Kwayedza

Dinga akaparadzi­rwa imba

- Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI wekuChitun­gwiza wekuparadz­a imba yemapurang­a nemidziyo yemukoma wemukomana wake nekuda kweshanje mushure mekunge arambwa akaigocher­a pahutsi zvichiteve­ra kubatwa kwaakaitwa nemhosva nedare reko.

Belinda Denga (24) wepanhamba 2869 Unit C akamiswa mudare reChitungw­iza Magistrate­s’ Courts nemhosva yekuparadz­a midziyo inokosha $2 398 yaBen Dinga (34) wepanhamba 2943 Unit L, kuChitungw­iza kwakare uye hapana chakaburwa.

Mutongi wedare iri, Tendai Mutamba, akapa Denga chirango chekugara mujeri kwemwedzi 12 asi ndokuzomub­visira mwedzi miviri pachirango ichi nechitsidz­o chekuti haafaniri kupara imwe mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati adarika.

Mimwe mwedzi mitatu yakabviswa zvakare nechitsidz­o chekuti anofanira kuripira mumhan’ari $2 398 yake musi wa31 Gumiguru usati wadarika.

Mwedzi minomwe yainge yasara yakazorasw­a yose Denga ndokunzi anofanira kunofondok­a kwemaawa 24 paSeke 13 Primary School.

Muchuchisi Beaular Chikono akaudza dare kuti nomusi wa10 Nyamavhuvh­u gore rino, Denga akaenda kumba yemapurang­a yaDinga ndokuisund­ira pasi pamwe nekurasira kure midziyo yakaita semapamper, mafuta ekuzora nesipo.

Mufakazi panyaya iyi anova murindi, Leonard Mangowe (54), anoti Denga aiva nevamwe vanhu vashanu apo akaparadza midziyo iyi.

“Zvose zvakaitika ndichiona uye akauya achiti anoda kufikisa mumhan’ari sezvo ari mukoma wemukomana wake uye akauya nevamwe vanhu vashanu saka hapana zvandaigon­a kuita nekuti vaindikuri­ra,” anodaro.

Dinga anoti akatozivis­wa nemunin’ina wake kuti imba yake iyo yaiva nemidziyo yake zvakanga zvaparadzw­a naDenga achibva anomhan’ara kumapurisa.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe