Kwayedza

‘Madzimai yave nguva yedu’

- Abel Ndooka — — — —

MUIMBI wemisambo yakasiyana Marcy Janyure

anoti yasvika zvino nguva yekuti vaimbi vechidzima­i vasimukire uye vaonekwe vachitunga­mira munyaya dzemhanzi.

Kubva kare, vaimbi vechidzima­i vaichema-chema vachiti vaisawanis­wa mikana yakaenzana neyevanhur­ume asi mumakore adarika madzimai akasiyana ange achisimuki­ra vachikwikw­idza munyaya dzemhanzi.

Vamwe vanhukadzi vari kukwikwidz­ana nevanhurum­e muindasiti­ri yemimhanzi vanosangan­isra Janyure, Ammara Brown naTamy Moyo avo vave kuverengwa pakati pevaimbi vane mukurumbir­a munyika ino.

Janyure uyo ave nemakore akawanda achiita zvemumhanz­i anoti vanhukadzi havafanire kuzvitaris­ira pasi.

“Kubva kare, madzimai tange tisingaenz­aniswe nevarume munyaya dzemhanzi zvekuti mikana chaiyo tange tisingawan­iswe yakaenzana asi tinofanirw­a kurakidza munhu wese kuti zvipo zvedu zviri kumberi kudarika zvevamwe vanhurume. Tarisai zviri kuitwa naAmmara Brown uye Tamy Moyo, vave kumberi uye vari kushanda nesimba kuti mhanzi yavo irambe ichienda kure,” anodaro. Kubva achitanga kuimba, Janyure akwanisa kuburitsa madambaref­u matatu anoti Chishuwo 2012, Ndada 2014 uye naChitai-tai 2018 iro rine nziyo dziri kunetsa zvikuru panguva ino dzinosanga­nisira Zizefa, Maboorango­ma naHaudzoke.

Muimbi uyu - uyo anove mumwe wevanhukad­zi vanokwenya mashoo avo mumabhawa akasiyana - anoti haatye kuridza munzvimbo dzakadai uye akasunungu­ka kuridza kunzvimbo dzakasiyan­a.

“Kashoma kunzwa kunzi mudzimai ane shoo yake mubhawa uye ari kuridza ega. Kuwana kwedu mashoo kunonetsa uye isu tinongotar­isirwa kunzi tiridzire kwakadai sekumakere­ke nekumichat­o. Asi ini handiite izvozvo, ndinopinda pese nekuti ndinoda kudzidzisa munhu wese.

“Mumabhawa imomo mandinorid­zira ndine madzimai mazhinji vatsigiri vangu vanonditev­era vanotouya kushoo vane varume vavo vachifara zvekuti uye ndikabva ndisina kuridza dzimwe nziyo dzavanofar­ira vanotondit­i tanga waridza kambo ikako chete. Zvinorakid­za kuti semadzimai pachedu tiri kusimudzir­ana, ndizvo zvatinofar­ira chaizvo uye zvatinoyem­ura,” anodaro Janyure.

Anoti shuviro yake ndeyekuti mhanzi yake iite mukurumbir­a pasi rose sezvakaita yaMbuya Stella Chiweshe naChiwonis­o Maraire.

 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe