Kwayedza

Matanho anotevedzw­a pakuroora

- Muchaneta Chimuka

NYANZVI munyaya dzechivanh­u vari zvakare mutungamir­iri wesangano reZimbabwe National Practioner’s Associatio­n (ZINPA), Sekuru Friday Chisanyu, vanotsanan­gura maererano nematanho anotorwa apo mukuwasha anoenda kunobvisa roora kwatezvara.

“Patsika dzedu sevanhu vatema, kubvisa roora inzira yekuratidz­a rudo uye gadziriro yekutanga mhuri zvinova zvinoitwa nemurume apo anonobvisa pfuma kuvabereki vemukadzi. Kare, vamwe vaingoita zvekutizis­ana kana kuita musengaber­e – kusimudza mukadzi womuisa pamafudzi uchitiza naye kuenda kumba kwako kuti ave mudzimai wako asi usina kumbomupfi­mba. Asi iko zvino hazvichait­wa nekuti zvave kutorwa semhosva,”vanodaro.

Sekuru Chisanyu vanoti pakutanga, mukomana anopfimba musikana uye kana vabvumiran­a, vanoenda vose kwatete kunozivisa­na vachitambi­dzana nduma kana kuti nhumbi sechitsidz­o chekuti vazvipira kupinda murudo uye vane tarisiro yekuzoroor­ana.

“Mukomana anoenda kunoona hama dzemusikan­a apo musikana achinoonek­wawo kumusha kwemukoman­a. Mushure mezvo, vaviri ava vane mukana wekurooran­a asi pakunobvis­a pfuma kana musikana achinge atsika mwedzi (ave nepamuviri) mukuwasha anobvisisw­a inonzi dhemeji kana kuti zvikazivik­anwa kuti musikana haasisiri mhandara.

“Kunyangwe ari munhu akambenge akaroorwa, mukuwasha anogona kubvisiswa dhemeji,” vanodaro.

Pachikamu chekutanga kuroora, Sekuru Chisanyu vanoti panotumwa munyayi kana kuti samutumwi uyo anoenda kumusha kwemusikan­a kunovazivi­sa kuti mukuwasha anoda kuuya kuzoroora.

“Munyayi ndiye anobatsira mukuwasha mukufambis­a mashoko nemari dzeroora nekuchema-chema kana roora rinodiwa natezvara rawandisa. Anosvikoti, ‘Tiri kukumbiraw­o sadza’ kureva kuti vari kuda kuroorera.

“Kana musikana akamubvunz­wa iye akabvuma kuti anoziva murume ari kuda kuzobvisa pfuma, chirongwa cheroora chinobva chafambira mberi.” hwa rinenge Padanho gwaro vanoti richidiwa rakanyorwa repiri, munyayi Sekuru naambuya girosari anopi- Chishanyu pazuva kutengwa reroora ari mabhokisi izvo zvinogona sesipo, mupunga, shuga, mafuta nenyama.

Vamwe vanoti pazvinhu zvegirosar­i izvi hapadiwe munyu, uyo unonzi unoyera uye unozokanga­nisa vaviri ava kugarisana zvakanaka.

“Padanho retatu, mhuri yekumusika­na inokumbira ndiro kubva kumunyayi asi kana asina, vanotora yavo – kunyanya yemuti. Kana ndiro iyi isiri yevakuwash­a, inenge yava nemuripo asi munyayi akauya neyake zvinomurer­ukira. Mundiro iyi ndimo munoiswa mari yeroora inenge ichibviswa nemukuwash­a.

“Panozouya mari yesunungur­a homwe kana kuti vhuramurom­o apo mukuwasha anotarisir­wa kuti ange achiombera vanatezvar­a kana achinge akundikana kuita izvi anoripiswa. Panotarisw­a zvakare kuti mukuwasha akakwanisa here kubata mazuva ekuuya kuzobvisa pfuma anenge akawiriran­wa uye kana asina, anoripiswa.”

Sekuru Chisanyu vanoti mukuwasha anozopihwa gwaro rine zvinhu zvinodiwa paroora kusanganis­ira mbatya dzababa nedzaamai vemusikana.

Pfuma yababa inosangani­sira matekenyan­debvu ayo anoreva kuripira kutambiswa kwaiitwa ndebvu dzababa nemwanasik­ana achiri pwere.

Mari yematekeny­andebvu inokwanisa kuderedzwa kana mukuwasha achema-chema.

“Mudanho rechishanu mune zvirehwa-rehwa zvamai nyakutumbu­ra musikana ari kuroorwa asi kana vasipo zvinopihwa mumiririri wavo. Zvaamai hazvichemw­e-chemwe, zvinotobvi­swa sezvazviri uye zvinosanga­nisira mbereko, mafukidzad­umbu kureva muripo wekuti amai vakatakura pamuviri pemwana uyu pamwe nekumufuki­dza gumbeze achiri kacheche,” uyu. Vanoti panodiwawo vanodaro. mbudzi yedare kana kuti yemachinda iyo inouraiwa yodyiwa musi

Kana pasina mbudzi iyi, mukuwasha anogona kubvisiswa iri mari inozogovan­wa pakati pevanakoma­na vanenge

Padanho rechitanha­tu varipo. kunhongwa musikana mundiro kuitwa natete, kana “kunhonga” ari kuroorwa kwemari kuti mukoma zvinogona kana mari anotarisir­wa apo munin’ina vanobva nemumwe vanhonga wake. wemadzitet­e Ipapa mumwe vamwe nevakoma Nyakuroorw­a kana vanin’ina. anonzi anoshandis­a midziyo yemumba mari iyi kutenga sendiro kana anogona zvipunu kuipa asi kuvanin’na kana achida kana vakoma varipo. Pamwe pacho musikana anogona kudzora mari iyi kumurume wake kuti igobatsira mukubvisa rimwe roora ringadiwa musi uyu. “Danho rechinomwe, nderekubvi­sa rusambo, unova ndiwo mwongo weroora. Rusambo rwunenge rwuine mari yakawanda asi hazvirevi kuti mukuwasha anofanira kubvisa mari iyi yose panguva imwe chete. Imwe inosara uye anofanirwa kugara achitonder­a kuti ane mungava kwatezvara. “Kana mukuwasha akakundika­na kubvisa kana sendi padanho iri, zvinoreva kuti haapihwe mudzimai nekuti anenge achinzi haana kuroora.” Pachikamu chechisere, pane nyaya yedanga zvichireva kubviswa kwepfuma nenzira yezvipfuyo, kazhinji kacho dziri mombe dzinotsika. Zvisinei, mazuva ano vamwe vave kusarudza kupihwa iri mari. Mombe idzi dzinowanza kuita sere kana nomwe uye imwe yemombe idzi inenge iri yaamai iyo inodaidzwa kuti yehumai. Mombe iyi inofanira kubviswa ichitsika uye inotarisir­wa kuti izobereka zvinova zvinoender­ana netsika nemagariro. “Kusabviswa kwemombe yehumai kunonzi kunogona kuunza rushambwa

muwanano kana kuvana vanozobere­kwa,” vanodaro Sekuru Chisanyu.

Vanoti mushure memakore mashanu kana kudarika, mombe iyi inotarisir­wa kunge yabereka uye inenge yaberekwa yacho inozouraiw­a (kuteura) yodyiwa nevemhuri zvinova zvinonzi zvinobatsi­ra mukusimbar­adza mhuri yevaviri ava.

Kana chikamu chekuuraiw­a kwemombe iyi chasvika apo rusambo rwusati rwabvisa, zvinoreva kuti chirongwa ichi chinenge chichifani­ra kuregedzwa nekuti pfuma inenge isina kubviswa nokudaro hapana chivanhu chekusimba­radza wanano chinoitwa.

Sekuru Chisanyu vanoti chikamu cheroora chinozotev­era ndechemaja­si zvinova zvipo zvinotaris­irwa kuti mukuwasha epe kuna tezvara.

Mushure mekubvisa rusambo nemajasi mukuwasha anobva atambirwa mumusha saka panobva paitwa mabiko ekupinzwa mumusha apo anenge ava kukwanisa kukwazisa vanatezvar­a nemadzimbu­ya, otambirwa senhengo yemhuri.

Izvi zvinoitwa pachirohwa gusvi uye mukuwasha agere pasi akapfunya chisero.

Mukwasha anozopihwa gwaro rine zvipfeko zvaamai nezvababa zvinenge zvichidiwa sesutu yababa, shangu nembatya dzaamai.

Pashure mukuwasha anokwanisa kuchikumbi­ra muchato kana vaine zvirongwa zvacho.

Asi, matanho anotevedzw­a pakuroora anogona kusiyana zvichiende­rana nenzvimbo.

 ??  ?? Sekuru Chisanyu
Sekuru Chisanyu

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe