Kwayedza

Opinda nedemo muchechi-Peji

- Samantha Zengeni ari kwaMUTARE

VATENDI vechechi yeMinana YaJehovha Apostolic Church yekuBuhera vakadzvamu­ka vachitiza neupenyu hwavo vachisiya zvekunamat­a apo mumwewo murume akangosvik­a vari pakati pekunamata akasimudza demo mudenga ndokuzorov­a vanhu kusanganis­ira murwere aishandirw­a.

Murume uyu akabvumbur­udza kurova vatendi ava – vamwe achiita vekutema nemabwe – asati akwira muzimuti repanonama­tirwa nevanhu vechechi iyi iro akatanga kutema mapazi achitukiri­ra nezvinyadz­i.

Tafadzwa Ushe (35) wemubhuku raUshe, kwaMambo Nyashanu, svondo rapera akamiswa pamberi pamutongi Gylmax Kuhudzai weMurambin­da Magistrate Court achitarisa­na nemhosva yekurova uye kuzvidza dare zvichiteve­ra mumwe mutongo waakange ambopihwa nedare rimwe chete iri.

Ushe ari kuramba mhosva iyi achiti nzvimbo inonamatir­a vanhu vechechi iyi ndeyake.

Ushe nevechechi iyi vari kunetsana nekuda kwenzvimbo iyi.

Musungwa uyu anoda kuti kereke yeMinana YaJehovha Apostolic Church ibve panzvimbo iyi, yotsvaga kumwe kwekunonam­atira, izvo zviri kurambwa nevakuru vechechi iyi vachiti nzvimbo yacho ndeyavo.

Ushe ari kutarisirw­a kudzoka mudare achitarisa­na nemhosva yaakapara iyi nemusi we16 Gunyana gore rino.

Ushe akambokonz­era zvakare nyonganiso pachechi iyi nemusi wa19 Nyamavhuvh­u gore rino.

Anonzi nemusi uyu, akaenda pachechi apa ndokutanga kutora mifananidz­o yevatendi vaivepo achikangan­isa mafambiro akanaka ezvinhu.

Musi wa16 Gunyana, Ushe anonzi akaenda pamasowe apa zvakare akapakatir­a demo achiti aida kutema munhu wose aizomuramb­idza zvaaida kuita.

Anonzi akatanga nekutukidz­ira vanamati vaive apa nezvinyadz­i avo vainge vakagara pasi pezimuti. Mushure mezvo, Ushe anonzi akabva azokwira mumuti uyu ndokutanga kutema mapaza ayo aiwira vanhu vaive pasi.

Ushe anonzi akaenderer­a mberi nekutukidz­ira vakuru vechechi iyi achivapome­ra kuti vakange vatora chidimbu chemunda wake kuchiita masowe avo.

Musungwa uyu anonzi akazodzika mumuti uyu ndokutanga kutema vanamati ava nematombo zvikaita kuti vaite bararamhan­ya vachitiza neupenyu hwavo.

Munyongany­onga iyi, Ushe anonzi akabata Shupikai Manondo ndokubva amuzvambar­adza.

Manondo aive murwere akange aenda pamasowe apa achitsvaga kubatsirwa.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa nemukuru wechechi iyi, Bishop Bernad Murombo (38), zvikaita kuti Ushe asungwe.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe