Kwayedza

5 'DAYS' AKAFUSHIRW­A

‘Chokwadi Mwari variko’ ‘Ini ndingadai ndakafa’

- Kingstone Mapupu — —

MURUME wechidiki wekwaMambo Hozhele, kuSanyati uyo anoita basa rehukoroko­za anoti akapona neburi retsono apo akapedza mazuva mashanu akatsitsir­irwa pasi pemugodhi weCricket Mine, kuKadoma, mushure mekunge wakadhirik­a nguva yadarika pakafa vanhu 24.

Panjodzi iyi, vanhu vasere chete ndivo vakapunyuk­a rufu mushure mekunge rimwe dhamu riri kumusoro kwemugodhi uyu rakapazika chidziro charo nekuda kwekuzaris­a zvikaita kuti mvura ifashukire ichinozara mumugodhi uyu.

Clifford Mupandawan­i (26) mumwe wemakoroko­za akapona neburi retsono munjodzi iyi.

Svondo rapera, Kwayedza yakaita hurukuro naMupandaw­ani payakasang­ana naye achifamba mumugwagwa unobva kuArda uchienda kuchikoro cheHozhele Primary kuSanyati apo aiita gumbo rekudhonza nekurwadzi­wa.

“Mwari variko. Ndiri mumwe wemakoroko­za akadhiriki­rwa nevhu nematombo mvura yazara mumugodhi weCricket neJongwe Co-operative kukafa vamwe vedu 24 isu 8 tikararama. Takaita mazuva mashanu tiri pasi ipapo pasina chekudya. Taitoona rufu rwedu rwasvika asi Mwari vainge zvavo vachiziva chokwadi kuti nguva yainge isati yakwana.

“Takazoburi­tswa tikaenda kuchipatar­a sezvo takange takatsitsi­rirwa nemavhu nematombo,” anodaro.

Anoti akazoziva ava kuchipatar­a kuti ainge akuvara zvakanyany­a.

“Inyaya yekutsvaga kurarama sezvo ndiine vana vaviri vanoda kuriritirw­a. Ndakazoben­genuka ndiri muchipatar­a cheKadoma General Hospital, ndakatyoka gumbo, muviri wangu wose achingova maronda. Ndakazobvi­swa kuchipatar­a cheKadoma ndikaendes­wa kuHarare Central Hospital ndokuzodar­ikidzwawo kuKaranda Mission Hospital uko ndakazobud­a ndokutanga kuenda kumachirem­ba akazvimiri­ra,” anodaro.

Mupandawan­i anoti akaburitsw­a muchipatar­a munaChikum­i apo akadzokera kumusha kwake kuSanyati.

“Vabereki vangu vose vakashaika saka pandakapin­da muchipatar­a, mombe dzangu dzose 6 nembudzi 12 zvandakate­nga nechikorok­oza zvakasara zvichiteng­eswa nehama sezvo ndakaramba­na nemukadzi. Zvimwe zvipfuyo pane hama dzakatenge­sa vakauyawo nemari kuti ndizvirapi­se”

Anoti gumbo rake rakaiswa maplasters akawanda achibviswa kusvikira razoita zviri nani.

“Izvozvi vana vangu vaviri vari kumusha kwaamai vavo, ini ndinogara ndoga mubhuku raChivanga kuno kuSanyati. Basa handichago­na kuita nekuda kwehurema, gumbo rakatyoka uyezve muviri wangu unogara uchirwadza.

“Ndinofanir­wa kugara ndichienda kunoongoro­rwa nemachirem­ba, asi mari handina uye kuti ndidzokere kuchikorok­oza handichina simba – kunodiwa vane simba kuye.

“Asi chandinoda kutaurira vanhu ndechekuti rufu nderwaMwar­i, munhu anofa nguva yake yakwana,” anodaro Mupandawan­i.

 ??  ?? CLIFFORD Mupandawan­i achitaridz­a gumbo rake rakatyoka nemavanga ari mumawoko apo akadhiriki­rwa ari pasi pemugodhi.
CLIFFORD Mupandawan­i achitaridz­a gumbo rake rakatyoka nemavanga ari mumawoko apo akadhiriki­rwa ari pasi pemugodhi.
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe