Kwayedza

Wapfeka here kana kuti wapfekwa?

-

NDINOTYA kupfekwa nekushandi­swa segambhuts­u. Ndinotya kupfekwa nemweya yetsvina nezvimwe zvinhu zvinopfeka vanhu, ivo vanhu vachifunga kuti ndivo vakazvipfe­ka.

Ndinotya kupfekwa nehembe dzinoti kana ndadzipfek­a idzo dzondiitis­a zvandising­ade kuita.

Dziriko hembe dzekuti unopfeka ugoti ndachena, asi ukazvitari­sisa uchaona kuti hunhu hwako nezvaunofu­nga nezvaunoit­a zvinenge zvave kubva pahunhu hwehembe idzodzo.

Kana zvadaro, hembe inenge yave kutyisa nekuti inenge isisiri chinhu

chekupfeka.

Dziriko hembe dzine simba. Kana newewo unadzo hembe dzinokuton­ga nekukuitis­a.

Unadzo hembe dzinoita kunge dzakagadzi­rirwa iwe. Hembe idzodzo dzinoti kana wadzipfeka newewo unonzwa kuti dai uri pfuti uri machine gun chaiyo.

Hembe dzine hunhu uhwu dzakanyany­a kuwandira kuvanhukad­zi. Ikoko ndiko kune hembe dzinosonwa kuti dzishereke­te nekusherek­etesa kana dzichinge dzapfekwa.

Ndiwo maLow-cut, maSlits, maMini, maCrop-top, maRipped jeans zvichienda zvakadaro.

Dziriko hembe dzine humwe hunhu huri madziri. Unogona kuiona nepahwindo reShop uchifamba, wobva wangonzwa hana yako kuti tibvu. Hembe iyoyo inoita sekuti iri kukusheved­za kuti, “Huya undiyedze, undipfeke.”

Hembe dzakadaro unogona kusangana nadzo dzaburitsw­a mubhero. Kana ukaitarisi­sa nekuiteere­resesa unonzwa ichitaura newe nezevezeve kuti, “Kana ukandipfek­a, ndinoita kuti vanhu vakuone nenzira iyi kana iyo. Unogona kundipfeka nebhachi rako riye remavara kana nejuzi rako reYellow nekaheti kaye kane ruva.”

Ndinotya kuteerera mazwi ehembe. Ndinotya kutongwa nefashoni.

Saka ndiudzewo, kwauri hembe zvinhu zvekungofu­kidza muviri here kana kuti dzinofanir­a kumeka statement? Iwe ndiwe unopfeka hembe here kana kuti hembe ndidzo dzinokupfe­ka?

Mumwe mufundisi akazosvika pakuita nharo naMwari pamusoro pesutu yake yaaida zvikuru.

Mufundisi uyu akati sutu iyoyo aiida zvekumuten­deredza musoro. Asi Mwari vakazomuud­za kuti atsvage munhu wekupa sutu iyoyo zvikamurwa­dza zvekuti akaita mwedzi yakawanda achiramba nesutu iyoyo.

Yakanga iri sutu yemari zhinji, uye yaimupa kunyatsoit­a celebrity chaiyo. Pakupedzis­ira akazopa sutu iye kune mumwe munhu, asi mushure mehondo huru nemwoyo wake.

Newewo chenjerera kuti unogona kubvarurir­wa mwoyo wako nehembe. Hembe dzinogona kukupinza muzvikwere­ti, dzigokuchi­njisa mafambiro nemaitiro.

Kune vanhu vanotoziva kuti nhasi kana Maggie akapfeka zvakati nezvakati, anenge achizvida, achifamba serwaivhi. Anenge achiudza vamwe kuti, “Asikana ndega ndiri kuzvinzwa kuti ndakachena nyangwe musiri kundiudza.”

Dziriko hembe dzinogona kukuita kuti ungopota uchisimuka-simuka pane vamwe nekuti dzinenge dzichikuud­za kuti kana ukagara haunyatsoo­nekwa.

Dziriko hembe dzinoita kuti vakadzipfe­ka vasekenyed­zwe nezvavasin­gaone.

Kupfekwa nehembe kwave kushandisw­a semuromo unotaura kuzvida nekushamba­dza nyama.

Ndinobva ndafunga nyaya yakataurwa muBhaibher­i kuna Hosea 2:2 inoti: “Udza mai vako Israeri mhosva dzavo — nekuti havasisiri mudzimai wangu, uye neniwo handisisir­i murume wavo. Vaudze kuti vabvise makeup yepfambi iri kumeso kwavo, zvese nehembe dzinosiya mazamu avo ari pachena.”

Nyaya yekusiya mazamu ari pachena inoita sefashoni, asi kuri kumwe kutongwa kwave kuitwa vazhinji nehembe dzavo.

Newewo usarege fashoni ichikuuray­a. Mwari muBhaibher­i vanoti, “Vana vandinodis­isa, ibvai pachinhu chipi zvacho chinogona kutora nzvimbo yaMwari mumwoyo yenyu.”

Tiri kurarama munguva dzekuti fashoni yatora nzvimbo yaMwari, uyewo nekudhakwa, kuda mari, hupombwe nekuzvida.

Ndinotya kupinda mune dzimwe hembe, nekuti dzakafanan­a nekudyiwa, womedzwa — paunozobud­a unenge washandurw­a, wave kunhuwa.

 ??  ?? naIgnatius Mabasa
naIgnatius Mabasa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe