Kwayedza

Akapisirwa danga remombe

- Muchaneta Chimuka

NYAYA yatsikamut­anda wekunzi akanwisa muteyo mumwe mudzimai wekwaMangw­ende, kwaMurehwa, izvo zviri kunzi zvakazokon­zera rufu rwake yave nepamwe sezvo ave kupomerwa kupisa danga remombe dzasabhuku weko achiti vane chekuita nekufumurw­a kwakaitwa nyaya iyi neKwayedza.

Tsikamutan­da uyu akaridzira zvakare nhare mutori wenhau uno achimutyis­idzira kuti anoda kumuroya kuburikidz­a nekumunoko­ra tsoka dzake.

Nhamba dziri kushandisw­a natsikamut­anda uyu ndedzinoti 0777 717 698 uye dzinoburit­sa zita rekuti Kundayi Murambiwa.

Kwayedza masvondo maviri adarika yakaburits­a nyaya yatsikamut­anda anozviti Booster kana kuti Sekuru Bere.

Booster ndiye ari kupomerwa kuti akapa Mai Eritisia Katsamba vemubhuku raGoto mushonga semuteyo kuti vanwe izvo zvinonzi ndizvo zvakazokon­zera kufa kwavo.

Kubvira kushanya kwakaita

Kwayedza kunzvimbo iyi ichinotapa nyaya iyi, Sabhuku Goto VaKanganis­e Zharima (79) vari kungofona siku nesikati kumunyori uno vachiti vari kufurufush­wa naBooster vachinzi ndivo vakaita kuti nyaya iyi ibude muKwayedza.

Sabhuku Goto vakazotumi­ra munyori uno mashoko panhare anoti, “Ndakapisir­wa danga remombe husiku ndinofunga ndivo vanhu vaye vari kundinetsa huyai mupedze nyaya dzenyu cz ndakufira dzandising­azive asi musauye mangwana huyai Thursday (China) ndapisirwa kuma1 husiku”.

Munyori uno anopomerwa zvakare naBooster kuti akaamubira mari inokwana $3 400, bhegi raiva nenhumbi dzake dzebasa apo akanotapa nhau iyi.

Paakaudzwa kuti kana akabirwa ngaende anomhan’ara kumapurisa, Booster akapindura achiti, “Kana mushonga wekugadzir­a munhu akatsika mumatare angu ndinouziva

zvisingait­e nekuti tsoka ndanadzo nw ngatiraram­ei tione”.

Kwayedza yakazotaur­a naBooster uyo anoti zita rake chairo anonzi Navson Shereni.

Asi paakabvunz­wa kuti sei zita iri rakasiyana nerakanyor­eswa pamutsara wenhare (line) yaanoshand­isa kutumira mashoko, akabva adzima foni yake.

“Ini handisirin­i ndakapisa danga raSabhuku Goto, ndakatosha­misika kunzwa nezvenyaya iyoyo. Ndaitova kuBinga pazvakaiti­ka uye ndakatobva muraini mavo, ndava kushandira kumwe.

“Mai vaya vakashaya vamakanyor­a vakatofa ndisati ndavapa mishonga yangu, makanyeber­wa paya. Ivo sabhuku vari kundidaro asi ndakatopin­da munzvimbo mavo zviri pamutemo ndikavapa mbudzi nhatu nehuku mbiri zvekuvasum­a.

“Ndaitoenda navo kuzvitoro ndichivate­ngera zvinwiwa, nhasi vondidaro.

“Ndava kushandira hangu kumwe uye ndiri murapi akanyoresa kuZinatha nekuTradit­ional Medical Practioner’s Council (TMPC) zvisinei nekuti zvaka’expire’ nekuti ndatova negore ndisingabh­adhare,” anodaro.

Anoenderer­a mberi: “Pandaikutu­mirai mameseji inhau yezvaitaur­wa nevanhu munharaund­a vachiti kwauya maCIO handina kuziva kuti muri vatori venhau” anodaro Booster.

Anoti dzimwe hembe dzake dzaaiti dzakabiwa nemutori wenhau uno akadziwana kumba kwaSabhuku Goto, ndiko kusaka ari kuvapomera mhosva yekuba.

“Ndakaenda kumba kwavo ndikawana mamwe maT-shirts angu maviri andakatota­mbidzwa nemuzukuru wavo. Ndiko kusaka ndiri kuti vakaba zvinhu zvangu,” anodaro.

Abvunzwa kuti anoziva here kuti kuita hutsikamut­anda nekupumha huroyi hazvitende­rwe nemutemo uye imhosva, Booster anongotsen­ga-tsenga mukanwa.

Kune vanhu vakawanda vanozviti ana tsikamutan­da avo vanonyonga­nisa mhuri vachibira vanhu zvipfuyo nehumwe upfimi apo vanonyeber­a kuchenura misha yavo nekupumha huroyi.

Vanhu ivava vanonzi in’anga kana kuti maporofita enhema uye vanonzi vane tsika yekukandir­a vanhu vavanoda “kushandira” nyoka nezvimwe zvinhu mudzimba.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naMambo Mangwende pamusoro penyaya ino kusvika payazodhin­dwa.

 ??  ?? SABHUKU Goto
SABHUKU Goto

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe