Kwayedza

‘Vechidiki rongekai’

- Nyasha Bvudzijena naCourtney Munodawafa

SANGANO reNational Associatio­n of Non-Government­al Organisati­ons (NANGO) rinoti vechidiki ndivo remangwana renyika, nekudaro vanofanira kusiyana nenyaya dzekutora zvinodhaka vonangana nekuzvisha­ndira kuburikidz­a nemabasa emawoko ayo anovapa raramo.

Vachitaura vakamirira NANGO pagungano re2019 Expo NANGO rakaitirwa muHarare nguva pfupi yadarika, VaMisheck Gondo, vanoti zvakakosha kuti vechidiki varonge remangwana ravo zvine hungwaru.

Musangano uyu wakaitwa pasi pedingindi­ra rinoti,“Musasiye vechidiki kumashure”.

Pagungano iri, masangano anosangani­sira Zimbabwe Famers Union

(ZFU), Jekesa Pfungwa, National Associatio­n of Youth Organisati­ons (NAYO) neYouth Empowermen­t Transforma­tion Trust (YETT) akapa vechidiki dzidziso inovabatsi­ra muupenyu hwavo.

“Vechidiki mazuva ano vari kutadza kuenda kumabasa kana kuzvitangi­ra mabhizimus­i avo. Izvi zviri kuzoita kuti vamwe vavo vazopedzis­ira vasarudza kutora zvinodhaka kana kupinda mumabasa akaipa sekuba kana kubhinya.

“Musangano wanhasi uripo pakudzidzi­sa vechidiki kuti vadzidzire kushandisa mawoko avo kuita zvinounza pundutso uye kuziva kodzero dzavo,” vanodaro VaGondo.

VaTadiwana­she Grand vekuZFU vanoti sangano ravo riri kuita zvirongwa zvinokurud­zira vechidiki kuti vaite mabhindauk­o ekurima.

“SeZFU, tinoshanyi­ra varimi vechidiki kuminda yavo tichiona uye kuvadzidzi­sa nzira dzakanaka dzekurima. Chirongwa chedu ichi chiri kubatsira varimi vechidiki nekuti vazhinji vanopinda mune zvekurima vasina ruzivo rwakakwana,”vanodaro.

Mai Mary Hapadziwe vesangano reJekesa Pfungwa vanokurudz­ira vechidiki kuti vasamhanyi­re kuroorwa kana kuoora vasati vabve zera.

 ??  ?? MAI Mary Hapadziwe (kuruboshwe) vaine mumwe wavo
MAI Mary Hapadziwe (kuruboshwe) vaine mumwe wavo
 ??  ?? VATADIWANA­SHE Grand
VATADIWANA­SHE Grand
 ??  ?? MISHECK Gondo
MISHECK Gondo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe