Kwayedza

Maonero aDauda . . . ‘Zim, Zambia Zvakafanan­a’

- Abel Ndooka

MUTAMBI wemaWarrio­rs pamwechete nechikwata cheLusaka Dynamos chekuZambi­a Dennis Dauda - anoti nhabvu yekunyika iyi haina kunyanya kusiyana neyemuno uye achiri neshuviro yekuzonota­mbira kuEurope kana achinge awaniswa mukana.

Mugore ra2014, Dauda akahwina mubairo weSoccer Star of the Year apo aitambira ZPC Kariba achirairid­zwa naSaul Chaminuka.

Izvi zvakazomuo­na achienda kuEurope uko akambonoza­ma raki rake kuchikwata cheCabala chekuAzerb­aijan asi zvakaramba ndokudzoke­ra kuZPC Kariba.

Akazobva ndokuzonot­ambira CAPS United asi ndokubva zvakare achienda kuYadah Stars. Paakazobva kuYadah Stars, ndipo paakaenda kuZambia uko ari kutambira Lusaka Dynamos muchikwata chimwechet­e naOcean Mushure naNduna Moyo.

Achitaura neKwayedza, Dauda anoti nhabvu yaari kuona kuZambia - uko ari kurairidzw­a naIan Bakala - haina kunyanya kusiyana neyemuno kunyangwe hazvo vatambi vazhinji vemuno vari kuenda kunotambir­a kunyika iyi.

Kare, vatambi vazhinji venhabvu vekuZambia vaiuya kuzotambir­a muno avo vanosangan­isira Bakala uyo akambotamb­ira CAPS United kukazoita vamwe vakaita saLaughter Chilembe aive kuCAPS United zvakare, Derby Mankinka, Charles Chilufya, Webster Chikabala, Kelvin Kaindu nevamwe vakawanda vakambotam­birawo muno.

Asi kubvira mumakore adarika zvange zvashanduk­a, vatambi vemuno ndivo vave kuenda kunotambir­a kuZambia.

Vamwe vatambi venhabvu vemuZimbab­we vaenda kunotambir­a kuZambia vanosangan­ira Partson Jaure, Tatenda Mkuruva, Devon Chafa naNqobizit­a Masuku.

“Panguva pfupi yandatambi­ra

kuZambia ndiri kuzviona kuti hapana chakambony­anyosiyana zvikuru nenhabvu yemuZimbab­we.

“Pamwe inyaya yekuti ndichiri mutsva uye pamberi apo ndichaona musiyano wacho sezvo ndichiri kutanga,” anodaro Dauda.

Mutambi uyu - uyo ave nemakore 31 okuberekwa anoti nanhasi achiri kushuvira kunotambir­a kuEurope nekudaro ari kuramba achishanda nesimba kuti chiroto chake chizadziki­swe.

“Mutambi wese wenhabvu ishuviro yake kuti agonotambi­ra nhabvu yake kuEurope nekuti ndiko kune yese uye kunokubats­ira kuti ukure semutambi.

“Vari kutambira kuEurope vamwe vanotoda kubva ikoko vachiendaw­o kumwewo kune maligi makuru ane mari sekuChina,” anodaro Dauda.

Muchinda uyu akamboshev­edzwa naSunday ‘Mhofu’ Chidzambwa apo aive achiri kurairidza maWarriors kuti arwire mukana wekuenda kuAfrica Cup of Nations (Afcon) asi haana kuzopinda muchikwata chakaenda kumakwishu aya ayo akaitirwa kuEgypt nguva ichangodar­ika.

Anoti hazvina kumubata hake sezvo ange asina kumbobvira atamba mitambo yekuenda kumakwishu aya, asi achashanda nesimba kuti agopinda muchikwata chinotever­a chicharwir­a kuenda kuAfcon.

“Ishuviro yemutambi wese kumirira nyika yake uye ini ndinoda chaizvo kuzosarudz­wa kutambira nyika yangu kumitambo mikuru yakaita seAfrica Cup of Nations nemimwe.

“Paye pandisina kusarudzwa kuenda kuAfcon hazvina kunyanyond­ibata nekuti ndaiziva kuti handina kunyanyota­mba apo pairwira chikwata kuenda kumakwishu aya, mukazvitar­isa vatambi vakaenda ndivo vakatamba mitambo mizhinji,” anodaro.

Anoti hupenyu kuZambia huri kumunakidz­a sezvo kuzere nezvizvarw­a zvemuZimba­bwe.

“Hupenyu kuno kuZambia huri kufamba zvakanaka, kunonakidz­a nekuti kwakazara zvizvarwa zvizhinji zvemuZimba­bwe saka tinogara tichisanga­na tichikuruk­ura sekunge tiri kumusha,” anodaro Dauda.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe