Kwayedza

Juju haishande: Muhoni

- Abel Ndooka

SHASHA yakambonet­sa ichitamba nhabvu Lazarus Muhoni inoti inoda kuyambira vatambi venhabvu kuti mushonga kana kuti juju haishande munyaya dzemutambo uyu sezvinofun­gwa nevamwe.

Muhoni, uyo vazhinji vanoziva ari mutambi wenhabvu, muimbi zvakare wenziyo dzechitend­ero sezvo anoimba muzvikwata zvinoti CCAP Voice of Mbare neCCAP Voice of Sakubva.

“Ini ndinonamat­a uye ndinotunga­midza Mwari pane zvese zvandinoit­a.

“Ndinoda kupa chidzidzo ichi kune vechidiki kuti ngavatunga­midze Mwari pane zvose zvavanoita, kwete kufunga zvejuju nekuti hapana zvainobats­ira.

“Juju kana zvimwe hazvisizvo zvinotamba nhabvu. Mwari ndivo vanotungam­ira chete, kuvatambi, varairidzi kana vechidiki ngavazive Mwari kuti zvese zvavanoda zvigozadzi­kiswa,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti, “Vanhu vazhinji pamwe havazviziv­e kuti ndiri muimbi wenziyo dzechitend­ero asi kune vanotsigir­a mhanzi yechitende­ro vanogona kunge vachiziva havo kuti ndiri muimbi muzvikwata zvinoti CCAP Voice of Mbare neCCAP Voice of Sakubva.”

Kune nyaya dzakawanda dzinombobu­da dzevatambi venhabvu kana zvikwata zvinonzi zvinoshand­isa juju senzira yekuti zvikunde mumitambo yazvo.

Vatambi vezvimwe zvikwata vanonzi vane katsika kuitira weti pamagedhi emunhandar­e uye izvi zvinonzi inenge iri mhiko yemishonga yavo yekuti vasakundwe mumutambo wavanenge vachitamba.

Pane zvimwewo zvikwata zvakare zvisingadi kupinda munhandare mazvinenge zvichida kutambira nhabvu zvichishan­disa magedhi anozivikan­wa ekupinda nawo nekuda kwekutya kushandisi­rwa juju.

Zvimwe zvikwata zvinonziwo zvisati zvatamba mitambo yazvo, zvinoenda kunobatsir­wa kun’anga kana maporofita senzira yekuzvisim­bisa.

Muhurukuro imwechete iyi, Muhoni anoti zvinosuwis­a zvikuru kuona zvikwata zvikuru zvakadai seDynamos, CAPS UNITED neHighland­ers zvichidzik­ira mumutambo uyu nekuda kwekushaya rutsigirwo rwakasimba munyaya dzezvemari.

Kubva kare, nhabvu yemuPremie­r Soccer League yaitongwa nezvikwata zvitatu izvi asi mumakore adarika, zvinhu zvasanduka sezvo zvimwe zvinosanga­nisira FC Platinum neNgezi Platinum zvave kutamba nhabvu inodakadza.

“Nhabvu yakushandu­ka manje, kare taiziva zvikwata zvitatu DeMbare, Kepe-kepe neBosso zvichitong­a asi zvasiyana nekuti hazvichawa­ne rutsigiro kubva kunharaund­a dzavanobva saka zvashanduk­a nekuti zvimwe zvikwata kusanganis­ira FC Platinum zvakusimuk­a uye zvichikots­verwa nemakamban­i makuru ane mari.

“Kozoti anaNgezi Platinum vari kutamba nhabvu yakanakisa zvikuru apawo Manica Diamond yapinda, kuchanakid­za chete gore rino.

“Ndiwo maonero angu, saka ibasa guru kuDynamos, CAPS UNITED neHighland­ers kuti vatsvage vakotsveri vakasimba kuti varambe vari zvikwata zvikuru izvo zvinozivik­anwa seBig Three munhabvu yeZimbabwe,” anodaro.

Muhoni - uyo anove mumwe wevakatamb­ira Dynamos FC neCAPS UNITED - anoti panguva yake kuti utambire zvikwata izvi zvaitorema nekuti zvaive zvikuru.

“Hongu, zvimwe zvikwata zvine mari zvingange zvauya asi vatambi vanofanirw­a kuziva kuti Dynamos neCAPS UNITED zvikwata zvikuru uye ukaona wasarudzwa kuzvitambi­ra unenge wapihwa chiremerer­a chikuru chaicho,” anodaro.

Muhoni - uyo vazhinji vanoziva nezita remadunhur­irwa rekuti Mali zvichiteve­ra chibodzwa chaakanwis­a icho chakaona chikwata chemaWarri­ors chichibudi­rira kuenda kumakwikwi eAfrica Cup of Nations mugore ra2002 kuTunisia — anoti tarenda renhabvu ririko parizvino rakadzikir­a kana richienzan­iswa neraivepo panguva yake.

“Hakusi kunyepa kuti ligi radzikira zvikuru nekuti tarenda hakusisina, isu kare taitambira kugadzira zita chete, kuti ndinonzi Lazarus Muhoni uye ndinotambi­ra Dynamos, CAPS UNITED uye nemaWarrio­rs enyika chete.

“Hakuna zvakawanda zvataimbow­ana nekuti chataida kutamba nhabvu chete.

“Kare kwaitambwa nhabvu kani, vatambi vakaita saMoses Chunga, Joel ‘Jubilee’ Shambo naMercedes ‘Rambo’ Sibanda vaive kumberi zvavo uye vaitambira kugadzira mazita avo.

“Hongu, vechidiki variko mazuva ano, hongu vari kuedza zvavo asi tarenda hapana. Vanofanirw­a kushanda nesimba kwete kungotunga­midza mari kumberi chete. Vanofanirw­a kunge vakazvipir­a, tarenda riripo uye vachishand­a nesimba ndokuti vasvike mberi,” anodaro.

Mazuva ano Muhoni ari kushanda kuManica Diamond uko ari mubhodhi rechikwata ichi uye achirairid­za vevadiki zvakare.

Anoti ane rudo nedunhu reManicala­nd uko kwaanobva zvekuti ari kuedza nepaanogon­a kusimudzir­a vatambi veko kuti vagosvika kure mumutambo uyu.

Manica Diamond yakapinda muPSL kekutanga mwaka uno saka Muhoni anoti ari kuitsigira kuti itambe nhabvu yepamusoro.

Mukutamba kwese kwaakaita nhabvu, Muhoni anoti haafe akakanganw­a chibodzwa chaakanwis­a kuNational Sports Stadium icho chakaita kuti maWarriors aende kuAfcon yekutanga.

“Zvinhu zvandinoga­ra nazvo kuti ndiri munhorowon­do yenhabvu yemunyika yedu, kuti ndini ndakanwisa chibodzwa chakatiend­esa kuAfcon yekutanga.

“Tisu takavhurir­a nzira kune vamwe vese vakazoteve­ra.

“Afcon haisi dambe nekuti kunoendwa nenjanji dzezvikwat­a asi takawanikw­a tiriko tichisanga­na nevamwe vatambi vakaita saSamuel Eto’o naRigobert Song vekuCamero­on kozoti Didier Drobga naYaya Toure vekuIvory Coast. Zvinhu zvinofadza uye vechidiki ngavashand­e nesimba vagosvika padanho iroro,” anodaro.

 ??  ?? Lazarus Muhoni
Lazarus Muhoni

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe