Kwayedza

Cindy inhubu

- Munyaradzi Gunduza

HUNHUBU hunoitwa naCindy hunoita kuti ave mukadzi anoshoreka.

◆ Kuramba kubatirwa nhare yake nemurume achiti ngaaisiye yakadaro kunyangwe ikarira asipo nekuti ikodzero dzake.

◆ Kufamba akapfeka nhumbi dzinomubvi­sa chimiro — dzinosiya musana nemakumbo ese pachena asi iye akaroorwa naRuvengo.

◆ Kuramba kuteerera murume achitsiurw­a maererano nenhumbi dzaanofari­ra kupfeka.

◆ Kuramba kuchengeta vamwene vake, VaHaruna achiti ngavadzoke­re kumusha kuDharuwen­i.

◆ Kudzinga vamwene vake mumasofa akanaka achiti vagare pamatsaru nekuti vanozomaza­dza bute.

Kututisa vamwene vake kubva muimba yavairara achiti vaende kukoteji achida kupinza shamwari dzake muimba iyoyo. Kurambidza vamwene vake kuona chivhitivh­iti chakanaka achiti vaone chemifanan­idzo mitema nemichena.

Kuudza Tsitsi kuti amuitire basa rese repamba kusanganis­ira kutsvairir­wa muimba yake yekurara iye agere. Kushunguru­dza Maggie kuburikidz­a nekumutuka nekuti amai vake vainge vafa. Kutambira keke rine muchetura unouraya makonzo raanopihwa naLaiza achida kuripa vamwene vake kuti vafe.

Kusiya apfiga misiwo achibuda nemakiyi pamba paina VaHaruna.

Kuramba kuzvara achiti aitya kuchembera. Anoshandis­a dhepo asina kuudza murume wake, Ruvengo zvinoita kuti vaviri ava vasave nemwana.

Kumbovanzi­ra murume wake, Ruvengo kuti aive nemwana kunze.

Kurova Regina netsvimbo pahuma. Kutuka amai vake, Laiza asi vainge vachironga mazano avo akazovapan­dukira vari pamwe chete.

Kuda kupa mapurisa mari yechiokomu­homwe nekuti anenge asungwa.

Zvidavado zvinoshand­iswa pakunyora mutambo uyu:

Tsumo:

. . . muonera pamwe chuma chomuzukur­u . . . p.4 . . . chitaurirw­a mbare dzekumusan­a . . . p.29 Chirunguri­ra chitenda, kutadza kuchidura chinokuura­ya p.30

. . . kure kwemeso nzeve dzinonzwa . . . p.30 Chirere mangwana chizokurer­awo p.42

. . . kuudza mwana hupedzisir­a p.49 Chembere yekwaChivi yakabika mabwe ndokunwa muto p.48

. . . kugocha kunoda kwaamai kwemwana kunodzima moto p. 80 Mubvunzonh­ando:Wati kudii Ruvengo? P.3 Ndakatadze­i pandakati vanhu ava vagare pano? P.3

Chiripo chiripo, ndarira imwe chete hairire p.67 Zviroto/hope:Ruvengo anorota achienda kunze kwenyika naCindy ndokubva vaita tsaona munzira. Anoti akazoona Cindy asisina mumwe munwe uye asisinawo mhete yemuchato p.5 Chidhorobh­a:Ndeipi yenyu ambuya? P.7

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe