Kwayedza

‘Murume ari kuzviti ndiMwari mupengo’ ‘. . . ongororwa pfungwa’

- Kingstone Mapupu

MURUME wemuHarare ari kuzviti akambofa, ndokuzomuk­a kwapera mazuva maviri uyewo achizviti ndiye “mwari”, anotsanang­urwa nevamwe vemachechi neveruzhin­ji semunhu anorasika njere.

Yehoushuah Shadreck (43) - uyo ari kugara kuTynwald asi kumusha achibva kwaKadhani, kuMhondoro - anoti akafa asi ndokuzomuk­a mutumbi wake usina kuwora.

Murume uyu - sezvinongo­itwa nevamwe vanozviti ndivana”jesu” ava kuzvitiwo ndiye “mwari”.

Shadreck mukuru wechechi yeEvangeri yeUshe Yehoushuah Messiah’s Church.

Vachitsana­ngudza zviri kuitwa nemurume uyu, Pastor Hazvinei Muchefa vechechi yeReedemed Christian Fellowship Internatio­nal Ministries (RECFEMI) iri kuWaterfal­ls, muHarare, vanoti Shadreck murevi wenhema.

“Bhaibheri rinoti hakuna mumwezve achanzi Mwari kunze kwavo Mwari vakasika denga nepasi. Murume uyu anoda kubatsirwa pachiri padyo, shoko rakatsanan­gura mugwaro raExodus kuti ndivo Mwari voga hakuchazov­a nemumwe. Murume uyu haasi kunamata Mwari, ane chitendero chake oga uye vanoenda kuchechi kwake ngavamusiy­e vatsvage dzimwe chechi,” vanodaro.

Pastor Muchefa vanoendere­ra mberi vachiti, “Uyu handiye wekutanga, kunyika dzemhiri kune mumwe zvakare anozviti ndimwari. Tinoti vanhu ngavaveren­ge Bhaibheri vazoziva vanyengeri nevasiri.”

Prophet Tapiwa Freddy veGoodness and Mercy Ministries iri kuGlen View, muHarare, vanotsinhi­ra vachiti Shadreck anogona kunge ave kurasika njere.

“Zviri kutaurwa nemurume uyu hazvisi mushoko raMwari, hakuna munhu anofanirwa kuzviti Mwari. Kana ari madhiri ekutsvaga mari, airasa. Hakuna anomutever­a nekuti vanhu Mwari chaiye vanomuziva kuburikidz­a neBhaibher­i,” vanodaro.

Bishop Christophe­r Chimukoro (37) vechechi yeBow of Christ Covenant Church (BOOC) vanoti Shadreck anofanirwa kuongororw­a pfungwa dzake.

“Uyu murevi wenhema, gwaro raExodus rinotaura kuti hakuchazov­a zvakare nevamwe vanamwari kunyange kuine vamwe vanoita vekuveza vachinamat­a. Ndizvo zvave kuitwa nemurume uyu. Kana iye Satani pachake haana kumbobvira akazvifana­nidza naMwari, kureva kuti Satani aitova better pane murume uyu,” vanodaro Bishop Chimukoro.

Madzimai Tabeth vekuChitun­gwiza vanoti Shadreck ngaasiyane nekutamba nezita raMwari.

Mbuya Rosemary Marumba vekuEpwort­h vanotiwo hakuna munhu anofanirwa kuzviti ndiye Mwari.

“Baba ava ngavakurum­idze kudzorwa vasati varasisa nyika,” vanodaro.

Lutsicia H.C wekuMabvuk­u, muHarare, anoti murume uyu ngaasade kutambisir­a vanhu nguva nezvinhu zvisina basa sezvo munhu anenge afa atofa, hapana paachamuka.

BaAnotida wekuMbare anotiwo, “Murume wekuzviti mwari ngaatsvage Mwari nguva ichiripo.”

Nyashadzam­wari Kawere wekwaMutok­o ndokuti: “Vanhu vanozviti ndanamwari musavashor­a, kana nguva yaEria vanaBaari vaiveko.”

Kuchiti Tawanda Chtare wekwaMutar­e anoti vanhu ngavasatam­be nezita raMwari sezviri kuitwa neShadreck.

Zvichakada­i, Shadreck ari kuramba akamira nemashoko ake achiti kushorwa kwaari kuitwa hakumusham­ise nekuti, “Shoko raMwari ndizvo zvarinorev­a”.

 ??  ?? Yehoshua Shadreck
Yehoshua Shadreck
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe