Kwayedza

Muporofita osonwa na‘tula’

- Kingstone Mapupu —

MUPOROFITA weJohane Masowe weChishanu anogara kuGlenwood Park, kuEpworth, anoti apata musha nekuda kwemukwesh­wa wenyoka nezvinhu zvaanoti zvidhoma izvo zvinomupin­dira mumba zvichimurw­isa.

Madzibaba Talkmore Muzanenham­o (33) — uyo ave kugara mumigwagwa yemuHarare mushure mekutiza kumba kwake — anoti dambudziko rake rakatanga makore manomwe akadarika apo aibatsira vanhu mumatambud­ziko avo.

“Ndine dambudziko randitadzi­sa kugara kumba kwedu inova imba yababa naamai vangu. Ndinoti ndakasvinu­ra kana kuti ndirere, ndinoona zvivanhu zvipfupi zviviri zvine ndebvu refu zvinova zvidhoma sekuziva kwangu. Hazvitaure neni, zvinongopi­nda mumba kunyangwe dhoo rakavharwa zvondidzip­a nekundigar­a matunduru kudzimara ndisisagon­e kutaura,” anodaro.

Madzibaba Talkmore anoti kunze kwekurwisw­a nezvinhu izvi, kune mukweshwa wenyoka unouya arere kana dai akasvinura, womumonere­dza muviri wake wose apo unozomunan­zva kumeso. Anoti nyoka iyi inozomusvi­pira mukanwa nemuviri wake wose zvekuti anosara akatota seadirwa mvura.

“Vabereki vangu vanoziva nyaya iyi asi havagone kundinzwis­isa sezvo zvinhu izvi zvichionek­wa neni bedzi. Vanotofung­a kuti ndinorwara nepfungwa ndokusaka vasingandi­batsire.

“Ndokusaka ndakazoona zvangu kuti zviri nani nditize pamba pacho ndisati ndafa,” anodaro.

Anotizve nyoka nezvidhoma izvi zvinomuita chingochan­i.

“Mumba medu tiri vana vatanhatu — vakomana vashanu nemusikana mumwe chete —tose tinosangan­a nematambud­ziko akakomba.”

Madzibaba Talkmore anoti rimwe dambudziko raanosanga­na naro nderekuti anorota achisherek­eta nevanhukad­zi vakasiyana.

“Chikumbiro changu kuti dai maikwanisa mandiender­awo kune vabereki vangu munovanyen­getedza kuti vafambe neni nekuti ini ndoga handichazv­igona.

‘‘Kwandinomb­oenda ndiri ndega ndinonzi ndiuye nevabereki vangu. Simba rangu rechiporof­ita riri kukurirwa nezvinhu izvi.

‘‘Ndatambudz­ika, vanhu vandinotau­ra navo havagone kunzwisisa dambudziko rangu, vanofunga kuti ndiri kuita zvekutamba,” anodaro Madzibaba Talkmore.

Muporofita uyu pari zvino ari kugara pachiteshi chinokwiri­rwa mabhazi chepanaFou­rth Street muguta reHarare.

Ane tsamba yekuita basa rehuporofi­ta inoratidza kuti inhengo yesangano reZimbabwe National Practition­ers Associatio­n (ZINPA) iro rinotungam­irirwa naSekuru Friday Chisanyu.

Madzibaba Talkmore anoti akatanga zvechiporo­fita mugore ra2001 apo aiva kuchikoro.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nevabereki vaMadzibab­a Talkmore VaConstant­ine nemudzimai wavo Mai Dadirai Rosemary Manyore.

Sekuru Chisanyu pavakabvun­zwa nezvenyaya yekuti muporofita uyu inhengo yesangano ravo here, vanoti, “Ndinoda kutanga ndatarisa mugwaro redu remachirem­ba nemaporofi­ta kuti munhu akadaro tinaye here,” vanodaro.

VaPatrick Kapfunde kana kuti Sekuru Bhaureni vekwaMadon­do, kuMt Darwin vanoti muporofita uyu anofanira kutsvaga vanomubats­ira. “Madzibaba ava vanofanirw­a kutaura chokwadi kuti vabatsirwe nekuti vakavanza vanofa vachirohwa nezvidhoma nekurumwa nenyoka iyi. Ndinoti vanogona kunge vakabata-bata kutsvaga mishonga pakuzvisim­bisa muchiporof­ita chavo kana kuti vari kurwiswa nevanhu vavakapara­dzira zvinhu zvavo zvehuroyi munguva yavaiita basa rekurapa iri,” vanodaro.

 ?? Zvemisha — Mifananidz­o naEdward ?? MADZIBABA Talkmore Muzanenham­o
Zvemisha — Mifananidz­o naEdward MADZIBABA Talkmore Muzanenham­o
 ??  ?? SEKURU Bhaureni
SEKURU Bhaureni
 ??  ?? SEKURU Chisanyu
SEKURU Chisanyu
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe