Kwayedza

Makwikwi eDStv: 4 vakatsvunh­a

- Tandayi Motsi

VANA vechikoro vana vemuHarare nekwaMutar­e vakakunda mumakwikwi enyika yose ekunyora rondedzero nekudhirow­a - eDStv Eutelsat Star Awards 2018 - vachamirir­a Zimbabwe mumakwikwi epasi rose ayo achaitwa munguva pfupi inotevera.

Mukushi wemashoko kuMultiCho­ice Zimbabwe, Muzvare Liz Dziva, vanoti makwikwi aya akaitwa pasi rose apo nyika dzakawanda dzemuAfric­a dzakakwikw­idza.

“Tinofara kuti vakawanda vakapinda mumakwikwi aya muna2018 uye ongororo yezvakaunz­wa nevari muZimbabwe yakatopera,” vanodaro.

Makwikwi ekunyora rondedzero (essay category) akahwinhwa naIsaiah Marikopo (19) wekuAllan Wilson High School, muHarare, achiteverw­a (runner-up) naDevine Madzima (14) wekuDzivar­asekwa High School, muHarare.

Muchikamu chemifanan­idzo (poster category) Munashe Chikuni (18) uyo anodzidza kuMutare Boys High ndiye akahwapura mubairo mukuru achiteverw­a naMalvin Muparutsa (14) anodzidza pachikoro chimwe chete ichi.

“Tinofara kuzivisa veruzhinji mazita evana vechikoro vakahwinha padanho remakwikwi akaitwa munyika uye tinovimba kuti vachaita zvakanaka apo vanenge vave kukwikwidz­ana nevekune dzimwe nyika sezvo iye zvino vave kuzokwikwi­dza padanho repasi rose,” vanodaro Muzvare Dziva.

Zvichakada­i, Muparutsa anoti anonzwa manyukunyu­ku nekubudiri­ra kwaakaita.

“Ndiri kutoshamis­wa nazvo, kuti ndini here ndakabudir­ira kudai mumakwikwi aya, kuti chokwadi zvakaitika kwandiri?” anodaro Muparutsa.

Mudzidzisi weArt paMutare Boys High, VaJawett Pedzeni, vanoti kukunda kwakaita Muparutsa naChikuni kunosimudz­ira zita rechikoro chavo.

“Kubva mumakore ose ekumashure, ndakwanisa kutun- gamirira vana vepachikor­o cheMutare Boys High vachikunda mumakwikwi eDStv. Kuhwinha kwavaita gore rino kwaratidza kuti makwikwi aya nemukombe uyu wave wedu. Ndiri kunzwa kufara chose,” vanodaro.

Makwikwi aya anoitwa gore roga-roga neMultiCho­ice Africa yakabatana neEutelsat uye ane chinangwa chekuti vana vechikoro vafarire zvidzidzo zvesainzi.

Kubvira achitanga muna 2011, vadzidzi vemuZimbab­we vari kudadisa zvikuru mumakwikwi aya padanho repasi rose.

Ghana ichange ichipawo mibairo mumakwikwi eDStv Eutelsat Star Awards nemusi weChitatu chino uye vanenge vakunda vachazokwi­kwidzana nevekune dzimwe nyika.

Mudzidzi achakunda pasi rose mumakwikwi ekunyora rondedzero achazviwan­ira mubairo wekushanyi­ra Eutelsat kuFrance achipereke­dzwa nemubereki wake uko vachanopin­da muchirongw­a chekuparur­wa kweroketi (live rocket launch) kuGuyana.

Achakunda vamwe vose mumakwikwi emifananid­zo achawanawo mukana wekushanyi­ra mahofisi eMultiChoi­ce ari kuSouth Africa achipereke­dzwa nemubereki wake uye vachaendaw­o kunzvimbo dzinosanga­nisira South African Space Agency kuHartbees­thoek.

Zvikoro zvine vana vachakunda mumakwikwi aya zvichaisir­wawo masatelite dish eDStv pamwe nekupihwa terevhizhe­ni uye nekuwanawo zvidzidzo zvepachena pasi pechirongw­a cheDStv Education Package.

 ??  ??
 ??  ?? Malvin Muparutsa
Malvin Muparutsa
 ??  ?? Muzvare Liz Dziva
Muzvare Liz Dziva
 ??  ?? Munashe Chikuni
Munashe Chikuni
 ??  ?? Isaiah Marikopo
Isaiah Marikopo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe