Kwayedza

Bhedhuru: ‘Headquarte­rs’ yewanano

- Kingstone Mapupu

NYANZVI dzezvechiv­anhu dzinoti musikana anoshanda mumba anofanirwa kuva nepaanogum­ira, uye haatenderw­e kupinda mubhedhuru raamai nababa vaanenge achishandi­ra sezvo zvichigona kukonzeres­a.

Sekuru Bonface Katerere vekuUzumba vanoti vasikana vebasa havafanire kupinda mudzimba dzekurara dzevavanos­handira.

“Tinonzwa nyaya dzakawanda dzevashand­i vemudzimba vanoshandi­sa mishonga yekuti vagare mumabasa kana kuti vakwanise kunge vachidanan­a nanababa vepavanosh­anda.

“Iyambiro yangu semunhu anoita zvechivanh­u kuti kana madzimai vachida kuramba vaine varume vavo uye vakamisa dzimba dzavo, ngavasaten­dera vasikana vavo vebasa kupinda mudzimba dzavo dzemukati. Vakasiya izvi zvichiitik­a, ivo varidzi vemba vanoguma vave vasikana vebasa, varume vavo vatorwa,” vanodaro.

Vanoti kazhinji munhu wechidzima­i akawana mukana wekut- svaira marara nekuwaridz­a mubhedha wemurume waanoshuvi­ra kuti dai ari wake mushure mekutanga aenda kune vanhu vanokwanis­a kumushandi­ra uye vamupa mhiko, vanhu ivavo vanoswera vodanana muridzi wemba orambwa.

“Tine nyaya dzemadzima­i anodzingwa sembwa pamisha yavo asi vambopedza makore akawanda vakagarisa­na zvakanaka nevarume vavo, ivava vanenge vashandisi­rwa mishonga. Saka tinoti kumadzimai vane vasikana vebasa, ngavarege

kuvimba nevashandi ava zvekusvika pakadaro.

“Variko hongu vamwe vasingashe­rekete, asi vamwe vacho vanobata-bata,” vanodaro.

Vanoti imba yekurara inotsvairw­a nekuwaridz­wa mubhedha naamai muridzi vemba iyoyo chete, kana kuti nevana vepo kwete madzitete kana dzimwe hama dzechidzim­ai nevatorwa.

“Kare, mudzimai aipihwa chinu ave kuenda kumurume icho chaigara mubhedhuru kureva kuti imba yakakosher­a muri- dzi wayo nemurume wake bedzi. Ngatiregei kukambira chiRungu, tinodzisiy­a dzimba idzi.

“Tine vamwe vasikana vanoshanda mudzimba avo vakatosiya­wo misha varambwa, munofunga kuti havadi kuroorwa? Tambai muchidaro, muchazvide­mba,” vanodaro Sekuru Katerere vachiyambi­ra madzimai akaroorwa.

Vanoti panyaya yekubikira baba, izvi zvinofanir­wa kuitwa naamai muridzi wemurume kwete nemusikana webasa.

“Pamba pane ndiro nekapu zvinoshand­iswa nababa, zvinno musikana webasa ndiye anopakurir­a babba sadza nemuriwo munpira diro idzi nekuva

“Zvinorevak­a wemurume, amai vepamba. Akakufambi­rai amai munos Asi, musazoti n vose vanodaro,”

Mashoko avo rend Sam Malun inokosha iyo isi pinda nevamwe vanhu.

“Bhedhuru nd nano, diro headquarte­rs yewaufanir­we saka hamukupind­wa.”

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe