Kwayedza

Kasvava komera mazamu

- Kingstone Mapupu

NYAYA yemuroora wechidiki wekuHurung­we — uyo ari kuti akabatwa chibharo natezvara vake ndokubata pamuviri apo akazosunun­guka mwana masvondo maviri adarika — yava nepamwe sezvo kasvava aka kava kurwara zvisinganz­wisisike uye kakamera mitumba yemazamu ari kujuja mukaka.

Pari zvino kasvava aka kari kurapwa muchipatar­a chePariren­yatwa Group of Hospitals pamwechete naamai vacho avo vasiri kunzwawo zvakanaka.

Muroora uyu — Rumbi (20) — akabuda muKwayedza svondo rapera achitsvaga rubatsiro.

Pari zvino ari kugara naamai nababamuni­ni vake kumapurazi ari pedyo neEpworth, muHarare.

Rumbi anoti tezvara vake — avo vanove muzvinhabh­izimisi uye murimi wefodya kuHurungwe — vakaronga nemurume wake kunovhura chitoro kuRutenga mushure mekunge vawana mari pavakateng­esa fodya.

Anoti akabhinywa natezvara ava kaviri ndokubva abata pamuviri apo vakamutora kumusha kwaaiva nemurume wake ndokunogar­a naye achitenges­a muchitoro chavo kuRutenga.

Tezvara ava havasati vasungwa nemhosva yavari kupomerwa iyi sezvo muroora uyu achiti akatya kumhan’ara nyaya iyi payakaparw­a.

Rumbi anoti svondo rapera akangoona mwana wake kasvava omera mazamu.

“Ndakangoon­a mwana okura mazamu ayo atoita kunge emhandara ndikatya nazvo. Anobuda mukaka wakawanda, hameno kuti kuroyiwa here.

“Ndave kutya nekuti tezvara vangu vakanditum­ira mashoko ndisati ndasunungu­ka apo ndakanotau­ra nyaya iyi kuKwayedza nekunhepfe­nyuro yeStar FM vachinditi ita zvako, tinoda kuona mukuru ini newe,” anodaro.

Anoti akazomhan’ara nyaya yekubatwa chibharo kwake natezvara ava kumapurisa ekwaMakoni, kuChitungw­iza, iyo anoti haazive kuti yava papi pari zvino.

Babamudiki vari kuchengeta Rumbi nemwana wake vanoti vashaya zano rekuita nekuda kwezvava kuitika kukasvava aka.

“Handina kumbobvira ndakaona kasvava kanomera mazamu, uhwu huroyi,” vanodaro.

Mwana uyu anonzizve anogara achingoche­ma, izvo zvinofungi­rwa kuti zvichida anorwadziw­a ne

Amai vaRum wangu ari kuv vake vanova vak vanoda kuona k roora naivo ndiyvani Izvozvi ari kurwara, vose nemwana vari muchipatar­a. Iye akangopunz­ika uye anoti rutivi rwake rwakaoma.”

Mukuru wechiipata­ra cheHarare Central Hospital, Dr Nyasha Masuka, vanoti zviri kuitika kumwan nekubuda muka

Vanoti pane munyama dzem nisa kugadzirik kuchipatar­a.

Asi Sekuru Elisha Mutanga vekuUmuHar­are, shewokunze, m pachena kuti m mirwa zvidhom

“Ari kushandis inofanirwa kufa

Mutevedzer­i munyika, Assisttant Commission­er Paul Nyathi, vanoti va biro ari kuita yaya yekubatwa chibharo ny kwaRumbi.

 ??  ?? Kasvava kakamera mazamu
Kasvava kakamera mazamu
 ??  ?? Rumbi
Rumbi
 ??  ?? Dr Nyasha Masuka
Dr Nyasha Masuka

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe