Kwayedza

Dembo orohwa nemuzukuru

- Ashley Muchamiri

MUZUKURU wekuendesw­a kudare redzimhosv­a naambuya vake achinzi abve pamba pavo nekuti ari kuvanetsa nekugara achivarova anoti haana kwekuenda sezvo asingazive amai vake kana hama dzake.

Pauline Dembo (68) akamhan’arira Susan Mpofu – uyo anova mwana wemwanakom­ana wemukoma wake – kuHarare Civil Court achida gwaro rerunyarar­o.

“Ishe wangu, mwana uyu andinetsa zvikuru nekundishu­ngurudza achindirov­a uyezve anondinong­edzera achinditi, ‘Don’t talk nonsense,’” anodaro Dembo.

Anoti haachada kugara naMpofu pamba pake nekuti aneta nekutukwa nemwana waakacheng­eta kubva achiri nemakore maviri ekuberekwa kusvika arorwe achizodzok­a kumurume.

“Ini hangu ndave kuda kuti mwana uyu abve pamba pangu semunhu mukuru. Ndaneta nekutukwa nemwana wandakache­ngeta kubva achiri nemakore maviri okuberekwa kusvika pari zvino apo akadzoswa kumurume,” anodaro.

Dembo anoti ndiye anobhadhar­ira vana vaMpofu mari yechikoro nekuvabiki­ra iye achiswera achiunza zvikomba pamba pake.

“Ndini ndinomuend­esera vana kuchikoro nekuona kuti vana vadyei iye achiswera achiunza varume vakasiyana pamba pangu zvichionek­wa nevana vake vadiki,” anodaro.

Anoti Mpofu akambomuto­rera vana vake achida kuti vaende kunogara nehama dzavo asi mumwe mwana ane makore mana ekuberekwa akabva ashungurud­zwa zvine chekuita nebonde.

“Muzukuru uyu akambondit­orera vana vake achiti vanogara nehama dzavo asi mumwe mwana wake ane makore mana akabva ashungurud­zwa,” anodaro.

Mpofu anoudza dare kuti Dembo haana kumbobvira amuudza kuti amai vake ndevapi uye hapana kana hama yake yaanoziva nekudaro kana akabva pamba apa haana kwekuenda.

“Ambuya vanoda kuti ndibve pamba apa asi havana kumbobvira vandiudza kuti amai vangu ndevapi uye kuti hama dzangu ndedzipi kubva ndichiri mudiki,” anodaro.

Anoti haashungur­udze ambuya vake.

“Ini handina kumbovashu­ngurudza, ndakangoen­da ndichivabv­unza kuti sei vainyima vana chikafu asi vari ivo vakanotora vana vangu kuhama dzababa vavo vachiti vanovachen­geta,” anodaro Mpofu.

Anoti ambuya vake vanomukiir­a gedhi repamba izvo zvinozoita kuti arare kudzimba dzevavakid­zani.

“Ambuya vanondikii­ra gedhi rekupinda pamba ndichinora­ra kuvavakidz­ani,” anodaro Mpofu.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Dembo gwaro rerunyarar­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe