Kwayedza

Vana vakatsvira mumba

- Kingstone Mapupu — —

MHURI inogara mumusha weRetreat uri kuWaterfal­ls, muHarare, ine kusuwa kukuru zvichiteve­ra kufa kwemwana wayo, mumwe ndokukuvar­a apo imba yavo yakabatira moto ukaparadza zvaivemo.

Mai Theresa Dhonza (42) avo vanova shirikadzi vanoti havambofa vakakangan­wa tsaona yekutsva kwakaita imba yavo umo maiva nevana vavo vaviri, mumwe wacho ndokuzonof­ira kuchipatar­a.

“Imba yedu yanga iri yemapurang­a, saka yakabatira moto kuma 7 husiku nemusi wa7 Nyamavhuvh­u apo ini ndainge ndaenda kutuckshop kunotenga zvinhu. Ndakarasik­irwa nemwana uyewo mbatya dzedu dzose dzikatsva kusanganis­ira nematsamba ekuzvarwa nepasipoti yangu.

“Handina chandakasa­ra nacho ini nemwana wangu,” vanodaro chiso chavo chizere nekusuwa.

Pakaitika tsaona iyi, mumba umu maiva nevana vaviri vanoti musikana wemakore gumi okuberekwa nemukomana aiva nemakore mana uyo akazoshaik­a.

“Nyaya inonetsa ndeyekuti pandakabud­a mumba ndichienda kutuckshop, ndakasiya musina mwenje kana moto. Ndaitonote­nga kenduru nemachisi nemupunga wekuti tibike. Tuckshop iyi inongova chinhambwe chemamita 50 kubva pamba asi ndakadzoka ndichiwana imba yose yaputirwa nemoto vana vachichema.”

Mai Dhonza vanoti sezvo hwaiva husiku, vakasiya vana ava varere mumagumbez­e.

“Ndadzoka, ndakawana imba yose yaputirwa nemoto, mukuru wacho wemakore gumi achimhanya nekwandaib­va nako achichema. Ndichimubv­unza kuti moto waiva wabvepi, akati akangonzwa chinhu chakaputik­a sefire cracker chichirova pamusoro pemba izvo zvinoita kuti ndifunge kuti pane vavengi vakapotser­a chinhu chakaputik­ira pamba pangu,” vanodaro.

Vanoti mwana uyu paakangope­dza kutaura, akabva afenda.

Mai Dhonza vanoti mwana wavo mudiki akanga asara ari mumba achishaya kwekubuda nako vakazomuwa­na achikambai­ra achibuda kunze kwemba yaingandum­a moto asi akange atsva zvakanyany­a.

“Moto uyu une chishamiso kwandiri nekuti kwakaita mwedzi mitatu pamba pangu pachingoba­tira moto waingotang­a woga tichitosha­misika kuti waibva kupi. Pekutanga, bindu rangu rakatsva, nzimbe nemuriwo zvikaparar­a nemoto usina kuonekwa kwawakabva.

“Pechipiri, pane zvigubhu zvandinonh­onga ndichizote­ngesa izvo zvaiva mumabhero gumi ayo akangotang­a kutsva akaparara. Saka handizive kuti ndoti moto wakapisa mwana wangu ndewemasar­amusi here,” vanodaro. Mai Dhonza vanoti mwanakoman­a wavo uyu vakazomuen­desa kuchipatar­a cheHarare Central Hospital uko akazofa nemaronda ehutsva.

“Uyu mumwe akatsva akarapwa uye ava nani. Hapana chakasara, zvinhu zvose zvakatsva zvekuti hatina chikafu, magumbeze kana mbatya. Tinongova vanhuwo izvozvi, tiri kurarama nekuchenge­twa nevamwe vane tsiye nyoro mudzimba dzavo.”

Vanoti chishuwo chavo kuti kudai vabatsirwa vawana basa rekushanda kana kuvakirwa imwe imba kuti vakwanise kugara nemwana wavo akapona mutsaona iyi.

Vanoda kubatsira mudzimai uyu vanoridza nhare panhamba dzinoti 0775 994 718 kana 0771 367 665.

Zvichakada­i, Mai Lillian Mashumba (50) naMai Cathrine Mandaza vamwe vevakatota­nga kubatsira mhuri iyi.

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe