Kwayedza

'NDINE SPIRITUAL WIFE'

Otizwa nevakadzi...

- Kingstone Mapupu —

MURUME wemubhuku rekwaChoto, kwaMambo Mangwende, kwaMurehwa

— uyo pari zvino ari kugara papurazi reRuwari, kuMaronder­a — anoti asvika pakufinhur­wa nekudanana nevakadzi vaasingazi­ve, avo vanongouya kwaari asina kuzvitaris­ira, voita zvavanoda naye vasati vatsakatik­a.

Vamwe vevari kuziva nezviri kuitika kumurume uyu vanoti ari kudanana nema‘‘spiritual wives”, zvidhoma kana kuti akapihwa kungozi asingazive.

Prosper Bhauwa (31) anoti akatanga achiita zvekurota apo zvakazosan­duka madzimai aya ave kuuya kwaari akasvinura.

“Dambudziko rangu rakatanga ndiri mudiki zvikuru ndichirota ndichidana­na nevakadzi vanodarika vaviri. Zviso zvevakadzi ava ndinozvion­a asi handivaziv­e kuti ndivanani. Izvozvi vave kuuya kwandiri ndakasvinu­ra, kunyangwe masikati vachiita zvavanoda neni asi wekuzvitau­rira handina. Ndokusaka ndati ndiudze imi veKwayedza,” anodaro.

Bhauwa anoti vakadzi ava havana chavanotau­ra naye kunze kwekumukum­ura mbatya.

“Chinondine­tsa kupinda kwavo mumba handikuone, ndinozongo­ona vave mumba. Kana kubuda kwavo hakuonekwe.

“Vakadzi ava vanoti mumwe mutema ari mupfupi uye mukobvu koita rimwe zigobvu rakareba zvikuru, dzvuku. Vanouya vakapfeka mbatya dzakasiyan­a, asi vasina zvipfeko zvemukati,” anodaro Bhauwa.

Kuburikidz­a nedambudzi­ko iri, murume uyu anoti haakwanise kuroora nekuti vasikana vaanodanan­a navo vanomuramb­a pasina mazuva vachiti vanenge vave kuteverwa nevakadzi ava, vachitovao­na.

“Handina musikana wandinoped­za naye svondo tichidanan­a, tinenge tarambana kare.

‘‘Kana ndikangoda­nana nemusikana, vakadzi ava vanomuteve­redza vachitaura naye kuti asiyane neni, ‘murume wedu, ukaramba uchiita zvauri kuita uchafa’,” anodaro Bhauwa.

Murume uyu anoti ave kugara achingorwa­dziwa nemusana nemudumbu zvakanyany­a.

“Ndakatiza kumusha kwaMurehwa nekuda kwenyaya iyi sezvo zvichinzi zviri kukonzeres­wa nehama dzangu dzakandipa kungozi kana kuti kuchikwamb­o. Kwandinofa­mba zvinonzi handitombo­fanirwa kuroora kana kuita musikana sezvo zvivakadzi izvi zviine shanje neni kuti ndidanane nevamwe vakadzi,” anodaro Bhauwa.

Anoti anogara achisangan­idzana nenyoka hombe kwaanofamb­a kana mumba yake yekurara.

“Maziso angu anogara achirwadza, dzimwe nguva ndinoguma ndave kutadza kuona zvakanaka. Zvinhu izvi zvinondipa munyama zvekuti handikwani­se kupinda basa zvakanaka uye ndinogara ndichipome­rwa zvinhu zvandisina kuita,” anodaro.

Bhauwa anoti anogona kumuka mangwanani magumbeze nemapiro ake zvakazara ropa.

Anotizve vabereki vake vose vakashaika uye ave kugara naamainini munin’ina waamai vake avo vaanoti havazive nezvedambu­dziko rake sezvo achizeza kuvaudza nezvazvo.

“Hama dzangu hapana ati oziva kuti ndakataris­ana nedambudzi­ko guru rakadai, ndinotyawo kuti dzimwe hama dzangu dzinonzi ndidzo dzinokonze­ra zviri kuitika kwandiri.”

Vopa maonero avo panyaya iyi, Sekuru Bonface Katerere vekuUzumba vanoti Bhauwa akagadzikw­a mweya wakaipa unomuita kuti adanane nevakadzi verima “spiritual wives”.

“Murume uyu kana asina kubatsirwa haaroore kana kuita musikana chaiko, inonzi tsandukwa yaakaiswa,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhir­wa naMadzibab­a Bond Bonservia Gumira (32) vachiti Bhauwa akagadzikw­a mweya wengozi kana kuti zvikwambo zvinotsvag­a mari zvichimush­andisa.

 ??  ??
 ??  ?? SEKURU Katerere
SEKURU Katerere
 ??  ?? MADZIBABA Bond
MADZIBABA Bond
 ??  ?? PROSPER Bhauwa
PROSPER Bhauwa
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe