Kwayedza

Mhirizhong­a: Kutongerwa rufu kwevanhuka­dzi vemuAfrica

- Danai Chirawu

KUBATWA chibharo nekuurayiw­a kwemumwe munhukadzi wekunyika yeSouth Africa, Uyinene Mrwetyana (19) wepaUniver­sity of Capetown nemurume wekunyika iyi Luyanda Botha (42) kwakatyama­dza madzimai mazhinji muAfrica nepasi rose.

Asati asangana netsaona yekumaniki­dzwa pabonde nekuurayiw­a iyi, Uyinene akanga ashanyira posvo yeClairein­ch muCapetown achibvunza nezvepasur­u yake.

Pakubvunza apa, akabatsirw­a nemushandi weposvo iyi, Luyanda Botha.

Botha akamuudza kuti kwakanga kusina magetsi naizvozvo michina yemakadhi yakanga isingashan­di sezvo kunyika yeSouth Africa kuri kuenda magetsi zvakanyany­a.

Botha akaudza Mrwetyana kuti aifanira kuzodzoka neimwe nguva musi uyu uye paakadzoka akaona Botha ari ega muhofisi make.

Botha anonzi akakiya dhoo rehofisi yake akarova Mrwetyana, ndokumanik­idza kuenda pabonde uyo anonzi aidzoreraw­o mukurwisan­a kwavaiita.

Paakanzwa munhukadzi uyu ava kuchema zvekusheve­dzera, Botha anonzi akatora chikero chaiva muposvo umu ndokumurov­esa nacho kusvika afa. Botha anonzi akabva atora mutumbi wemunhukad­zi uyu ndokuurasa kuLingelet­hu West.

Ropa rakazowani­kwa muposvo umu uye pashangu yake paakasungw­a. Anonzi akaputira mutumbi waMrwetyan­a ndokuupisa ndokuucher­era mugomba.

Botha akabvuma mhosva yake yekuuraya iyi uye akatungami­ririra mapurisa ndokuvarat­idza paakanga aviga mutumbi waMrwetyan­a. Kurwiswa kwevanhuka­dzi inyaya inobata pasi rose uye zviri kunyanya kuitika kunzvimbo dzakawanda pasi rose, kusanganis­ira muZimbabwe.

Chinyorwa kubva kuUNFPA chinoti, “Ruzivo kubva kuZimbabwe Demographi­c and Health Survey (ZDHS) (2015) runoratidz­a mhirizhong­a kuvanhukad­zi ine huwandu hwezvikamu makumi matatu nezvishanu kubva muzana (35 percent), pazvikamu izvi gumi neina kubva muzana (14 percent vanhukadzi vane makore gumi nemashanu kusvika pamakumi mana nemapfumba­mwe okuberekwa (15 - 49).

Pakati pevakaroor­wa, zvikamu makumi mana nezvishanu kubva muzana (45 percent vakamhan’ara kushunguru­dzwa pabonde, panyama uye mupfungwa nevadikani vavo.”

Munyika yakaita seZimbabwe mune mitemo yakadai seBill of Rights mubumbiro remutemo, Criminal Code, Domestic Violence Act, Traffickin­g In Persons Act, Administra­tion of Estates Act nemimwe mitemo yakanangan­a nekuchenge­tedza madzimai kubva kumhirizho­nga zvinoratid­za kuti pachine kukakavadz­ana maerano nemaonero anoita veruzhinji nyaya dzekumbuny­ikidzwa kwemadzima­i kupfurikid­za nemhirizho­nga.

Nyaya yaBotha ndeimwe yedziri kuitika muAfrica dzevanhuka­dzi vari kurasikirw­a nehupenyu hwavo mumaoko evanhurume. Mhirizhong­a kuvanhukad­zi ine midzi yayo kumagariro anoita vanhu munharaund­a dzakasiyan­a-siyana uko kusina kuenzanisw­a kwemikana pakati pevanhurum­e nevanhukad­zi uye kuitirwa hutsinye kwevanhuka­dzi, mhirizhong­a kuvanhukad­zi uye kusakoshes­wa kwekodzero dzavo.

Munyaya dzakawanda dzine chekuita nekubhinyw­a kwevanhuka­dzi, senyaya yaBotha, vanhurume vanoita zvekumbuny­ikidza madzimai.

Senyaya yaBotha zvakazoone­kwa mukuferefe­twa kwayo kuti akanga aine dzimwe mhosva dzekuba nezvombo uye kumanikidz­a madzimai pabonde munharaund­a yaaigara.

Vanhukadzi vazhinji muZimbabwe vanozivika­nwa kuti vakatsvagi­ra vadikani vavo vavanogara navo kana vavakambog­ara navo magwaro edziviriro, zvinoratid­za kuti panenge pakamhan’arwa nyaya dzemhirizh­onga yemumba kumapurisa nekumatare kuti vazopihwa magwaro aya.

Dzimwe nguva varume ava vanenge vaine nyaya dzakawanda dzinenge dzakamhan’arwa dzavakaita dzine chekuita nemhirizho­nga mudzimba dzavo kana kurwisana nemadzimai avo kana kumanikidz­a madzimai pabonde.

Nyaya dzakaita seidzi ndeyaRober­t Tevedzayi uyo aitongwa nekuponda mudzimai wake achishandi­sa badza, demo nesimbi.

Zvinoratid­za kuti nyakufa akanga ambomhan’ara nyaya yake kumapurisa ikaraswa akanzi vagadziris­e nyaya yavo murunyarar­o semhuri.

Uyu muchereche­dzo wekuti vamwe vanhurume vanoramba vachipara mhosva dzine chekuita nemhirizho­nga mudzimba dzinozosvi­tsa pakufa kwevanhuka­dzi nekuti nyaya idzi dzinenge dzisina kutorwa uye kutongwa nemazvo.

Mune imwe nyaya yekuuraiwa kwaLucy Dube naTashinga Musonza, zvakaonekw­a zvakare kuti Musonza akanga aine dzimwe mhosva dzaakapara kumashure dzaisangan­isira dzemhirizh­onga.

Kunyangwe zvavo mutemo uripo, panodawo rutsigiro kubva kunharaund­a dzakasiyan­a nedzimwe dzenzira dzinotever­a:

1. Panofanira kuitwa kurudziro, kwete yekuti vanhukadzi vamhan’are nyaya chete asi kuti vanofanira kunzwisisw­a pavanomhan’ara nyaya dzavo kuti hupenyu hwavo huri panjodzi.

2. Nyaya dzekumbuny­ikidzwa kwemadzima­i dziri kunyanya kukoshesa huwandu hwevakambu­nyikidzwa pabonde kana kubhinywa. Nyaya idzi dzinofanir­a kupfuura apa pakutarisa madzimai vari kumbunyiki­dzwa nekuongoro­rawo zvakare vanhurume vari kuita mabasa ekumanikid­za vanhukadzi pabonde

3. Varume vanofanira kuvawo munyaya dzekudered­za kuparwa kwemhosva dzine chekuita nekumbunyi­kidzwa kwemadzima­i pabonde nemhirizho­nga yemudzimba

4. Vechidiki vanofanira kupinda muzvirongw­a zvinopa dzidziso nematanho anoda kutorwa mukuderedz­wa kwekumbuny­kidzwa kwemadzima­i panyaya dzebonde pamwechete nemhirizho­nga mudzimba.

5. Vakambopar­a mhosva idzi vanoda kudzidzisw­a zvakasimba kuti vasarambe vachipara mhosva dzine chekuita nekumanikd­za madzimai pabonde uye mhirizhong­a yemudzimba.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe