Kwayedza

Oroverwa kudyiwa kweMakepep­e

- Milcah Nhakura

VANHU vaive mudare vakashamis­ika pavakanzwa mumwe murume achiti ari kuoneswa ndondo nemukadzi waaimbodan­ana naye uyo anomurikit­a kumurova pose panokundwa chikwata chenhabvu chaanotsig­ira cheCAPS United mumitambo yacho senzira yekupedza shungu.

Alexander Kuenda akamhan’arira Jacqueline Chikwanha kuCivil Court achiti ari kumushungu­rudza zvisina akamboona uye dzimwe nguva anomusvipi­ra gararwa kumeso.

“Uyu aimbove musikana wangu asi takasiyana nekuda kwemhirizh­onga yake. Anogona kana kundirova pakati pedhorobha. Ndinototya kufamba naye nekuti anogona kundizvuvi­ra mumugwagwa kuti nditsikwe nemotokari.

“Kana Kepe-kepe ikadyiwa, ndinotoziv­a kuti ndapindana nacho nekuti anondiriki­ta kuti yadyirwa chii. Anogona kutorova munhu anenge ati Kepe-kepe yadyiwa.

“Anofarira zvemabhuza zvekuti ndinofunga kuti anotomboda­nana navo nekuti muvarume vebhora haabvemo,” anodaro Kuenda.

Anoti Chikwanha kana twake twakakwidz­a, anomupfira mate kumeso.

“Akambondip­fira gararwa kumeso uye anotukawo maporofita ekukereke kwangu nekuuya kubasa kwangu achindirov­a. Anotuka zvakare vakuru vebasa zvekuti ndave kutotya kudzingwa basa.

“Musi wataramban­a, ndakaona varume vachingobu­da mumba make zvekuti ndakatoona ndega kuti akanga agara achiita zvevamwe varume tisati tarambana,” anodaro Kuenda.

Achipawo divi rake, Chikwanha anoti Kuenda haana mari uye pavaidanan­a ndiye aitomuchen­geta.

“You don’t have money my dear. Ndini ndakakuche­ngeta uchigara kumba kwangu. Ndaikuteng­era kubva zvemukati nemadzokon­o chaiwo. Zvekudya ndaikuteng­era nyangwe rendi ndaibhadha­ra ndega asi nhasi wave kuda kunditi ndinokurov­a,” anodaro Chikwanha. Anoti Kuenda aimubira mari yake. “Akandibira US$5 yangu yandaida kunotoresa chitupa.

‘‘Kubva tichiri kudanana, ndaifonerw­a nepfambi dzake dzichindiu­dza kuti tiri kugocha nyama kuno, vachigocha mari yangu.

“Ndiye anotouya kumba kwangu achikumbir­a ruregerero achiti usandisiye, hee ndinoda kudzoka kumba kwako.”

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Kuenda gwaro redzivirir­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe