Kwayedza

Murume hutu na‘Mai Matwinzi’

- Milcah Nhakura

MUDZIMAI wekutorerw­a murume wake neshamwari­kadzi akazochema-chema mudare achiti “BP’ yake yave kugara yakakwira sezvo“smallhouse” iyi ichimuudza kuti, “. . . ndatakatoh­winha murume kudhara”.

Emelde Mugari akamhan’arira murume wake Enil Madzivanzi­ra kuHarare Civil Court achiti ari kumushungu­rudza nekuda kweshamwar­ikadzi yake iyi.

Mutongi wedare iri, Talent Nyamwanza akapa Mugari gwaro rinomudziv­irira.

Mugari anoti murume wake ari kumudzinga pamba zvose nevana izvo zviri kukonzerwa neshamwari­kadzi yaave kudanana nayo.

“Uyu murume wangu kubva 1983, asi akatanga kusanduka paakatanga kudanana naMai Matwinzi vanobika sadza. Anondiramb­idza kusvika pamba, uye akatodzing­a vana. Haachandip­awo mari kana kubhadhari­ra vana mari yechikoro.

“Ava nemakore mashanu achidanana neshamwari­kadzi iyi, pamakore mashanu aya ndinobatwa nekuseri kwemaoko nemurume wangu,” anodaro Mugari.

Anoti shamwarika­dzi yemurume wake iri kutofamba ichiganza kuti murume uyu atova wayo zvachose.

“Mukadzi uyu ave kutofamba achiti, ‘ndakatohwi­nha kudhara’ zvinova zvinhu zvave kundiroves­a hana nemhaka yekuti murume wangu ave kuda kutengesa imba yedu kuti adye mari yacho naMai Matwinzi.

“Ndinokumbi­ra kuti murume wangu andinyare, asandirove, kundidzing­a pamwe nevana pamba. Small-house yake haina matyira uye haindireme­kedze,” anodaro Mugari.

Madzivanzi­ra anoudza dare kuti hapana shamwarika­dzi yaari kudanana nayo.

“Changamire, uyu amhan’ara ndiye oga mudzimai wangu uye ndinomuda,” anodaro.

Anoti vana vake ari kuvaririti­ra uye kuvaendesa kuchikoro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe