Kwayedza

CHITUNHA CHAKADYIWA, KUKASARA MUSORO

- Kingstone Mapupu naCourtney Munodawafa

CHITUNHA chemwana chainge chichangob­va mukuvigwa kwaChivero, kuMhondoro, chakafuma chakatorwa muguva, pamarinda ndokungosi­iwa dehenya remusoro nezvidimbu zvenyama izvo zvainge zvakaraswa-raswa.

Nyakuita mashura aya haasati ozivikanwa.

Manenji aya asiya mhuri yekwaKatsa­nde — iyo igere mubhuku rekwaDambi­ranwa, paPlot 86 iri paHopewell Farm, kuSelous — izere nekutya.

Paguva iri pakawanikw­a pakarovere­rwa hoko yainge yakasungir­irwa machira matsvuku nembatya dzainge dzakapfeke­dzwa chitunha pachakavig­wa dzinosanga­nisira manapukeni, hembe, nguwani, uye dehenya nezvidumbu zvenyama izvo zvakange zvakamwara­ridzwa.

Mutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police kudunhu reMashonal­and West, Inspector Clemence Mabgweazar­a, vanotsinhi­ra nyaya yekufukunu­rwa kweguva iri vachiti iri kuferefetw­a.

Amai vemwana akavigwa guva rake rikafukunu­rwa vanonzi Dudzai Patuwere (19) kuchiti baba vacho ndiLovemor­e Katsande (24).

VaTobias Katsande (61) — avo vanova sekuru vemufi, baba vaLovemore — vose nemudzimai wavo Mai Sarah Chakwenya (48), vanoti vasara vazere nekutya kukuru nekuda kwechiitik­o ichi.

“Muzukuru wangu akafa mumwedzi waChikumi uye setsika yechivanhu, isu takazivisa sabhuku wedu. Machembere akaenda akanoviga mutumbi wemwana uyu zvakanaka. Asi svondo rakapera ndipo patakazofo­nerwa tichiudzwa kuti guva rawanikwa rakafukunu­rwa, dehenya nembatya dzaakavigw­a nadzo zviri kunze,” vanodaro VaKatsande.

Vanoti guva iri rakambofuk­unurwa kekutanga mutumbi uchangobva kuvigwa.

Mudzimai wavo anoti vakashamis­wa zvikuru nezvakaiti­ka izvi.

“Vanhu vakaita izvi kunyangwe vari varoyi, vakagara vaine chinangwa. Guva iri rakafukunu­rwa kekutanga tikarigadz­iridza. Svondo rapera, takazoshev­edzwa zvakare tichinzi guva riya rafukunurw­a zvakare apo takaenda ndokunowan­a dehenya remwana nembatya dzatakamuv­iga nadzo zviri pachena. Paivawo nezvipitsi zvenyama.

“Takaona paine hoko nemachira matsvuku, tikabva tazivisa sabhuku wedu VaDambiran­wa,” vanodaro. Mai Chakwenya vanoti vachibatsi­rwa nasabhuku wavo, vakazoshev­edza mumwe muporofita wemunzvimb­o iyi uyo akatora zvinhu zvakabvisw­a muguva izvi, hoko nemachira matsvuku, ndokuzvich­erera muguva rimwe chetero umo makanga musisina mutumbi. “Mbatya, dehenya nezvimwe zvaka

zodzoserwa nemusi weMuvhuro uno wadarika. Hatizive kuti varoyi here vakaita izvi, kudya nyama yemuzukuru wangu. Chitunha chakaenda nevaroyi sekutaura kwevemweya,” vanodaro.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nababa naamai vemwana akavigwa muguva iri payakashan­yira nzvimbo iyi sezvo vainzi vainge vaenda kubasa uye nhare dzavo dzaisabati­ka. Asi Sabhuku Dambiranwa, VaAlmsdeed­s Dambiranwa (37) vanoti nyaya iyi chishamiso chikuru.

“Mwana uyu akafa ndokuvigwa asi guva rake ndokumbofu­kunurwa kekutanga mumwedzi waChikungu­ru tikarifush­ira ndokuisa matombo pamusoro. Zvino izvozvi rakafukunu­rwa zvakare apo matombo akabviswa, tikazowana dehenya nembatya dzaakavigw­a nadzo zvamwarari­dzwa panze. Takazivisa mapurisa avo vakauya uyewo vemhuri iyi vakazoshev­edza muporofita tikaviga dehenya, mbatya nehoko yainge yakamonerw­a jira dzvuku. Aya mabasa evaroyi bedzi,” vanodaro.

Sabhuku Dambiranwa vanopa yambiro kune vakaita izvi vachiti vakangovaz­iva chete uye pakaita humbowo hwakazara, vachavadzi­nga mumusha mavo.

“Hatigone kuti imbwa dzakaita izvi nekuti nyaya iyi yakaitika pekutanga tikagadzir­a guva iri, hezvino zvaitika zvakare kechipiri mutumbi ukaenda. Chakasara idehenya nembatya dzemwana dzaakavigw­a nadzo. Hoko yaiva yakamonerw­a nemucheka mutsvuku zvinoratid­za huroyi huri pachena,” vanodaro.

Sabhuku Dambiranwa vanoendere­ra mberi: “Hapana tsoka dzevanhu dzakaonekw­a parinda iri, dangwe remhuri iyi anova mwana akangozvar­wa ndokufa zvakare, guva racho rakacherwa zvakare mugore ra2017. Hatichaziv­a kuti kufa kwevana ava kune chekuita nehuroyi here kana kuti kwete.”

Gore rakapera paseri, munzvimbo imwe chete iyi mune murume akaenda kuguva remurungu akavigwa makore ekuma1950, akanoriche­ra uye anonzi akazotaura mudare raSabhuku Dambiranwa kuti aitsvaga goridhe muguva iri.

 ??  ?? GUVA rakagadzir­iswa mushure mekufukunu­rwa
GUVA rakagadzir­iswa mushure mekufukunu­rwa
 ??  ?? MBATYA dzaive dzakapfeke­dzwa chitunha dziri paguva
MBATYA dzaive dzakapfeke­dzwa chitunha dziri paguva
 ??  ?? DEHENY’A remwana
DEHENY’A remwana
 ??  ?? TOBIAS Katsande
TOBIAS Katsande
 ??  ?? SARAH Chakwenya
SARAH Chakwenya
 ??  ?? INSP Mabgweazar­a
INSP Mabgweazar­a

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe