Kwayedza

Rimai bhinzi: ZFU

- Kingstone Mapupu

SANGANO rinomirira varimi munyika reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rokurudzir­a kuti vashandise hunyoro hwemvura iri kunaya mazuva ano kuti vadyare zvirimwa zvidiki zvakadai sebhinzi idzo vanogona kuzotenges­a vozviwanir­a mari yavo.

ZFU executive director VaPaul Zakariya vanoti ino ndiyo nguva yekuti varimi varime minda yavo nekuda kwehunyoro huriko uhwu vodyara bhinzi kuitira kuti dzizofambi­rana nemwaka dzosvika zvakanaka.

“Mvura iri kunaya kune dzimwe nzvimbo asi kumwe haisi kunaya zvakanaka saka tinoti nekuda kwemwaka wedu unenge wakachenje­ra pamanairo emvura yacho ngavashand­ise mukana wehunyoro huriko uhwu,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti dzimwe mbesa dzinogona kutadza kuita zvakanaka saka zvakakosha zvikuru kuti varimi vadyare dzakasiyan­a zvinopa mukana wakatamban­uka wekuti zvimwe zvinogona kuita zvakanaka zvimwe zvoramba.

“Igaroziva kuti varimi vazhinji chikamu chingaite 95% vanorima chibage, zvino nekuda kwemwaka wedu uyu zviri kuda kuti tirime bhinzi nezvimwewo zvirimwa zvidiki kuitira kuti chibage chedu chikatsva zvimwe zvinosvika. Saka tiri kuti hatishandi­sei mukana wehunyoro uhwu nguva ichiripo,” vanodaro.

VaZakariya vanoti dambudziko ravainaro nderevarim­i vanoenda kunotenga mbeu yebhinzi mumigwagwa vachida kuti vazoidyara.

“Tinoti kuvarimi ngavaende kunotenga mbeu yebhinzi mhando chaiyo muzvitoro zvinotenge­sa mbeu yezvirimwa vorega kutenga bhinzi riya rekudya muzvitoro uyewo ngavarege kutenga bhinzi rose rose. Ngavazive mhando yebhinzi dzavari kutenga nekubvunza zvinodiwa pamarimirw­o adzo,” vanodaro.

Vanokurudz­irawo kushandisw­a kwefeterai­za chaiwo inodiwa muchirimwa chebhinzi.

“Mvura kana iripo ngatiiteiw­o mapindu tichirima muriwo nezvimwe zvakasiyan­a todyara kana dzingava mbambaira nezvimwe zvirimwa zvidiki. Tingabva tati here pamhando dzezvirimw­a zvina murimi woshaya chinosvika ipapo? Kunyepa, tinokunda pamwe pacho,” vanodaro.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe