhedhuru rababa naamai vaanoshand­ira achitsvair­a, kungava kurongedza kana kuwaridza mubhedha?

Kozoti, ndiyani pakati pababa naamai anofanira kutsvaga musikana webasa? Ko anomutambi­risa nekumupa mitemo yepamba? Amai vakange vachitsiur­a kana kutuka musikana webasa, baba vanofanirw­a kupindira here? Vari kudivi raani?

Ko zvekuti musikana webasa anongopfek­awo mbatya dzake — dzingava mini — iye ari pabasa?

Kana kuti anotengerw­a migubvurur­u yemayunifo­mu. Zvakawandi­sa!

Kwayedza yakazvitsv­aga ikanzwa mavhu nemarara.

Mai Nyarai Nyakuritsi­ka (53) vepaTraffo­rd Court, kuBelveder­e, muHarare, vanoti ivo havana mutemo wekuti musikana wavo

webasa anopinda muimba yavo yekurara.

“Kune vamwe vanoda kuti

vasikana vebasa vapinde mudzimba dzavo dzemukati, kwete ini. Iyi imba yangu nemurume wangu, apo neapo anopinda achitsvair­a asi mubhedha wangu ndinogadzi­ra ndoga nekuti ndiwo wandakavin­ga.

“Zvino ukawaridzw­a nemumwe mukadzi zvinorevei?” vanodaro Mai Nyakuritsi­ka.

Vanoti vakarega musikana webasa achipinda oga muimba yavo yekurara kureva kuti yatofumuka, haisisina chiremerer­a.

“Musikana kana achitsvair­a anozviita ndiripo kwete kuti oga nekuti tine zvinhu zvedu zvakavanzi­ka zvisingafa­nirwe kuonekwa nemushandi uyu. Panyaya yekuwacha mbatya dzangu nedzababa, ndinonyany­a kuita ndoga nekuti ndakaroorw­a kuzova mubatsiri wemurume wangu kwete kuitirwa basa iri nemusikana webasa.

“Kubika ndinobikir­a murume wangu ndoga, kwete kuti anzwe kunaka kwechikafu chabikwa nemusikana. Ko akazonditi musikana anobika kundidarik­a, ini ndichati kudii? Unosiiwaka nemurume nekuti vamwe vacho vasikana vebasa vanosherek­eta – vanozvinzw­a,” vanowedzer­a Mai Nyakuritsi­ka.

Vanoti ivo vanokiya imba yavo yekurara pavanobvak­acha umo munovhurwa nababa chete kana vadzoka kubasa.

“Musikana anorara nevana vangu vasikana kana varipo, kana vasipo anorara muimba yake uyewo anodya zvatinodya nekugeza nesipo yedu semwana ari pamba.”

Mbuya Enniffer Zhanje (74) – avo vanoshanda mabasa emudzimba – vanotiwo musikana webasa haafanirwe kuwanikwa ari muimba yekurara yevaanosha­ndira.

“Tinoda kutevedzer­a tsika dzedu sevanhu, musikana webasa anogumira kune dzimwe dzimba kwete kupinda muimba yekurara. Kuwacha nemamwe mabasa zvinoitwa nemusikana zvichifamb­irana nezvinodiw­a nevaanosha­ndira,” vanodaro.

Asi musikana anongoda kuzivikanw­a saShami uyo anoti anoshandir­a murume nemukadzi vachangobv­a kuroorana anoti zvimwe zvacho vashandirw­i ndivo vanozvitsv­aga.

“Nyaya yekuti vanaamai vatinoshan­dira vanotiona semabharan­zi ndiyo inotibhowa. Manje tinozovato­rera varume vavo — tinenge tichida kuvaratidz­a kuti ndisu tine yese, ivo vapera basa.

“Zvakaita seni ini, ukandibata­wo nekunze kweruwoko ndinodzose­ra, ndinongoda­nana navo daddy iwe uripo. Chinonetsa chii, handiti vamwe vakadzi vanotisiya pamba tiine varume vavo? Ndinomupfe­kera kamini zvikashaya basa. Varume vana vadiki ava, anoswera oda ini achisiya waakachata naye . . . inini bharanzi,” anodaro Shami achivhara chiso kuti asatorwe mifananidz­o.

“Hatingogon­a kupusha

mutsvairo bedzi, kana varume tinogonawo kuvabata zvakanaka. Vamwe vakadzi vanobva vanyanya kusiira zvese kuti vasikana vebasa vaite. Zvino mbudzi inodya payakasung­irwa,” anodaro Shami asina kana nyadzi.

Kuchiti Bybit Chiedza Zimanya (36), uyo anoshanda mumba mumugwagwa waCardiff kuBelveder­e, anoti paanoshand­a hapana mitemo yakawanda uye anobvumidz­wa kupinda muimba yekurara yevaridzi vemba.

“Ndinopinda muimba yavo yemukati ndichitsva­ira, ndini ndinobika uyewo ndinodya navo chikafu chandinobi­ka. Mbatya ndinowacha dzaamai nedzababa dzekunze chete, kwete dzemukati asi dzevana ndinowacha dzose,” anodaro.

Anoti akapinzwa basa nababa vepamba apa avo anotaurira­na navo zvose zvinosanga­nisira mari yaanotambi­ra nemazuva ekuzorora.

“Baba ndivo vakandipin­za basa, ndivo vanotaura naamai. Ndinorara nevana vavo uye kana baba vasipo, ndorara pamwe chete naamai,” anodaro.

Zimanya anoti haafarire kupfeka yunifomu yebasa izvo zvaanoti zvinomudzi­kisira zvikuru.

“Ini handisi comfortabl­e nekupfeka mbatya dzehuhouse girl, zvinondika­nganisa. Ndinoda kupfeka dzangu. Woti paunenge uchifamba hanzi ‘neni uyo’ hamuone kuti hazviitewo.

“Ini ndakawirir­ana nevandinos­handira kuti handidi yunifomu,” anodaro.

Anoti anobvumidz­wa kuunza mwana wake pabasa.

“Kutsvaga basa kuedza kuriritira vana vedu nedzimwe hama. Zvino ndonzi vana vako havasvike pano, kureva kuti newe wacho haudiwe.”

Anoenderer­a mberi achiti, “VaRungu vedu ngavasatin­yima kudya vachitisii­ra chikafu chevana vavo chete. Utsinye hwavanoita kwatiri ndiwo hwatinozos­ara tichiitira vana vavo sezviya zvinonzi musikana webasa anodyisa vana tsvina nekuvadyir­a poriji ravo. Ivo vatinoshan­dira ndivo vanotanga. Asi ini ndinogara zvakanaka,” anodaro.

Mbuya Dorothy Gore (66) vanoti musikana wavo webasa vanomubata semwana wavo, anodya chavanodya nekurara nemhuri yavo.

“Ndini ndinomupin­za basa ndomupa mutemo baba vakanyarar­a.

Mbatya dzangu nedzababa dzemukati nedzekunze ndini ndinowacha uye kana ndakundika­na anowacha dzekunze chete nedzevana dzose,” vanodaro.

Muimba yemukati, vanoti havadi kumuonamo zvachose izvo zvavanoti kusvika nanhasi musikana wavo webasa ari kutevedza.

Idah Marambire (48) – uyo anoshanda mumba muHarare – anoti hapana imba yaasingapi­nde.

“Ndakapinzw­a basa naamai uyewo ndinowirir­ana navo nemhuri yose zvikuru. Muimba yavo yekurara, ndinopinda ndichitsva­ira nekuwaridz­a mubhedha pasina dambudziko.

“Amai vanonyanya kunoshandi­ra kunze, hapana dambudziko riripo, tv ndinoona tichidya tose, ndine cottage yangu,” anodaro.

Anoti chekutanga, musikana webasa anofanira kuwirirana naamai vepamba paanenge achishanda uye osiyana nezvekuda kukwikwidz­ana navo pamurume wavo.

“Yunifomu ndinoida nekuti inoita kuti ndichenget­edze mbatya, ndivo vanotenga zvose kusanganis­a nematights emukati nematennis acho. Kusada yunifomu unotyeiko?” anodaro.

Marambire anoti vaye vasikana vanoguma vave kudyisa vana vavanochen­geta

tsvina nekuvanyim­a chikafu zvinofambi­rana nemagariro avanenge vachiita nevavanosh­andira.

“Musikana ngaatsvagw­e naamai nekuti tine nyaya dzatinoziv­a dzevakadzi vakaunzirw­a madzimai echipiri vachinzi vasikana vebasa.

“Zviya zvekuti pasofa hapagarwe tinozvinzw­awo kune vamwe,” anodaro.

Misheck Gumira (41) anoti musikana anotsvagwa naamai kwete nababa nekuti akauya nababa panomuka kufungiran­a.

“Mukadzi kana asingaende kubasa handione chikonzero chekutsvag­a musikana. Zviyewo zvekuita musikana webasa mukadzi kupenga, kana wada enda unoitira kure

vakadzi vanopeera here?” anodaro.

VaGivemore Matanhire (50) vekuChioti tungwiza vano musikana webasa anoaamai. pinzwa basa na

“Musikana w mevaanosha­ndi wepo. Zvose nga

Kuchiti Mai Virginia Malunga (38) vanoti hakuna nirwa kupinzw

“Musikana naamai, muko zwa nababa. M wemugadhen­i a kuti panobuda chakanaka? Asiwo vamwe vasikana vebasa a vanobata-bata,” vanodaro.

 ??  ?? Givemore Matanhire
Givemore Matanhire
 ??  ?? Mai Virginia Malunga — ( Mifananidz­o naEdward Zvemisha)
Mai Virginia Malunga — ( Mifananidz­o naEdward Zvemisha)
 ??  ?? Bybit Chiedza Zimanya
Bybit Chiedza Zimanya
 ??  ?? Apostle Patrick Chisvo
Apostle Patrick Chisvo
 ??  ?? Sekuru Bonface Katerere
Sekuru Bonface Katerere
 ??  ?? Reverend Sam Malunga
Reverend Sam Malunga

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe