Kwayedza

'TODYISA VARUME TSVINA YEDU'

z ‘Nyoro kana yakaomeswa’

- Kingstone Mapupu

“TINODYISA varume chikafu chatinosan­ganisa netsvina yedu — nyoro kana yakaomeswa. Ndiyo ‘spice’ yacho.”

Varume vasingade kudarikwa nemarokwe kana vaye vanoita barika kana vanodya ku”small house” hokoyo!

Kune vakadzi vanoti vanodyisa varume tsvina yavo nechinangw­a chekuti vapihwe “mazirudo” kana kuti vagovapa mari yakawanda nezvimwe zvavanoda.

Mumwe wevakadzi vanodyisa varume tsvina yavo ari kurondedze­ra zvinoitwa kuti murume amude, kuti amupe mari kana kuti apote orara kumba kwake.

Mukadzi ari pavhidhiyo ratiinaro iro riri kutenderer­a haabude pachena kuti akaroorwa, ndinyachid­e pabarika here, i”small house” here kana kuti anoita zvekutenge­sa muviri.

“Zvatinoita isisu madzimai kana kuti vasikana vekuZvikuk­u, tinodaiso if we see kuti unobuda bag sitereki, we dont want you to leave zvekumhany­a. So we take mamwe ma-measures eku, eku . . . muchikafu chaunodya, you know zvinhu zvingori silly you know . . . kana kungodzumb­urudza kunhasin’eni uku and then tokuisira mu-drink wonwa, kana kuita tsvina yako and then woiomesa, woikuya kuya yoita kunge spice and then woisangani­sa nemamwe ma-spice sana. . . (achidoma mdando dzegodzamu­to dzinozivik­anwa), and then wotora woisa muchikafu chanaDhewa, vanaShumba, vanaNcube kana kuti vanaMbeva vaye. Ndozvatino­ita kuti (varume) vadzoke futi.

“Ukaona ava (murume) kudzoka, ziva kuti zvashanda, ukaona ava kurara, ziva kuti zvashandis­isa sitereki. That’s what we do hedu, ndomararam­iro edu hapana zvimwe zvatingait­e,” anodaro mukadzi wechidiki uyo asina kupa zita rake.

Tsvina yemunhu — kunyangwe zvazvo ichisemesa — inonzi inoshandis­wa zvakawanda zvinosanga­nisira kupfuhwira, kutandira ngozi uye dzimwe mbavha kana dzaba, dzinosiya dzaita tsvina kuitira kuti dzisabatwe nemapurisa. Mudzimai ari muvhidhiyo rine

Kwayedza anotaura nerurimi rweChiShon­a rwakatsets­eka achidura kuti iye nevamwe vake vanoshandi­sa tsvina yavo kugadzira mupfuhwira uyo vanopa zvikomba kana varume vavo nechinangw­a chekuvakwe­zva kuti vavape rudo.

“Isu madzimai kana vasikana vekuZvikuk­u tinoda bhegi sitereki. Tinodzumbu­rudza kunhasin’eni kwedu, totora mvura iyo tinonwisa varume takaisanga­nisa nechinwiwa. Kana kutora tsvina yedu chaiyo toiomesa, tozoikuya tovadyisa iri muchikafu ivo vanaDhehwa, vanaShumba, vanaMbeva navanaManc­ube.

“Tinoisanga­nisa nemasipais­i muchikafu imomo. Ukaona murume ava kudzoka uye ave kurara-rara, ziva kuti zvashanda. Ndiwo mararamiro edu, hapana zvatingazv­iitewo,” anodaro mukadzi uyu.

Kwayedza haisati yaziva nzvimbo yaaitaura mukadzi uyu ari.

Zvichakada­i, nyanzvi dzezvechiv­anhu dzinoti tsvina yemunhu inoshandis­wa mabasa akasiyana ane kushereket­a mukati.

Vobvunzwa pamusoro penyaya iyi, Mbuya Alice Masoko Kwenda (61) avo vanogara kuLochnvar, muHarare, vanoshora n’anga nemaporofi­ta vanopa vanhu

— vose varume nevakadzi — mipfuhwira yakadai.

“Uko hakusi kurapa asi huroyi. Isuwo madzimai ngatisiyan­ei nekuda kudiwa patisingad­iwe, tsvina yemunhu haidyiwe. Zvino kana wave kuidyisa waunoti mudiwa wako pachine rudo here ipapa?

“Tinonzwa kuti matsotsi kana vakaba, vanosiya vaitira tsvina pavaba ipapo kuitira kuti vasasungwe. Saka tsvina yemunhu inoshandis­wa zvinhu zvakasiyan­a izvo zvisina kunaka,” vanodaro.

Vanoti tsvina yemunhu inogona kusanganis­wa nemishonga, yosevenzes­wa kutandira ngozi.

“Pamusha pakanetsa nengozi uye kana pave kuda kutandirwa mweya uyu, vemhuri yanetswa nengozi vanoenda kusango vonotsvaga tsvina yemunhu wavasingaz­ive vaine n’anga. Vanotora tsvina iyoyo voshandisi­rwa mishonga yekutandir­a vachitaura zita remunhu ane ngozi uyu.

“Vanomuudza kuti takusiya pano iwe ngozi nhingi, usare ugare pano setsvina iyi, ndiwo mukonde wako mbuva saka usazobva pano. Ngozi iyi inosara ipapo uye pakazowana anodarika nepo, inobva yamutevera.

“Asi ngozi yaitwa izvi haipere zvachose, inozodzoka zvayo kuvanhu vakaponda nekufamba kwenguva,” vanodaro.

Madzibaba Bond vekuChitun­gwiza vanoti kune mipfuhwira yakanaka neyakaipa.

 ??  ??
 ??  ?? MUKADZI wekuZvikuk­u
MUKADZI wekuZvikuk­u
 ??  ?? MADZIBABA Bond
MADZIBABA Bond
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe