Bhedhuru: ‘Headquarters’ yewanano
NYANZVI dzezvechivanhu dzinoti musikana anoshanda mumba anofanirwa kuva nepaanogumira, uye haatenderwe kupinda mubhedhuru raamai nababa vaanenge achishandira sezvo zvichigona kukonzeresa.
Sekuru Bonface Katerere vekuUzumba vanoti vasikana vebasa havafanire kupinda mudzimba dzekurara dzevavanoshandira.
“Tinonzwa nyaya dzakawanda dzevashandi vemudzimba vanoshandisa mishonga yekuti vagare mumabasa kana kuti vakwanise kunge vachidanana nanababa vepavanoshanda.
“Iyambiro yangu semunhu anoita zvechivanhu kuti kana madzimai vachida kuramba vaine varume vavo uye vakamisa dzimba dzavo, ngavasatendera vasikana vavo vebasa kupinda mudzimba dzavo dzemukati. Vakasiya izvi zvichiitika, ivo varidzi vemba vanoguma vave vasikana vebasa, varume vavo vatorwa,” vanodaro.
Vanoti kazhinji munhu wechidzimai akawana mukana wekut- svaira marara nekuwaridza mubhedha wemurume waanoshuvira kuti dai ari wake mushure mekutanga aenda kune vanhu vanokwanisa kumushandira uye vamupa mhiko, vanhu ivavo vanoswera vodanana muridzi wemba orambwa.
“Tine nyaya dzemadzimai anodzingwa sembwa pamisha yavo asi vambopedza makore akawanda vakagarisana zvakanaka nevarume vavo, ivava vanenge vashandisirwa mishonga. Saka tinoti kumadzimai vane vasikana vebasa, ngavarege
kuvimba nevashandi ava zvekusvika pakadaro.
“Variko hongu vamwe vasingasherekete, asi vamwe vacho vanobata-bata,” vanodaro.
Vanoti imba yekurara inotsvairwa nekuwaridzwa mubhedha naamai muridzi vemba iyoyo chete, kana kuti nevana vepo kwete madzitete kana dzimwe hama dzechidzimai nevatorwa.
“Kare, mudzimai aipihwa chinu ave kuenda kumurume icho chaigara mubhedhuru kureva kuti imba yakakoshera muri- dzi wayo nemurume wake bedzi. Ngatiregei kukambira chiRungu, tinodzisiya dzimba idzi.
“Tine vamwe vasikana vanoshanda mudzimba avo vakatosiyawo misha varambwa, munofunga kuti havadi kuroorwa? Tambai muchidaro, muchazvidemba,” vanodaro Sekuru Katerere vachiyambira madzimai akaroorwa.
Vanoti panyaya yekubikira baba, izvi zvinofanirwa kuitwa naamai muridzi wemurume kwete nemusikana webasa.
“Pamba pane ndiro nekapu zvinoshandiswa nababa, zvinno musikana webasa ndiye anopakurira babba sadza nemuriwo munpira diro idzi nekuva
“Zvinorevaka wemurume, amai vepamba. Akakufambirai amai munos Asi, musazoti n vose vanodaro,”
Mashoko avo rend Sam Malun inokosha iyo isi pinda nevamwe vanhu.
“Bhedhuru nd nano, diro headquarters yewaufanirwe saka hamukupindwa.”