Kwayedza

‘Muti wekutaura une chivanhu’

- Kingstone Mapupu

NYANZVI dzezvechiv­anhu dzinoti nyaya yemuti wekuRedcli­ff — uyo unonzi wakadonhed­zwa nemhepo ukazotaura apo vanhu vaiutema huni, pashure ukazomuka woga ndokudzoke­ra pawaimbeng­e uri — ine chekuita nechivanhu kana kuromba mishonga yakaipa.

Mbuya Marita Ried (52) vekuChitun­gwiza.

“Hongu, muti unogona kutaura uchishandi­swa nevafi kana varoyi chaivo. Iwe munhu hapana chaunoona, unongonzwa mazwi chete achitaura kana kuridzirwa tsamwa kana muridzo. Panogona kunge pakaurairw­a munhu akashandis­irwa mishonga achinzi takugadzik­a pano, ndiwo musha wako uyu nemumvuri waunozoror­a uri.

“Mweya ukanzarwo unogona kutaura nekuti mave kuedza kuubvisa pamusha pawo pawakasiiw­a,” vanodaro. Vanoti zvimwechet­e nemiti inoungana varoyi haitemwe sezvo ichigona kutaura sezvinonzi zvakaita muti wekuRedcli­ff uyu.

Vanoti pamuti uyu pane chivanhu chakaitwa zvinoreva kuti vanhu vakautema nekutora huni vanofanirw­a kushandirw­a kuchivanhu kuti mweya waiva pamuti apa ubve pavari.

Madzibaba Edward Manyara (64) vechechi yeJohane Masowe weChishanu uye vachinamat­ira kuWarren Park D, muHarare, vanoti aya ndiwo masaramusi.

“Hakuna muti unotaura asi kuti aya masaramusi anogadzirw­a nevanhu vanobata-bata mishonga yakaipa. Ndizvo zvaunza matambudzi­ko kuvanhu kunyangwe vanozviti vanonamata. Izvi hazvina kusiyana nevaye vainzi anahapurak­atapura vaimora huchi pagumbo remunhu, kana kusandura munhu kumuita tsuro kana imbwa, vachigadzi­ra chingwa kana mabhisikit­si kubva mundove kana tsvina yevanhu. Hakuna muti unotaura kana kuti unotemwa womuka,” vanodaro.

 ??  ?? Mbuya Marita Martha Ried
Mbuya Marita Martha Ried

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe