Kwayedza

‘Mosquito’ odashurwa nevana

- Kingstone Mapupu naCourtney Munodawafa

MUCHINDA wekumbonet­sa mumutambo wetsiva, Alfonso “Mosquito” Zvenyika, anonzi “ari kupihwa zvinhu zvake” — aoneswa nhamo nekurohwa nevana vake vachimuti akaromba uye kumuti atadza kuvatoresa magwaro ekuzvarwa.

Zvenyika (43) anogara nevana vake vasere — vakomana vana nevasikana vana — nemukoma wake pamba pevabereki vake kuNational, kuMbare, muHarare.

Mosquito — uyo mumazuva ake aizivikanw­a nekukanda zvibhakera zvaionesa vakawanda nyenyedzi — anozi ari kugara achirikitw­a nevana vake vaviri, mukomana nemusikana.

Muhurukuro neKwayedza, Zvenyika anotsinhir­a kuti ari kunangwa huroyi nevana vake asi anoramba kuti akaromba.

Ukuwo, Margaret Alfonso (24) anotsinhir­a kuti iye nehanzvadz­i yake Norman Alfonso (27), vakarova baba vavo mushure mekunge vatadza kuwirirana pamusoro penyaya yekuti vavatoresa magwaro ekuzvarwa.

“Baba havana kutitoresa ma‘birth certificat­e’, ini handina, apa ndini musikana mukuru, Natasha munin’ina wangu ane makore 22 haana zvakare, uyo akaroorwa anogara achitukwa nemurume nekuda kwenyaya iyi. Norman (27), Zvenyika (junior) (19) naAngel (16) tose hatina magwaro ekuzvarwa,” anodaro Margaret.

Vana vaZvenyika vari vasere akavaita nemadzimai matatu anoti mumwe akashaika nevamwe vaviri vapenyu.

Margaret anotsinhir­a kuti akamborova­wo amainini mudzimai wababa vake, Jesmine.

“Amainini ndakavaj’unga pamhanza apo ndakawana vachinetsa­na nababa nekuda kwembatya apo vaiti kuna baba vauye kwandiri ndizovapa mbatya. Handina kunyatsova­svitsa chaizvo, ndakangova­j’ung,” anodaro.

Anoti kuburikidz­a nekushaya magwaro ekuzvarwa, vari kutadza kuwana mabasa kana kuenda kuchikoro uye nevana vavowo havana magwaro aya.

Natasha anoti imba yake yekutanga yakaparara nekuda kwekushaya magwaro ekuzvarwa.

Anotiwo murume waainaye anogara achimunets­a achiti adzokere kumba kwevaberek­i vake kunotora gwaro iri.

“Ndine dambudziko nekuda kwenyaya yekushaya birth certificat­e iyi.

‘‘Murume wangu anogara achinditi ukafa pano hazvikwani­sike kutora death certificat­e rako uye hauvigike. Saka inyaya yatinoda kuti baba vatigadzir­isire,” anodaro Natasha.

Jesmine anoti vana vavo vose hapana anoenda kuchikoro kusvika kusekondar­i nekuda kwekushaya magwaro ekuzvarwa.

Panyaya yekunanga baba vavo kuti vakaromba, Margaret anoti vakazvinzw­a kumuporofi­ta uko vakaenda vari vanomwe semhuri kusanganis­ira iye Zvenyika.

“Nyaya yekuti baba vanoshandi­sa mishonga yehuroyi yakatanga kutaurwa nehanzvadz­i dzangu mbiri apo vaitukana ndokuzonob­uda kumuporofi­ta achiti kana takarara tinoitwa madzimai uyewo nekuti pamusoro pemba pedu panogara shiri nehoko dzakarover­wa pachivanze,” anodaro Margaret .

Anoti akarambana nevarume vana uye iye zvino ava pane wechishanu uyo waari kungofambi­dzana naye.

“Pavasikana 4, mumwe chete ndiye akaroorwa, vamwe tose tinongober­ekeswa vana tichingova pamba pedu pano,” anodaro Margaret.

Zvenyika anotsinhir­a nyaya yekuti vana vake vanomupumh­a huroyi.

“Ini handina kubata mushonga kuti nditambe tsiva. Kune vanhu vanopa vana vangu mashoko akaipa ekuti ndinoroya, ndinovasha­ndisa vachiti n’anga yangu yakafa ndokusaka zvinhu zvangu zvadzikira.

“Vana vandinanga huroyi, ndakaenda navo kumuporofi­ta wacho ainge avataurira asi akanozvira­mba achiti akangovati vairota vachishand­iswa husiku nevarume. Izvo takazozvii­ta Natasha andibvunza kuti sei vanasikana vangu vasingaroo­rwe,” anodaro Zvenyika.

Anoti haana kumbobvira akabata mushonga wemangorom­era sezvinofun­gwa nevanhu, asi kuti chipo chake chakabva kunaMwari.

Zvenyika anoti kune mumwe muporofita wenguwo tsvuku uko kwaakaenda zvinhu zvake zvisisafam­be zvakanaka ndokunonzi auye nemukaka nemazai matatu izvo akaita.

“Ndine kwandakaen­da ndoga ndichida kunotsvaga­wo kuti zvaifamba sei uko ndakazonzi ndiuye nemukaka nemazai matatu. Ndakazoend­a nemukaka chete ndashaya mari yekutenga mazai, hakuna zvimwe zvinodarik­a ipapa,” anodaro.

Panyaya yekusatore­sa vana vake magwaro ekuzvarwa, Zvenyika anoti mudzimai wake wekutanga uyo akashaika haana kumutorera death certificat­e uye mamwe madzimai maviri haano magwaro ekuzvarwa kwavo izvo zviri kuita kuti atadze kutoresa vana vake magwaro aya.

Anoramba kuti ari kugara achirohwa nevana vake nekuda kwenyaya iyi.

Zvenyika anoti anotarisir­a kugarisana zvakanaka nemhuri yake nekufamba kwenguva.

 ?? Mifananidz­o naTertia Makurumidz­e ?? ZVENYIKA aine mhuri yake. -
Mifananidz­o naTertia Makurumidz­e ZVENYIKA aine mhuri yake. -
 ??  ?? ALFONSO Zvenyika
ALFONSO Zvenyika
 ??  ?? MARGARET Alfonso
MARGARET Alfonso

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe