Kwayedza

Mazita uye nezvaanore­va

- Ticha Danga

BVUNZO zvarakadai kunyorwa, hazvirevi kuti kudzidza kwapera. Tinotofani­rwa kuramba tichiveren­ga kuti tiwedzere ruzivo.

Kune zvakawanda zvatinofan­irwa kudzidza kubva mukurarama kwaiita vakuru vedu makarekare. Matunhu aiva namatonger­wo awo zvokuti madzishe kana madzimambo vaive nenzira dzavo dzekuti vape mitongo kana vanhu vachinge vatadziran­a.

Mumaruwa maisagarwa muchechete­re nguva dzose. Zvakawanda zvaigona kuti vanhu vatadze kuwirirana, vamwe vaigona kutosvoran­a nenyaya dzemiganhu yeminda, vamwe vaipumhana huroyi kuchitiwo vamwe vaizvondan­a nekuda kwekusiyan­a kweupfumi.

Zvino zvaiti kana zvadai, hapachina kuwirirana asi kuti vanhu vaigara vakafutira­na vachikurun­gwa mumwoyo neshungu. Shungu idzi vaidziburi­tsa kana pazvarwa mwana kana imbwa apo vaizotumid­za mazita akanangana nedaka rinenge riripo.

Kana vanhu vakanetsan­a nenyaya yehuroyi, ndipo paunonzwa mwana achitumidz­wa kuti Matipedza, Matinyanya kana kuti Pedzai. Vanhu vanenge vachiedza kuti bundu riri mumwoyo rinyevenuk­e nekuti pese pachadanwa zita iroro, vanenge vachituka vaya vavakanets­ana navo.

Hazvigumir­i ipapo nekuti vaya vanobva vaziva kuti vanyombwa kubudikidz­a nezita riri kudaidzwa nekudaro vakaitawo wavo mwana vanobva vadzorera chitsveru nekutumidz­awo zita rinotuka zvakare. Vanobva vadzoreraw­o vachiti mwana wavo Mugondidin­i, Munondin’yei kana kuti Matimadii.

Kana iri imbwa inobva yanzi Muroyindis­he kana kuti Tozvarirem­i. Dzimwewo dzinongonz­i vana Zvakwidza kana kuti Zvamuriimi. Ipapo shungu dzemunhu dzinobva dzatunhidz­wa.

Ukanzwa paya panodanwa mazita akaita sana Sasanai kana kuti Tozivepi wobva watoziva kuti hapana chakanaka. Dzimwe nyaya dzinonetsa zvekusvika nekumombe chaidzo nekuti paya panotumidz­wa mombe kuti Manzuma kana kuti Charuveki panenge pakanaka. Unogona kunzwa mombe ichinzi Wegejo kana kuti Abhigero kuri kutsvaga kutokonya mai vavakavaki­dzana navo vanonziwo Abigail.

Nhaurwa yemazita haingoshan­da pakutukana kana kutsiurana chete, asi kuti inogona zvakare kubatsira pakutunhid­za nekurumbid­za mabasa akanaka anenge aitika. Zvakafanan­a nekuti kana pakazvarwa mwana kunyanya mazuva ano vanhu vanoda kurumbidza netumidza zita rinotunhid­za samatenga sokuti Ruvarashe, Mukudzeish­e, Anotidaish­e kana Makatendek­a.

Vamwewo ndivo vanotumidz­a nekuti zvido zvavo zvazadzisw­a nokudaro panobuda mazita akaita sana Tanatswa, Rutendo, Takomborer­wa kana Tafadzwa. Mamwewo mazita anobuda nekuti kwaitika chinhu chakaoma chinobata upenyu hwavanhu sekufirwa. Pakazvarwa mwana mushure mekunge vabereki vashaya anonzi Masiiwa kana kuti Munzvengwa.

Dzimwe dzimba dzinogara dzichifarw­a nguva dzose zvokuti ndimo munobuda mazita ekuti Rufaro kana Farai.

Mazuva ano mazita avakubva muchiitiko chinenge chaita mukurumbir­a senhabvu kana tsiva.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe