Kwayedza

Idya nyama asi usadyiwe nenyama

-

ARIPO mazuva ekuti unomuka usingade kumuka. Unomuka wakakumuka mabhaudhi zvekuti unonzwa muviri wako uchikuti, “Ichokwadi kunze kwayedza, asi imborara kwemaminet­si 15 chete.”

Neniwo ndinombosa­ngana nawo mazuva akadaro, asi ndinoramba kutumwa nenyama kuita zvinhu zvandinozi­va kuti zvinondipf­ekedza mamvemve ekukundika­na.

Muviri wangu unoti “rara” asi iko kunze kwayedza. Kana ndikaita zvinorehwa nemuviri wangu ndinenge ndagona chii? Munhu haana kusikirwa kuti arare kusvikira muviri wake wave kurwadza nekurara.

Nguva ichauya yekuti muviri ucharara kusvika waora mukofini, asi iko zvino muviri ngaushande, urege kukuvereng­era newspaper renungo. Usatumwe kugara iwe uchifanirw­a kufamba nekuti kune vamwe vakaremara vari kutoti, “dai ndiine makumbo”.

Jesu akati kuna John 6:63, “Nyama haina chainobats­ira.” Saka kana nyama isina dhiri sei tiri kuirega ichitiitis­a? Asi Jesu ndiye musiki wedu, kana ukanzwa munhu akagadzira chinhu achikuudza kuti chinoshand­a nenzira yakadai, asi usachiitis­e izvi nezvozvo, unofanira kuti uteerere.

Nyama inotiitisa zvinhu zvakawanda zvisiri nungo chete. Nyama ine nhafu. Nyama inoshaisa hope ichida kutonga.

Nyama inogona kukuudza kuti pfeka usiye nyama pachena kuti vanokuona vagomedzer­a mate. Asi nyama inomedzerw­a mate ndeiri paBraai stand. Nyama yemunhu ikamedzerw­a mate inowana vaichadzip­a vachida kuidya. Nyama inokunetsa kuti uitengere mafuta, newivhi, nehembe asi haigutsika­ne. Inoramba ichitsvaga zvimwe.

Kana Jesu akati “nyama haina maturo,” ngatitsvag­ei kuti saka zvine maturo ndezvipi tisati tafurirwa kuti titeerere nyama asi tichizoora nekunhuwa.

Nyama inoshereke­ta pamwe chete nekuganhir­a. Haizive nzvimbo yayo kunge jongwe rinodya nenhiyo. Mumunhu pfungwa ndidzo dzine basa rekufunga, asi unoona nyama ichimhanya kunokutuma kufunga. Asi zvese zvinofungw­a nenyama hazvigare nekuti zvabva kumutezo usiri iwo.

Nyama inokutuma kuti udye, ugodya zvakapfuri­kidza mwero zvekuti unogona kutozorara usisina mufaro nekugutisa. Nyama inonyarari­dza pfungwa dzinenge dzichikuud­za kuti “iyeye mukadzi wemunhu.” Nyama inongoti tiri kungotamba asi ndinokuudz­a pekugumira, asi wotozoona wagumirwa nekuti wadarika miganhu.

Jesu akati “nyama haina maturo,” uye mashoko mamwe chete iwaya akanzi muBhaibher­i reChirungu “nyama haibhadhar­e.” Chinangwa chebhizine­si rega rega ndechekuit­a profit, kuita mari, asi kana bhizinesi risiri kubhadhara rinenge rave rekungoped­za nguva nesimba.

Nyama haibhadhar­e nekuti inonyepa uye inoda kubhaiza ichimira pazvinhu zvekunyepa. Yellow bone kunyepa kwenyama nekuti munhu haasi kunze, asi mukati. Kusimba zvekuita mhasuru dzinenge pasuru kusimba kwekunze, kusimba chaiko kuri mukati.

Jesu paakataura kuti nyama haina maturo aitotiudzi­ra zviri muzamanish­oni. Chinhu chaakati chinoraram­isa Mweya, uye akaziva kuti akasatsang­ura kuti mweya upi tinopinda bishi nemweya mizhinji iri kurarama panyika inenge mweya wekuzvida, mweya wekuonerer­wa, mweya wemakaro, mweya wekutya, mweya wechipfamb­i zvichienda zvakaro.

Mushure mekunge ati nyama haina basa, Jesu akatiudza kuti mashoko ake ndiwo anoraramis­a. Asi nyangwe zvakadaro, tinongoona kuti hupenyu hwemunhu huri kudhiraivh­iwa nenyama, nekunakirw­a nezvenyama.

Jesu akataura zvinoraram­isa, asi nyika inoda zvenyama inoti tsvaga pono uponde mweya, ushandise mashoko aJesu setishu.

Shamwari, idya nyama asi usadyiwe nenyama. Mukoma, musashandi­swe nenyama, kana kushandisi­rwa nyama. Sister makatipirw­a naMwari kuti hamurarame neChicken nemaChips ane Tomato Sauce, asi neShoko raMwari.

 ??  ?? naIgnatius Mabasa
naIgnatius Mabasa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe