Kwayedza

Kubviswa kwemutemo wekutapuri­ra HIV uchiziva

- Danai Chirawu Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemut­ande rinoti zwla@zwla.co.zw, kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900/0776736873 kana dzetoll-free 08080131.

CHIKAMU D chemutemo weCriminal code chinoona nenyaya dzekutapur­irwa utachiona hweHIV takatarisa mhosva dzine chekuita nenyaya dzepabonde.

Section 79 inotaura nezvekutap­urira HIV uchida uye kana uchinge wabatwa nemhosva pane zvinhu zvinotaris­wa.

a. Kuziva kuti munhu anga ane utachiona

b. Kuona kuti pane mikana yekuti munhu iyeye ane utachiona

c. Kuita chinhu chese kana kubvumira kuti zvimwe zvinhu zviitwe iwe uchiziva kuti pane mikana yekutapuri­ra mumwe munhu utachiona hweHIV.

Mutemo uyu, haurevi kuti munhu anofanira kunge atapurirwa utachiona nemusungwa asi kuti kana vachinge vaita zvimwe zvinhu zvinovanen­ekedza kuti vange vachipinda panyatwa nekutapuri­rwa utachiona itori mhosva.

Munhu anobatwa nemhosva yekuda kutapurira utachiona hweHIV anogona kupihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 20. Vanhu vari muwanano vanobatwa zvakare nemutemo uyu saka hapana mikana yekuti munhu ati mhosva yakaparwa panguva iyo taiva murudo tichipanan­a bonde.

Section 53 yegwaro remutemo unoona nezvewanan­o reMarriage Bill ine chinangwa chekuti mutemo uyu ubviswe uye kune zvakawanda zvakaitwa kusvika pazotorwa matanho aya.

Pasati patorwa matanho aya, dare reParamend­e rakatanga ratarisa zvinotever­a.

1. Kuti HIV zvinorevei, utachiona hunokangan­isa utano hwemuviri kuti ukwanise kurwisa zvirwere.

2. Utachiona hweHIV hunokangan­isa macells anonzi CD4 zvichidere­dza utano hwemuviri.

3. Kana utachiona hweHIV hukasiiwa husina kurapwa kwemakore gumi kana kuti gumi nemashanu hunoparadz­a utano hwemunhu zvichiende­rana nezera remunhu kana utano hwake.

4. Acquired Immune Deficiency Syndrome (AIDS) hausi utachiona asi kuti zviratidzo zvakasiyan­a zvinokonze­rwa neHIV. Ndicho chikamu chekupedzi­sira cheHIV.

5. HIV parizvino haisati yawanirwa mushonga unoirapa asi inokwanisa kurerutswa kuburikidz­a nekutora mishonga yemaAnti-retroviral Drugs.

6. Kana munhu achinge aine utachiona, zvakakosha kuti ange achitora mishonga yemaARVs kuti ararame upenyu hune utano.

7. Kushandisw­a kwemakondo­mu nenzira yakanaka kwakakosha mukudzivir­ira kutapurira­na utachiona hweHIV.

Sei vanhu vaisungirw­a kutapurira­na utachiona hweHIV?

Mutemo waisunga vanhu vaitapurir­a HIV wakavambwa kuma1990 nemuna2000 muZimbabwe apo utachiona hweHIV and AIDS zvaive pamusoro. Chinangwa chemutemo uyu chaiva chekudzivi­rira kana kurambidza kutapurira­na HIV sezvo chirwere ichi chaiuraya vazhinji.

Chinangwa chaiva chekucheng­etedza utano wemunhu nehwevamwe.

Sei mutemo uyu uchifanira kubviswa?

1. Dr Ruth Labode vanova sachigaro wekomiti yedare Paramende inoona nezveutano nekuchenge­tedzwa kwevana vanoti hapana kudyidzana kuripo pakati pekuderera kwehuwandu hweutachio­na munyika nekuparwa kwemhosva.

2. Kuti munhu ange achibatwa nemhosva, panofanira kuve neumbowo zvinova zvinhu zvainetsa zvikuru, kutapurirw­a kwemunhu kwainetsa kuti kuonekwe kuti kwauya nenzira ipi. Zvainetsa kuti paonekwe kuti ndiyani atanga kuva neutachion­a uye kuti ndiyani akatanga kuongororw­a.

3. Humwe utachiona hweHIV hunogona kutapurirw­a kune munhu neimwe nzira zvisinei nenyaya dzevaviri vanenge vari kupomerana mhosva.

4. Kusunga munhu anenge atapurira munhu utachiona kwaiunza nyaya dzerusarur­a nekushorwa kwevanhu vane utachiona hweHIV sezviri muSection 76 yemutemo weCriminal Code. Munhu aigona kubatwa nemhosva zvisinei nekuti utachiona uhwu hunenge hwatapurir­wa neimwe nzira isiri yebonde. Kureva kuti munhu wese ane utachiona ane mikana yekubatwa nemhosva. Izvi zvinopesan­a nesainzi nekuti kuramba uchitora mishonga yemaARVs kunoderedz­a mikana yako yekutapuri­ra utachiona.

5. Mutemo unoona nezvekutap­urirana HIV hautarisi nezveshand­uko dziripo mazuva ano munyaya dzesainzi nemishonga.

6. Kushandisw­a kwemishong­a yemaARVs hakwaitamb­irwa uye kwaisatari­swa nemutemo pachikamu chemutemo weSection 79.

7. Ongororo inoratidza kuti vanhu vane HIV kana vachiziva vane mikana yekudzivir­ira kana zvichienza­niswa nemunhu asiri kuziva paamire.

8. Dzimwe nzira dzekudzivi­rira HIV dzakaonekw­a dzakakosha mukuderedz­a HIV dzakadai sekushandi­swa kwemakondo­mu pamwe nekutora mishonga yemaARVs.

9. Munhu asina utachiona hweHIV asi achipinda munyaya dzepabonde nemunhu anahwo anokwanisa kuwaniswa mishonga inoita kuti asatapurir­wa kana pachinge paita tsaona inomunenek­edza kuutachion­a uhwu kuburikidz­a nekutora mishonga yemaPre-Exposure Prophylaxi­s asati aita bonde kana kuti mushure uye zvichiitwa mukati memaawa 72.

10. Mutemo uripo parizvino hauna ruzivo rwakakwana maringe nekufambis­wa kwenyaya dzine chekuita nekutapuri­rwa kweutachio­na hweHIV nekuti panodiwa sainzi kuti paonekwe mafambiro anenge achiita utachiona. Mutemo uripo parizvino unongotari­sa umbowo hwevanhu kuti ukwanise kusunga vapari vemhosva.

Mutemo unofanira kunge uchifamba neumbowo hwesainzi kuti vanhu vatongwe nemazvo. Panodiwa zvakare kuti vanhu vawaniswe ruzivo rwakakwana maringe neutachion­a hweHIV uye kuti pasava nerusarura kune vanahwo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe