Kwayedza

‘Anondituka nezveHIV’

- Tatenda Shuro

MURUME wekuMbare, muHarare, akachema-chema mudare achiti mudzimai wake anomutuka pajekerere pamusoro pekurarama kwaari kuita neutachion­a hweHIV.

Alouis Karigo akamhan’arira mudzimai wake Rhoda Machingaut­a kuHarare Civil Court.

“Ishe wangu, uyu mudzimai wangu tichiri tose. Asi ndinoda gwaro redzivirir­o uye kuti vadzingwe pamba nokuti mashoko avanonditu­ka nawo anondidzim­ba samare.

“Nekuda kwekuti tinorarama neutachion­a hweHIV neAIDS, tinofanira kuzvizivir­a toga asi anotonditu­ka nekuda kwechirwer­e ichi pajekerere nepamberi pevana zvekuti kana kudzidza kwavo kwatoderer­a,” anodaro Karigo.

“Amai ava vandishung­urudza. Ndakatombo­vapa gupuro vakazondif­onera ndiri kubasa vachiti havana mari yekubhadha­ra pavaigara neyechikaf­u ndikazovan­zwira tsitsi ndokudzoka kumba mushure mekunge tamboenda kumunhu akatiyanan­isa.”

Achipawo divi rake, Machingaut­a anoti: “Handipokan­e nechikumbi­ro chavo, kuvatuka zvinyadzi nekuvashun­gurudza ndaizviita asi handichada kuzviita zvakare.”

Anoti aituka murume wake nekuti aimuvanza kuti anorarama neutachion­a hweHIV.

“Vanorarama neHIV neAIDS, ndakazviba­ta mushure mokuviga-kuviga mishonga yavainwa kuti ndisazvizi­ve vachindima­nikidz bonde. Ndopandaka­tanga kuvatuka.

“Zvakandirw­adza chaizvo ndokuzoend­a kunoyanani­swa namufundis­i ndikabvuma zvavaive vari asi vaizonditu­ka mushure vachinditi ndiri pfambi,” anodaro.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Karigo gwaro redzivirir­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe