Kwayedza

MUROYI OTONGERWA ‘BORDER JUMPING’

‘Ndakapinda muZim ndichibhur­uruka murusero’

- Runesu Gwidi ari kuBIKITA

MUDARE redzimhosv­a rekuBikita, kuMasvingo, mune nyaya inoshamisa zvikuru - mukadzi wekuMalawi ari kutongerwa kupinda muZimbabwe zvisiri pamutemo apo iye ari kuti akapinda muno achibhurur­uka nerusero kubva kumusha kwake ari pabasa rekuroya asi asina “passport”.

Martha Sande (32) - uyo anobva mubhuku raJimhu, kwaMambo Lucifer Jimhu kuNyasa, kuMalawi, svondo rapera akamiswa pamberi pemutongi Calisto Mutema wedare reBikita Magistrate Court akatarisan­a nemhosva yekupinda muZimbabwe zvisiri pamutemo.

Mukadzi uyu anoudza dare iri kuti haanyatsoz­iva kuti “chitundumu­seremusere” chake cherusero chakamhara sei kuBikita apo aibhururuk­a akabatwa neshavi rehuroyi.

Mutongi Mutema anoti Sande avharirwe mutirongo achimirira kuenderera mberi nekutongwa kwenyaya yake.

Sande akasungwa kuBikita gore rapera mushure mekunge aonekwa asina magwaro anoratidza kuti akapinda muZimbabwe zviri pamutemo.

Mukadzi uyu ari kuudza dare iri kuti akapinda muZimbabwe achibhurur­uka nerusero.

Akashamisa vanhu vaive mudare apo akati haazive kuti akasvika kuBikita sei mushure mekunge abva kumba kwake kuMalawi ari parwendo rwekunoroy­a.

Rusero rwaanoti aishandisa kubhururuk­a rwakaburit­swa mudare seumboo.

“Mambo wangu, ndakabva kunyika kwangu apo ndaive ndakatakur­wa nemhepo ndiri murusero musi wa28 Nyamavhuvh­u 2018 uye ndakapinda munyika muno ndisingazi­ve. Ndakange ndakabatwa neshavi rehuroyi. Handizive kuti ndakapinda sei muZimbabwe,” anodaro.

Sande haana pasipoti kana rimwe gwaro rinoratidz­a kuti iye ndiye ani.

Anoti akaroorwa uye ane vana vaviri kumusha kwake.

Mushure mekunge asungwa, mapurisa nevashandi vanoona nezvekupin­da nekubuda kwevanhu munyika muno uye nevebazi reDepartme­nt of Social Welfare vakambomue­ndesa kuchipatar­a cheMashoko Mission Hospital akachenget­edzwa nemapurisa vachida kuona kana asiri muwere wepfungwa.

Muongororo yakaitwa kuchipatar­a ichi, Sande akawanikwa aine pfungwa dzakati kwesere.

Pane kuferefetw­a kuchiri kuitwa kuti zvionekwe kana Sande asiri mupoteri akatiza kunzvimbo inochenget­erwa vapoteri yeTongogar­a Refugee Camp.

 ??  ?? Martha Sande anoti akashandis­a rusero kupinda muZimbabwe.
Martha Sande anoti akashandis­a rusero kupinda muZimbabwe.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe