‘Muti wekutaura une chivanhu’
NYANZVI dzezvechivanhu dzinoti nyaya yemuti wekuRedcliff — uyo unonzi wakadonhedzwa nemhepo ukazotaura apo vanhu vaiutema huni, pashure ukazomuka woga ndokudzokera pawaimbenge uri — ine chekuita nechivanhu kana kuromba mishonga yakaipa.
Mbuya Marita Ried (52) vekuChitungwiza.
“Hongu, muti unogona kutaura uchishandiswa nevafi kana varoyi chaivo. Iwe munhu hapana chaunoona, unongonzwa mazwi chete achitaura kana kuridzirwa tsamwa kana muridzo. Panogona kunge pakaurairwa munhu akashandisirwa mishonga achinzi takugadzika pano, ndiwo musha wako uyu nemumvuri waunozorora uri.
“Mweya ukanzarwo unogona kutaura nekuti mave kuedza kuubvisa pamusha pawo pawakasiiwa,” vanodaro. Vanoti zvimwechete nemiti inoungana varoyi haitemwe sezvo ichigona kutaura sezvinonzi zvakaita muti wekuRedcliff uyu.
Vanoti pamuti uyu pane chivanhu chakaitwa zvinoreva kuti vanhu vakautema nekutora huni vanofanirwa kushandirwa kuchivanhu kuti mweya waiva pamuti apa ubve pavari.
Madzibaba Edward Manyara (64) vechechi yeJohane Masowe weChishanu uye vachinamatira kuWarren Park D, muHarare, vanoti aya ndiwo masaramusi.
“Hakuna muti unotaura asi kuti aya masaramusi anogadzirwa nevanhu vanobata-bata mishonga yakaipa. Ndizvo zvaunza matambudziko kuvanhu kunyangwe vanozviti vanonamata. Izvi hazvina kusiyana nevaye vainzi anahapurakatapura vaimora huchi pagumbo remunhu, kana kusandura munhu kumuita tsuro kana imbwa, vachigadzira chingwa kana mabhisikitsi kubva mundove kana tsvina yevanhu. Hakuna muti unotaura kana kuti unotemwa womuka,” vanodaro.