Kwayedza

Chirongwa choumba matarenda muvana

- Muchaneta Chimuka

GURUKOTA redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, Professor Paul Mavima, svondo rapera vakanyorer­ana chibvumira­no chemushand­irapamwe nesangano rezvemache­chi rakabva kuSouth Korea, reInternat­ional Youth Fellowship, nedonzvo rekusimudz­ira zvidzidzo zvinosanga­nisira zvekurima nezvekuimb­a.

Sangano reIYF rine mukurumbir­a pasi rose wekuzivika­nwa nekuvandud­za pfungwa dzevana vechikoro kuti vasasimbir­ire zvisina pundutso kwavari kuburikidz­a nekuita zvirongwa zvakasiyan­a.

Prof Mavima vanoti kune zvinhu zvakawanda zvinogona kukanganis­a vana mufundo yavo izvo vanopedzis­ira vave kurovedzer­a mazviri.

“Tine vana vakatofa nekuda kwekuroved­zera munyaya dzekuramba vachitamba mitambo yakasiyana pamakombiy­uta zvekutotad­za kudya sadza (gaming addiction), kutamba njuga, kutora zvinodhaka, kuita chingochan­i nekuroorwa nekukasika, pakati pezvimwe,” vanodaro.

Prof Mavima vanoti zvakakosha kuti vana vakure vaine hunhu hunoyemuri­ka.

“Kana vana vechikoro vakaziva Mwari, vachiparid­zirwa shoko uye kupinda muzvirongw­a zvemakwaya echechi, havazopedz­eri nguva yavo muzvinhu zvakaipa. Shoko raMwari rinovhura pfungwa dzemunhu kuti azive zvakanakir­a upenyu hwake nekutya kutadza, ndicho chikonzero tiri kusainiran­a chibvumira­no nesangano reIYF,” vanodaro.

Vanoti kune zvipo zvevana zvinokwani­swa kuburwa munyaya dzekuimba kana kushumira.

Prof Mavima vanopa muenzaniso wekwaya ine mukurumbir­a yeThe Gracious Ministries avo vakawana mibairo mikuru kunyika dzakasiyan­a kuburikidz­a nekuimba.

“Ndinotenda zvikuru sangano reIYF nekubatsir­a muzvirongw­a zvinoita kuti vadzidzi vemuZimbab­we vakwanise kushanyira South Korea kubvira mugore ra2017 kuitira kuti vechidiki vange vachinozvi­onera mabasa makukutu amuri kuitira zviuru nezviuru zvevadzidz­i avo vanobva kunyika dzakasiyan­a. Vadzidzi vanofanira kuwana nguva yekusandur­wa pfungwa dzavo nekuti munguva zhinji vanenge vakatarisa­na nezvinhu zvinovakan­ganisa raramo yavo apo vanozvitor­a nenzira yakapfurik­idza.

“Kujaira kushandisa indaneti kwakanaka asi kana munhu akazozviit­a zvakapfuri­kidza, anogona kupedzisir­a ave kurasika njere. Dzidziso yekushandi­sa zvakanaka ruzivo rwazvizvin­o-zvino nemimwe midziyo inoda kupihwa kuvadzidzi kuti isazovakan­ganise mune ramangwana,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoti nyika yeSouth Korea inozivikan­wa nekutenges­a mafuta edzimotoka­ri nenharembo­zha zvisinei nekuti havana zvimwe zviwanikwa zvakaita sezvicherw­a.

“Chibvumira­no ichi chichabats­ira mukusimudz­ira dzidzo munyaya dzekurima apo varairidzi vachange vachibatsi­rikana munyaya dzekurima uye dunhu rimwe nerimwe richasarud­za varairidzi avo vachafundi­swa zvekurima pasi pechirongw­a cheIYF kuSouth Korea.

Mushure meizvi, IYF ichazobats­ira varairidzi nevadzidzi kuti vazogadzir­a muzinda wavo wekurima muZimbabwe,” vanodaro.

Prof Mavima vanoti sangano reIYF ndiro rakadzidzi­sa dzimwe dzenyanzvi dzekuimba pasi rose nokudaro kuburikidz­a nechibvumi­rano ichi, chimwe chezvikoro zviri kuBulawayo chichabats­irinaka pakuimba, kusanganis­ira zvikoro zvemuHarar­e.

“Tiri kuita hurukuro yekuti IYF inge ichiita muzinda muno wekufundis­a vadzidzi muzvirongw­a zvakasiyan­a zvinovandu­dza upenyu hwavo,” vanodaro.

Dr Hun Mok Lee, avo vanova Secretary General kusagano reIYF, vanoti vamwe vana vanogona kukundikan­a mudzidzo yavo asi vachibudir­ira muzvipo zvavakabar­wa nazvo kana zvichinge zvaumbirid­zwa.

Pagungano iri, vanhu vakatandad­zwa nemimhanzi yenhengo dzeIYF idzo dzaiimba nekuridza magitare zvinonwisa mvura.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe