Kwayedza

Zvirimwa zvotsva nekushaya mvura

- Sydney Mubaiwa ari kuZAKA

MAMIRIRO ezvirimwa anonzi haana kunaka kudunhu reZaka, apo zvakawanda zvacho - zvikuru chibage - zviri kutaridza kuti zvaomerwa zvakanyany­a nekushaikw­a kwemvura kwenguva yakareba.

Pane kuchirwa kuripo kuti chibage chinogona kuoma zvachose mudunhu iri kana mvura ikarega kunaya masvondo maviri ari kutevera.

Zaka rimwe rematunhu akasingana­ye mvura zvakanaka kuMasvingo uye mvura yange ichinaya iri shoma mwaka uno izvo zvaita kuti varimi varase tariro yekuti vangawane goho rakanaka.

VaFelix Gova vanove Zaka District crop and livestock officer vanoti mamiriro ezvirimwa haana kunaka zvachose mudunhu iri.

Vanoti ongororo yavakaita inotaridza kuti zvirimwa zvizhinji zvinogona kuoma nezuva uye varimi havasisina tariro yekuti vangadyaru­rure kana mvura ikazonaya munguva inotevera.

“Kudyara hakusati kwatanga kune dzimwe nzvimbo, kunyanya dzinoti Benzi, Matara neChiredza­na,” vanodaro VaGova.

“Nzvimbo idzi hadzina kumbobvira dzawana mvura kubva munaZvita gore rapera. KuZaka North, kunyanya wadhi 1 yeChipinda Resettleme­nt, chikamu che30 percent cheminda inofanirwa kunge ichirimwa ndicho choga chine zvirimwa izvo zvisina kumira zvakanaka zvakare. KuZaka West, chikamu chiri pasi pe10 percent cheminda ndicho chine zvirimwa.”

VaGova vanoti dunhu reZaka rinogona kutarisana nekushomek­a kwakanyany­a kwezvekudy­a nekuda kwekusanay­a kwemvura mwaka uno.

Vanoti chave kudiwa kuti varimi varime mbesa diki dzinoshing­irira muzuva nekuda kwekuti mvura inonaya iri shoma mudunhu iri.

“Tiri kuzama kudzidzisa varimi kuti varime mbeu diku dzakadai semhunga, zviyo nemapfunde sezvo dzichikura nekukasika uye nekushingi­rira muzuva kana dzichienza­niswa nechibage, asi varimi vakawanda vachiri kungoda kurima chibage chete,” vanodaro.

Parizvino, mhuri dzinodarik­a 34 000 dzakatoziv­isa kuti dzakataris­ana nenzara kuMasvingo uye dzinoda rubatsiro rwezvekudy­a.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe