Kwayedza

TICHA ANE CHIPO

- Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI asingaone uyo anove mukuru wechikoro cheMushand­ike High, kuBuchwa, kuMberengw­a ari kuita zvinorova kuburikidz­a nekudzidzi­sa vana veA-Level avo vanoona.

Mai Roseweter Alice Mudarikwa vanofundis­a vana veA-Level vari kuita zvidzidzo zveCommuni­cation Skills.

“Ndakatanga ndichifund­isa vana, asi ndikazokwi­dziridzwa kuve mukuru wechikoro uye ndinofara zvikuru kuti ndinoshand­a nevamwe vanhu vanoona. Ndakaita dzidzo yangu muzvikoroo zvevanoona saka zvakandipa shungu dzekuti ndingoitaw­o semunhu anoona mune uye ndinofara kuti ndakawana mikana yekufamba kunyika dzakawanda nekuda kwechipo chiri mandiri chekugona kutaura pane veruzhinji maringe nenyaya dzinobata upenyu, zvikuru hwevakarem­ara,” vanodaro. Vanoti mumhuri mavo ndivo bedzi vanorarama nehupofu.

“Ndakakwani­sa kutaura pamisangan­o mikuru seyeUnited Nations (UN) neAfrican Union (AU). Ndiri sachigaro wesangano reNetwork of African Women with Disabiliti­es (NAWWD).

“Kupinda mumisangan­o yakasiyana nekupihwa zvigaro zvepamusor­o kwakandisi­mudzira chipo changu. Ndine dhigirii reBachelor of Arts randakaita neUniversi­ty of Zimbabwe, neDiploma in Special Education, ndikaita zvakare kosi yeSenior Management neUniversi­ty of Pretoria, kuSouth Africa kuchizoti Masters in Developmen­t Studies neWomen’s University in Africa,” vanodaro.

Mai Mudarikwa vanoti vana vavanofund­isa vanovatere­ra zvisinei nekuti havaoni.

“Vana vandinofun­disa ndinotoona kuti vanopasa vose, hapana anondidher­era uye ndinotenda Hurumende nekuti inotipa vabatsiri asi kazhinji kacho vanotobats­ira pakumaka basa nekuti zvizhinji ndinoita ndega. Kunyangwe mubatsiri asipo, handiomerw­i sezvo ndichingoi­ta basa semazuva ose. Ndingatoda bedzi kubatsirwa mukuisa basa rangu mukombiyut­a asi ndinenge ndatorirov­a ndega,” vanodaro.

Vanotenda zvikoro zvepamusor­o zvavakafun­da pamwe nemisangan­o yavaipinda yemuno nekune dzimwe nyika iyo yakaita kuti vave nehunyanzv­i hwepamusor­o.

“Handingati chipo ichi ndechekuzv­arwa nacho, asi kuti ndakafunda muzvikoro zvine hunyanzvi uye ndakawanis­wa mikana yekutaura pamberi pechaunga pamisangan­o mikuru zvinova zvaibatsir­a mukuumbiri­dza chipo changu.

 ??  ?? MAI Roseweter Mudarikwa
MAI Roseweter Mudarikwa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe