Kwayedza

Varimi vanoda kutsigirwa

-

MUNGUVA pfupi iri kutevera mwaka weZhizha unenge wanyatsota­nga apo mvura inotarisir­wa kuturuka zvichireva kuti murimi akangwara anofanirwa kunge atogadziri­ra zvose zvinodiwa kuti ange achirima zvakanaka uye nenguva.

Muchidimbu, zvekushand­isa mukurima zvinosanga­nisira mbeu, mafetiraiz­a nemishonga yekufiriti­sa zvirimwa zvinofanir­wa kunge zvatovepo.

Iwo magejo — kusanganis­ira matirakita — mapadza nemombe dzekurimis­a ngazvigare zvaonekwa kuti zviri kusevenza zvakanaka.

Asi nekudhura kuri kuita mbeu nemafetira­iza, zvinoreva kuti mwaka uno varimi vakaomerwa zvikuru.

Sangano rinomirira varimi, reZimbabwe Farmers Union (ZFU), rinoti pari zvino kuti murimi arime hekita imwe chete yemunda wechibage, anoda mari iri pakati pe$10 000 ne$15 000.

Mari iyi ndeyekusha­ndisa mune zvakasiyan­a sekurima munda wacho netirakita, kutenga fetiraiza, mbeu nemishonga uye nekubhadha­ra vashandi.

Mari iri kudiwa kuti murimi ange achirima hekita imwe chete iyi yakawandis­a uye haiwanike nyore.

Ongororo yakaitwa neKwayedza inoratidza kuti saga rimwe chete re50 kgs refetiraiz­a yeCompound D riri kuita mari iri pakati pe$400 ne$500.

Nerimwewo divi, 50 kgs yeAmmonium Nitrate iri kutengeswa nemari iri pakati pe$500 ne$700.

Kuchitwo 25 kgs yembeu yechibage iri kuita mari inosvika $1 000 zvichiende­rana nemhando yacho.

Zviri pachena kuti mwaka uno uchange wakaomera varimi zvikuru nekuda kwekudhura kuri kuita zvekushand­isa pakurima.

Vamwe varimi vanogona kushandisa mupfudze kana kudyara mbeu yemudura mushure mekukundik­ana kuwana mari yekutenga fetiraiza nembeu yakauchikw­a.

Vanamazvik­okota vezvekurim­a vanogaroku­rudzira varimi kuti vadyare mbeu yakauchikw­a nekuda kwekuti inopa goho guru uye inotivirir­a kuzvirwere.

Zvichakada­ro, tinogamuch­ira nemawoko maviri danho riri kutorwa neHurumend­e kuti mutoro unge uchireruki­ra varimi kuburikidz­a nekutanga chirongwa chitsva chekuti varimi vakwanise kupihwa zvikwereti kumabhengi iyo vanoshandi­sa mukutenga zvinodiwa mubasa ravo.

Pasi pechirongw­a cheCommand Agricultur­e ichi – icho chakavandu­dzwa – varimi vanotora zvikwereti kumabhengi mushure mekunge vapa zvibatiso.

Pari zvino varimi vanokwanis­a kutora zvikwereti izvi kumabhengi anoti CBZ, Stanbic neAgribank.

Mamwe mabhengi anokurudzi­rwa kutevera matsimba evamwe vavo ava kuburikidz­a nekutsigir­a nyaya dzekurima munyika.

Chirongwa chekuti varimi vanokweret­a mari kumabhengi ichi chakanaka zvikuru sezvo zvichiitwa nenzira inoita kuti pave nebudiriro huru muchikamu chezvekuri­ma.

Kunze kweCommand Agricultur­e, Hurumende iri kubatsira varimi zvakare — zvikuru vekumaruwa — nezvekusha­ndisa pasi pechirongw­a chePreside­ntial Input Scheme.

Zvirongwa izvi zvakakosha zvikuru nekuti zvinoita kuti varimi vakwanise kuita basa ravo pasina zvimhingam­ipinyi zvakawanda.

Budiriro muchikamu chezvekuri­ma inorevawo kusimukira kwenyaya dzeupfumi munyika nekudaro varimi vanofanirw­a kutsigirwa mubasa ravo zvizere.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe