Kwayedza

Vorwisa huchapa muzvikoro

- Daphne Machiri

SANGANO reOxfam rakavamba chirongwa chekusimud­zira zvidzidzo zveutano muzvikoro icho chinodaidz­wa kuti School Health Clubs nedonzvo rekudzivir­ira vana kuti vasabatwe nezvirwere zvinokonze­rwa nehuchapa semanyoka.

VaFredrick Kupfuwaman­du – avo vanotungam­irira chirongwa ichi cheWater, Sanitation and Hygiene – vanoti donzvo ravo nderekuti vana vechikoro vagare vakashambi­dzika zvose nenharaund­a dzavanenge vari.

Vanoti vari kudzidzisa vana sekukosha kwekugeza mawoko vabva kushandisa chimbuzi kana kuti vasati vadya chikafu.

“Chirongwa chekugeza mawoko chakakosha mukudzivir­ira zvirwere zvemanyoka izvo zvinoita kuti vadzidzi nevadzidzi­si vawanikwe vachirovha kuchikoro zvichizomu­tsa kudofora kwevana uyewo basa revadzidzi­si richidzoke­ra shure,” vanodaro VaKupfuwam­andu.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Takavamba chidzidzo chePartici­patory Health and Hygiene Education (PHHE) icho chiri pamusoro pezvakanak­ira kugeza mawoko nesipo nekukosha kwemishong­a inoshandis­wa kuchenesa mvura nezvimbudz­i. Ruzivo urwu harusi rwevana vechikoro bedzi sezvo tichidzidz­isawo vanhu vari munharaund­a dzakasiyan­a.”

Vanoti vari kupa pachena zvekushand­isa munyaya dzeutsanan­a semabhaket­i ekugezera, sipo, mishonga yekuchenes­a mvura nezvimwe.

“Iye zvino tiri kushanda nezvikoro zviri kumatunhu anosangani­sira Mashonalan­d East, Mashonalan­d Central, Masvingo, Matabelela­nd neHarare. Chinangwa chedu kuderedza kupararira kwezvirwer­e zvakaita secholera netyphoid,” vanodaro VaKupfuwam­andu.

Vanoti vari kuitawo makwikwi ekwizi apo vana vanenge vachipakur­irana hunyanzvi pamusoro pezvakakos­hera kuita hutsanana nguva dzose.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe