Kwayedza

Delta yopa bhezari

- Walter Mswazie ari kuMASVINGO

KAMBANI yeDelta Corporatio­n yakatanga chirongwa chemakore maviri chekubatsi­ra mwana anobva kumhuri inoshaya uyo akapasa bvunzo dzeO-Level dzegore rapera nebhezari rekuti akwanise kuenda kuA-Level kudunhu reMasvingo.

Bhezari iri richabatsi­ra mwana anodzidza pachikoro chiri pasi peHurumend­e kana chechi nemari dzechikoro, yekutenga mayunifomu, mabhuku ekuverenga neyekushan­disa zvakasiyan­a.

Mutsamba yakanyorer­wa kumukuru wedzidzo wekuMasvin­go ichibva kuna Muzvare Patricia Murambinda - avo vanova corporate affairs executive kuDelta Corporatio­n - kambani iyi yakakumbir­a mahofisi ezvedzidzo kuMasvingo kuti asarudze vadzidzi vavatu vakapasa O-Level avo vanoda kuenda kuA-Level.

Vanoti mudzidzi mumwe chete ndiye achasarudz­wa pane vatatu ava.

“Vadzidzi ava vanofanira kunge vakapasa zvikuru pabvunzo dzeO-Level dzakanyorw­a munaMbudzi-Zvita 2018 uye vaine umboo hwekuti vanobva kumhuri dzinoshaya,” vanodaro Muzvare Murambinda.

Vanoti kambani yavo ichabatsir­a mudzidzi kufunda pachikoro cheHurumen­de kana kuti chiri pasi pechechi kwete chikoro chakazvimi­rira.

Muzvare Murambinda vanoti vanenge vabudirira kupinda muchirongw­a ichi vachazivis­wa kuburikidz­a nekunyorer­wa matsamba, zvimwe chetewo nemahofisi evakuru vezvedzidz­o ekuMasving­o.

Zuva rekupedzis­ira rekutambir­wa kwemazita evanoda kupinda muchirongw­a ichi ndi14 Kukadzi 2019.

 ??  ?? Muzvare Murambinda
Muzvare Murambinda

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe