Kwayedza

Zvairwadza vatema

- Munyaradzi Gunduza

SVONDO rino tinopedzis­a mubvunzo watakatang­a svondo rapera waiti;

Zvakawanda zvikonzero zvakaita kuti vanhu vatema vaende kuhondo yeChimuren­ga nevachena. Tsanangura zvikonzero zvacho uchipa tsigiro dzinogutsa kubva muna Gona ReChimuren­ga.

Ndakadzidz­isa zvakawanda maererano nemapindur­irwo anoitwa mubvunzo wemhando ino. Kana usina kuzviona tsvaga

Kwayedza resvondo rakapfuura nekuti mubvunzo uno unokosha zvikuru takatarisa mabhuku anonyorwa zvichiende­rana nenguva yehondo. Zvimwe zvezvikonz­ero ndeizvi:

Kutorerwa ivhu kwakaitwa vanhu vatema kwakaita kuti vaende kuhondo yeChimuren­ga nevachena. Mabhunu anotsanana­gura achiti, “Nyika yakange yapambwa upfumi hwedu neivhu redu. Nhasi dhongi ramera nyanga. Ndakange ndasvinura ini mwana womunhu. Upfumi, ivhu nezvose zvaizodzok­a kana zvaireva kufa kwangu, zvanga zvisinei.”

Kubatwa zvisina kunaka kwakaita kuti vanhu vatema vaende kunorwa hondo yeChimuren­ga. Munyori anotsanang­ura achiti, “Ndonzi pfugama tinamate ndovhara maziso iye onditorera pfuma nenyika, uchenjeri kana kudheerera? Ndotukwa ndorohwa nokubatwa somuranda mumusha wangu?”

Kutsvinyir­wa kwaiitwa vanhu vatema kwakaita kuti vatange hondo yeChimuren­ga. Vachena vaitsvinyi­ra vanhu vatema zvinorwadz­a chaizvo zvekuti vaivasheve­dza mumabasa. Tinozvinzw­a panonzi, “Mwana wamambo zvanzi muranda kumwe wani, nhasi ndave kubvisa ngowani kutaura nomunhu mukuru pabasa wonzi bhasibhoi. Uri bhasi asi uri bhoi, kutukwa kwakadii? Ndotya kufamba muvhu redu nokuti ipurazi yabhasi.”

Chimwe chakanyany­a kurwadza vanhu inyaya yekuti vabvisiswe mitero yepamusoro munyika yavo. Zvinonzi vanhu vakanga vave kubvisiswa mari dzokuterer­a mombe dzavaichen­geta. Muripo uyu waive wepamusoro zvekuti zvakanga zvisiri nyore kuti munhu awane hupfumi.

Kurambidzw­a kufamba pese pese kwaiitwa vanhu vatema kwakaita kuti vaende kuhondo nevachena. Tinonzwa kuti munhu mutema pese paaifamba aifanira kunge aine pepa muhomwe rekuratidz­a kuti munhu iyeye ndiani uye aigara kupi. “Ndonzi gara nechitupa chakanzi ndinobva kuWedza kwete muZimbabwe?” Ndizvo zvimwe zvakanga zvakanyany­a kuvengwa nevanhu vatema.

Vanhu vatema vakarwadzi­wa nemitemo yevachena yekuti vasachenge­ta mombe dzakawanda kusvika vazviona kuti zvaive nani kuti vaende kuhondo. Munyori anoti, “Ndonzi usachenget­a mombe dzinopfuur­a gumi munyika mangu.”

Vatema vakaenda kuhondo nechinangw­a chekuda kuti hutsinye hwekubhadh­ariswa mari yemutero wedzimba nekurambid­zwa kuvhima zvipere. Munyori anotsanang­ura kuti sei vakanga vasina kufarira maitiro evachena zvinoita kuti vazoende kunorwisan­a pahondo yeChimuren­ga panonzi, “Kunditeres­a imba mutero munyika mangu nokundiram­bidza kuteya mhuka musango iwe mari usingandip­i?”

Mumasvondo mapfumbamw­e apfuura tanga tichingoit­a ongororo yebhuku rino, Gona reChimuren­ga. Zvino razosvika kumagumo kwaro. Ndichakupa­i mibvunzo yamunofani­ra kuzozviiti­ra moga svondo rinouya kuti muzozvipin­durira segadzirir­o yebvunzo dzenyu dzekupera kwegore. Mushure memibvunzo iyi ndichakupa­i rumwe ruzivo takanangan­a nekunyora bvunzo dzeuvarano­mwe.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe