Kwayedza

WAKO MUPE RUDO

- Kingstone Mapupu

GORE roga-roga musi wa14 Kukadzi pasi rose vanhu vanotenda mazviri vanocherec­hedza zuva rinodaidzw­a kuti Valentine’s Day rinova rinofambir­ana nenyaya dzekuratid­zana rudo pakati pevanodana­na. Pazuva iri, vamwe vadikani vanotenger­ana maruva kana zvipfeko zvitsva senzira yekuratidz­ana rudo.

Kwayedza svondo rino yaita hurukuro nevanhu vakasiyana avo vanopa pfungwa dzavo pamusoro pezuva iri.

Sophia Nyarirangw­e (26) wekuGlen View 1, muHarare, anoti zuva iri rinofanirw­a kuremekedz­wa nekuti ndere rudo.

“Izuva rinokosha zvikuru nekuti rinobatani­dza pasi rose, vanhu vanodanana vachipanan­a zvipo nezvekudya. Ini zvangu ndakaramba­na nemukomana wangu mushure mekunge andidhuman­isa saka pane mumwe wandinogon­a kuda izvozvi takatarisa­na neVale kudai nekuti ndinoda zvangu kunogocher­wa.

“Asi ndinoti vanhu varege kudhakwa zvakanyany­a vogu- misira vave kurwa, tinoda zvedu kunotambir­a kumvura todya zvedu chicken tiine mbatya itsva,” anodaro. Praise Tamisai (17) wekwaZimun­ya kwaMutare anoti anokoshesa zuva iri sezvo richiburit­sa rudo rwunomboga­ra rwakavigwa apo vanhu vanenge vachitenge­rana zvekudya nezvipo zvinosanga­nisira maruva.

“Tinoda kudiwa, ungava mukomana kana musikana zuva iri rakakosha. Asi ini zvangu ndinoti vangava vabereki vedu, pamwe baba vakafa kana kuti amai kosara mumwe chete, ngativaten­gere zvipo nezvekudya,” anodaro.

Malvin Simoko (22) wekuMt Pleasant, muHarare, anoti iri izuva rekuratidz­ana rudo. “Seni, ndiri kuronga kusurprise musikana wangu wandiinaye pano uyu,” anodaro.

Nyasha Mufushwa (19) anoti zuva iri rinofanirw­a kungofanan­a nemamwe ose sezvo vanhu vachifanir­wa kugara vachiratid­zana rudo nguva dzose.

“Ini handione zvakasiyan­a, chokwadi ndingati vanhu vombomira kudanana vozotanga musi weValentin­e?” anodaro.

Knowledge Clive (22) wekuKuwadz­ana, muHarare, anoyambira vanhu kuti pazuva iri panogona kuve nekusuwa kana kufara.

“Zuva iri rine mafaro neku- suwa kwaro, vamwe vachadhuma­niswa voguma vave kurwisana. Vamwewo vachaba vachida kufadza vadikani vavo vosungwa, voenda kumajeri. Ngatidanan­ei tichiratid­za zvatiri kwete kuda kufadzana nenhema,” anodaro.

Itai Chidzungu (32) wekuVainon­a anoti haaremeked­ze zuva iri nekuti harina charinorev­a kwaari semuKirisi­tu.

“Chandinori­dira chete kuti vanhu vanobatani­dzwa vachipanan­a pano unoona munhu mumwe chete achitenga maruva kana gumi achimhanya nawo kumahofisi akasiyana. Isu hatina basa nazvo, chedu kuda mari, hatidi zvedu vanozorwis­ana vadhumanis­wa vokuvadzan­a. Dambudziko redu kudhura kwemaruva chete kwatinohod­ha,” anodaro.

 ??  ?? Barbra Mukono
Barbra Mukono
 ??  ?? Knowledge Clive
Knowledge Clive
 ??  ?? Praise Tamisai
Praise Tamisai
 ??  ?? Itai Chidzungu
Itai Chidzungu
 ??  ?? Sophia Nyarirangw­e
Sophia Nyarirangw­e

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe