Kasvava komera mazamu
NYAYA yemuroora wechidiki wekuHurungwe — uyo ari kuti akabatwa chibharo natezvara vake ndokubata pamuviri apo akazosununguka mwana masvondo maviri adarika — yava nepamwe sezvo kasvava aka kava kurwara zvisinganzwisisike uye kakamera mitumba yemazamu ari kujuja mukaka.
Pari zvino kasvava aka kari kurapwa muchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals pamwechete naamai vacho avo vasiri kunzwawo zvakanaka.
Muroora uyu — Rumbi (20) — akabuda muKwayedza svondo rapera achitsvaga rubatsiro.
Pari zvino ari kugara naamai nababamunini vake kumapurazi ari pedyo neEpworth, muHarare.
Rumbi anoti tezvara vake — avo vanove muzvinhabhizimisi uye murimi wefodya kuHurungwe — vakaronga nemurume wake kunovhura chitoro kuRutenga mushure mekunge vawana mari pavakatengesa fodya.
Anoti akabhinywa natezvara ava kaviri ndokubva abata pamuviri apo vakamutora kumusha kwaaiva nemurume wake ndokunogara naye achitengesa muchitoro chavo kuRutenga.
Tezvara ava havasati vasungwa nemhosva yavari kupomerwa iyi sezvo muroora uyu achiti akatya kumhan’ara nyaya iyi payakaparwa.
Rumbi anoti svondo rapera akangoona mwana wake kasvava omera mazamu.
“Ndakangoona mwana okura mazamu ayo atoita kunge emhandara ndikatya nazvo. Anobuda mukaka wakawanda, hameno kuti kuroyiwa here.
“Ndave kutya nekuti tezvara vangu vakanditumira mashoko ndisati ndasununguka apo ndakanotaura nyaya iyi kuKwayedza nekunhepfenyuro yeStar FM vachinditi ita zvako, tinoda kuona mukuru ini newe,” anodaro.
Anoti akazomhan’ara nyaya yekubatwa chibharo kwake natezvara ava kumapurisa ekwaMakoni, kuChitungwiza, iyo anoti haazive kuti yava papi pari zvino.
Babamudiki vari kuchengeta Rumbi nemwana wake vanoti vashaya zano rekuita nekuda kwezvava kuitika kukasvava aka.
“Handina kumbobvira ndakaona kasvava kanomera mazamu, uhwu huroyi,” vanodaro.
Mwana uyu anonzizve anogara achingochema, izvo zvinofungirwa kuti zvichida anorwadziwa ne
Amai vaRum wangu ari kuv vake vanova vak vanoda kuona k roora naivo ndiyvani Izvozvi ari kurwara, vose nemwana vari muchipatara. Iye akangopunzika uye anoti rutivi rwake rwakaoma.”
Mukuru wechiipatara cheHarare Central Hospital, Dr Nyasha Masuka, vanoti zviri kuitika kumwan nekubuda muka
Vanoti pane munyama dzem nisa kugadzirik kuchipatara.
Asi Sekuru Elisha Mutanga vekuUmuHarare, shewokunze, m pachena kuti m mirwa zvidhom
“Ari kushandis inofanirwa kufa
Mutevedzeri munyika, Assisttant Commissioner Paul Nyathi, vanoti va biro ari kuita yaya yekubatwa chibharo ny kwaRumbi.