Kwayedza

Vatambi vemungano

- Munyaradzi Gunduza

MHUKA nevanhu ndizvo zvinonyany­a kushandisw­a navanasaru­ngano sevatambi vemungano. Mhuka dzinoshand­iswawo dzakamirir­a zvinhu zvinoitwa nevanhu muupenyu. Dzimwe dzemhuka dzinowanzo­wanikwa mungano dzinosanga­nisira gudo, shumba, tsuro, bere, kamba, nzou, nedzimwewo.

Gudo/Dede/Bveni/Mutiro – iyi imhuka inowanikwa mungano zhinji kwazvo semungano; Gudo naTsuro p.30. Mungano zhinji Gudo rinoburits­wa riri sekuru kuna Tsuro, uye richimirir­ira vanhu vakapusa (vasina njere), vasingafun­gi nevaye vanonyenge­dzwa nezvinhu zviri pachena. Gudo rinomiriri­ra vanhu vane chimiro chakaipa sezvo richizivik­anwa namahobi. Gudo rinomiriri­razve vanhu vanoba, asi vasina njere zvinozoita kuti vapinde mumatambud­ziko.

Tsuro – aka kapuka kadiki, asi kaine ungwaru, undyire uye unyengedzi. Mungano zhinji mhuka hombe dzinonyeng­edzwa naTsuro achishandi­sa njere dzake dzakapinza. Muupenyu Tsuro inomiririr­a vanhu vane mhumhu mudiki, asi vachigona kushandisa njere kuti vawane zvinhu zvinenge zvichishai­kwa nevanhu vane mhumhu mukuru. Tsuro inoburitsw­awo ichimiriri­ra vanhu vane utsinye muupenyu semungano; Tsuro naBveni p.66. Mungano iyi, Tsuro anonyenged­za Bveni kusvikira razouraiwa navanhu. Izvi zvinobva zvabudisa utsinye hwaTsuro.

Shumba – mungano zhinji, Shumba ndiye aiva mambo wesango achitonga dzimwe mhuka dzose. Aikwanisa kuunganidz­a mhuka dzose dzesango kana pachinge paita dambudziko rakaita senzara achiona kuti vangakunda sei matambudzi­ko aya. Muupenyu, Shumba anomirira umambo, uye chisimba chisina njere ndokusaka dzimwe nguva achinyenge­dzwa naTsuro kana kupinzwa mumatambud­ziko nekuda kwekusafun­ga kunomutuma kushandisa chisimba. Pasichigar­e, madzishe aitonga akafuga dehwe reshumba zvinotsigi­ra pfungwa yokuti shumba inomirira utongi mungano. Shumba inomirira vanhu vane unyanzvi hwekuvhima, vanotyisa, uye vane mhumhu mukuru semungano inonzi Vasikana nevakomana shumba, p.12.

Gava – iyi imhuka inobudiswa mungano iine uchenjeri zvikuru. Gava rinobudisw­a riine uchenjeri sezvo richikwani­sa kupfimba musikana richidiwa pasina nguva yakareba. Uchenjeri hwegava hunobudisw­a nekugona kunyengedz­a musikana kunyange zvake achizokwan­isa kuona kuti mukomana wake wainge asiri munhu chaiye.

Ngwena/Garwe – iyi imhuka inogara mumvura, asi ichida nyama zvikuru. Imhuka ine simba, uye inogona kubata hove. Inowanzody­a icho chinenge chapinda mumvura ndokusaka kune tsumo yokuti, “Garwe haridyi chebamba charo chinoza neronga.” Muupenyu garwe rinomirira vanhu vanokara, vane simba rakanyanya, uye vanongoda kudya zvinenge zvauya zvoga.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe