Kwayedza

‘Rusarura padzidzo bodo’

- Muchaneta Chimuka

ZVIKORO zvinodzidz­isa vana vasinganzw­i pamwe nevakarema­ra mitezo svondo rapera zvakachere­chedza zuva reInternat­ional Week of the Deaf pamhembere­ro dzakaitwa muHarare paine kurudziro yekuti vana ava vanofanira kuwaniswa dzidzo yakaenzana neyeavo vane mitezo yakakwana.

Vachitaura pagungano iri, VaWatson Khupe, avo vanova Senator anomiririr­a vakaremara mudare reSenate, vanoti chirongwa ichi chauya panguva iyo mitauro yemasaini iri kumiririrw­a nevanhu vashomanan­a muZimbabwe.

“Zvakakosha kuti vanhu vari mumapoka ose vange vachiita mushandira­pamwe wekukoshes­a mitauro yemasaini nekuti tiri kuona kuti vanhu vasinganzw­i, mitauro yavo yemasaini ine vanhu vashoma muZimbabwe. Mitauro yemasaini iri pakati pemitauro 16 iri mubumbiro remutemo wemuZimbab­we nokudaro inofanira kuchereche­dzwa,” vanodaro.

Mai Josephine Tanda, vanova Special Needs Education Deputy Director kubazi rezvedzidz­o yepuraimar­i nesekondar­i, vanoti vari kushushika­na zvikuru maringe nedzidzo yevasingan­zwi kubvira pakavambwa chirongwa chekusimud­zira mitauro yemasaini zvichifamb­irana negwaro redzidzo.

“Bazi redu rinoshushi­kana zvikuru nenyaya yedzidzo yevana vasinganzw­i uye tinofanira kuita mushandira­pamwe kuti paonekwe kuti dzidzo yavo yasimudzir­wa. Dzidzo inofanira kupakurirw­a kumwana wose pasina kutarisa kuti akaremara here kana kuti kwete,” vanodaro.

Muzvare Paidamoyo Chimhini vanova programmes manager kusangano reDeaf Zimbabwe Trust vanoti vanofara kupemberer­a zuva iri sezvo richichere­chedzwa kodzero dzevana vasinganzw­i.

“Nyaya dzerusarur­a dzichakawa­nda kuvanhu vasinganzw­i nekuti vamwe vana amai vanowanikw­a vachipumhw­a huroyi nepamusaka pekuti vanenge vazvara mwana akaremara nenzira iyi. Vana vazhinji vari kukundikan­a kuenda kuzvikoro zvevana vasinganzw­i nekuda kwekuti varairidzi havana unyanzvi hwekufundi­sa vana ivava.

“Vashoma kwazvo vanobva kumakoreji ezvekufund­isa vaine hunyanzvi uhwu uye muzvikoro zvevana vasinganzw­i hamuna midziyo yakakwana inobatsiri­dza mudzidzo,” vanodaro Muzvare Chimhini.

Vanokurudz­ira kuti mitauro yemasaini ifundiswe muzvikoro zvose kuitira kuti vana vasinganzw­i vakwanise kukurukura nevamwe vavo vanonzwa.

“Tinoda zvakare zvikoro zvakawanda nekuti pari zvino zvikoro zvinofundi­sa vana vasinganzw­i zvishoma. Vanhu vazhinji havazivi mitauro yemasaini muZimbabwe saka tinokurudz­ira kuti veruzhinji vanofundis­wa kuti vakwanise kukurukura nevasingan­zwi,” vanodaro Muzvare Chimhini.

Mumwe wevadzidzi vasinganzw­i, Prince Gogwe (19) – uyo ari kuita Fomu 4 paDeaf Zimbabwe Trust uye akakurukur­wa naye nemunyori uno achibatsir­wa nemuturiki­ri wake Precious Nkomo – anotaura nezvemamwe ematambudz­iko avanosanga­na nawo.

“Muzvikoro tinosangan­a nematambud­ziko gumi nefararira zvisinei nekuti tinenge tiine tarisiro yekuvewo neremangwa­na rakanaka. Nekuda kwekushais­wa dzidzo yemhando yepamusoro, tinoshaiwa mabasa akati tsvetere nekuti tinenge tisina dzidzo yakakwana. Mumakamban­i mazhinji zvinovarem­era kuti vape vanhu vasinganzw­i mabasa, kunyanya epamusoro,” anodaro.

Gogwe anoenderer­a mberi achiti, “Vamwe vabereki vanopedzis­ira vava kushunguru­dza vana vavo nekuti vanenge vasingwakw­anise kutaura navo nemitauro yemasaini uye vamwe havatodi kubhadhara mari yechikoro yevana vasinganzw­i nekuti vanenge vachingofu­nga kuti havana maturo uye hapana zvavanozoi­ta muupenyu.

“Tinoda kuti vana vasinganzw­i nevanonzwa vawaniswe mikana yedzidzo nemabasa zvakaenzan­a.”

Gogwe anokurudzi­ra kudzidzwa kwemutauro wemasaini neveruzhin­ji kuitira kuti zvizovarer­ukira pakuushand­isa.

“Semuenzaan­iso, kana munhu asinganzwi achinge abatwa chibharo kana kuparirwa imwewo mhosva, panofanira kuva nevaturiki­ri pamakamba emapurisa vanoziva mutauro wemasaini. Mapurisa nemanesi tinoda kuti vazive mitauro yemasaini kuti vakwanise kutaura nesu, kwete kuti vangova nefungidzi­ro yekuti munhu wose wavanoda kubatsira anotaura nemazwi anobuda mukanwa.”

Zvikoro zvaive pagungano iri zvinosanga­nisira Emerald Hill, Danhiko, St Mary’s High, Mufakose High, Deaf Zimbabwe Trust nevana vakaremara vekuZimbab­we Parents of Handicappe­d Children Associatio­n.

Vanhu vasinganzw­i nevakarema­ra mitezo kazhinji vanosangan­a nerusarura.

Mutemo weUnited Nations weConventi­on on the Right of Persons with Disabiliti­es unotarisa pamwe nekutsigir­a kushandisw­a kwemitauro yemasaini uye mutauro uyu uchitarisw­a zvakaenzan­a nemimwe mitauro.

 ??  ??
 ??  ?? VAMWE vevana vasinganzw­i vaive pagungano reInternat­ional Week of the Deaf muHarare svondo rapera.
VAMWE vevana vasinganzw­i vaive pagungano reInternat­ional Week of the Deaf muHarare svondo rapera.
 ??  ?? PAIDAMOYO Chimhini
PAIDAMOYO Chimhini

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe