‘Ndinotsindira vakadzi vakaroorwa’
◆ zotiza nzara kumba kwake apo akasungwa.
“Madzimai aya taivabata chibharo nenzira iyi musurgery medu,” anodaro.
Murume uyu anoti dai pawana vanomubatsira kufanobvisa mishonga nezvikwambo izvi kumba kwake iye asati adzoka kubva kujeri.
Anotizve kunotova nemamwe madzimai aidzoka nevarume vavo kuzotenda kuti vakabatsirwa nekuuchikwa.
“Takapihwa mombe nembudzi dzakawanda nevanhu vaidzoka vachitenda. Tine vana vangangodarika 200 pakati pedu tiri vaviri, kusanganisira mapatya, avo vari kuchengetwa nevarume vachifunga kuti ndevavo ivo vari vedu,” anodaro. Anoti madzimai mazhinji “vatakauchika” vaisaudza varume vavo nzira dzatinoshandisa pakuvashandira nekutya “sezvo vamwe vacho vainge vachitoda kurambwa nekuda kwekushaya mbereko”.
Sakhala anoti vane mushanga wavaishandisa unovaita kuti vasabatwe nechirwere cheHIV neAids.
Pasi rose, hakusati kwava nemushonga unorapa kana kudzivirira munhu kuti asabatwe neHIV neAids. Zvisinei, Sakala anoti haasati aongororwa paamire maringe neHIV neAids.
“Takabatsira madzimai mazhinji kuti vawane vana nekuti vamwe vainge voda kurambwa nevarume vavo. Takazosungwa tatyora mhiko dzedu nekuti taisafanirwa kuita chipfambi, taifanirwa kuroora madzimai akawanda tichiunganidza pamusha,” anodaro.
Anoti n’anga yakavapa mishonga nemhiko inobva kuBinga.
Sakhala anoti murume waamai vake — vasiri baba vake — vakamusiirawo kandege, kamba, zvikwambo nerusero zvehuroyi izvo anoti zvava kumutambudza.
“Zvinhu zvandakasiirwa nastep-father vangu izvi ndakazvisiya kumba kwevarungu kwandakanga ndave kushanda ikoko kuAlaska, zvirimo mumba izvozvi. Kamba iyi inotaura neni ndirere ichiti inoda howa nemacabbages izvo yaipihwa nababa vasati vafa.”
Anoti akamboedza kupa kamba iyi — iyo inonzi inogona kudarika makore 20 isingadye kana chinhu – kumunin’ina wake asi akairamba.
“Dai zvaikwanisika ndinoda kuti munin’ina wangu Frank ari kuChinhoyi auye ndomuudza pane zvinhu izvi, zvimwe zvacho ozvidzosera kun’anga kuBinga. Vanonobvisa mombe dziri kudiwa dzekuti mishonga iyi itambirwe nekuti zviri kunditevera kuno kujeri,” anodaro.
Mishonga iyi anoti ndiyo yaishandiswa nemurume waamai vake kuenda nekudzoka kuMalawi vari murusero vachinotora hove nemupunga.
Sakhala anoti upenyu hwake hwasanduka. “Ndava mufundisi ndakatora dhigirii rechipastor. Ndinoda kuzoparidza shoko kana ndabuda.”
◆