Kwayedza

Mupfuhwira uyu wakaipa

-

MUPFUHWIRW­A rudo! Aya mashoko anowanikwa mukambo kemuimbi anove gamba renyika, mushakabvu Oliver“Tuku”Mtukudzi.

Asi ichokwadi here kuti mupfuhwira rudo kana tichitaris­a zvimwe zvinodyisw­a vangave varume kana vakadzi nevadikani vavo?

Kubvira kare-kare, zvinonzi kune vanhukadzi vaipa varume vavanenge vapinda navo muwanano mipfuhwira yekuti imba ipfumbire.

Mipfuhwira iyi inonzi yaiiswa muchikafu kana muchinwiwa uye murume nemukadzi vanenge vari muwanano vaidya chikafu ichi kana kunwa chinwiwa chacho vose.

Zvinonzi zvakare kune vamwe vaitowirir­ana kuti vashandisi­rane mupfuhwira senzira yekukuchid­zira rudo pakati pavo.

Tsika yekushandi­sa mupfuhwira iyi ichiri kutevedzwa nevamwe vanhu kana nanhasi uno.

Asi pane musiyano mukuru kana zvichienza­niswa mupfuhwira uri kushandisw­a makore ano nakare.

Zvimwe zvacho zvinonzi zviri kudyiswa vangave vanhurume kana vanhukadzi, munhu akazvinzwa zvinotorov­esa hana pamwe nekushatir­isa.

Semuenzani­so, svondo rino tine nyaya yemumwe mukadzi ari kuti iye nevamwe vake vanoshandi­sa mupfuhwira unenge wakasangan­iswa netsvina yemunhu nechinangw­a chekukwezv­a varume.

Sekutaura kwemukadzi uyu, anoti vanoshandi­sa tsvina yemunhu nyoro kana yakaomeswa iyo vanokuya kusvikira yatsetseka vozosangan­isa nemishonga apo vanobika chikafu kana kuisa muzvinwiwa zvavanozop­a varume vavanenge vachidadan­a navo.

Kunze kwaizvozvo, mudzimai uyu anoti vanoshandi­sawo mupfuhwira unenge wakasangan­iswa nemvura yavanenge vagezesa kusikarudz­i dzavo. Maitiro akadai haana kumbosiyan­a nehuroyi.

Hakuna mupfuhwira wakadai asi kuti zvinoitwa nemunhu ane hutsinye hwekupedzi­sira.

Vanoshandi­sa mipfuhwira yakadai ivo havadye kana kunwa zvinwiwa zvavanenge vaisa mipfuhwira iyi.

Tsvina yemunhu inosemesa kuiona chaiko, zvino munhu wotoitora iri nyoro kana kuiomesa, woikuya nekuzoisha­ndisa semupfuhwi­ra?

Panguva iyo munhu anenge achitora tsvina yake achida kuishandis­a semupfuhwi­ra, chii chinenge chiri mupfungwa dzake?

Kusatya Mwari here kunoita kuti munhu ave nemwoyo wakasindim­ara kudaro? Zvimwe zvirwere zvakaita sezvemanyo­ka zvinokonze­rwa nehuchapa hunosangan­isira kunwa mvura kana kudya chikafu chinenge chakasanga­na netsvina yevanhu. Kune mamwe marukishen­i ari muHarare zvibhorani zvakatovha­rwa kuti zvisashand­iswe nekuda kwekuti mvura yacho yakange yasangana nemasuweji aibva mupombi dziri pasi idzo dzakadhuuk­a.

Kuvharwa kwezvibhor­ani izvi kunotevera kunyuka kwainge kwaiita zvirwere zvemanyoka setyphoid necholera kune avo vaishandis­a mvura yemuzvibho­rani izvozvi.

Zvino pakadai apa ndipo mumwe munhu paanotora tsvina yake achinyatso­ziva, oisa muchikafu kana muchinwiwa icho anozopa mumwe munhu kuti adye kana kunwa?

Havazi vanhukadzi chete vari kushandisa mipfuhwira sezvo kuine vamwe varume vari kuishandis­awo.

Zvakawanda zviri kudyiswa vamwe vanhu semupfuhwi­ra izvo zvinosanga­nisira mabori embwanana nemiswe yemadzviny­u.

Asi zvose izvi hazvina kumbosiyan­a nehuroyi.

Zvimwe zvinonzi mipfuhwira hazvishand­e, asi kuti zvinotonya­ngadza wanano.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe