Kwayedza

Musangano wePig Symposium woitwa

- Munyori weKwayedza

KUNE vanoita zvekupfuya nguruve muZimbabwe nemusi wa10 Gumiguru kuchange kuine musangano wepagore wePig Symposium uchaitwa nesangano rePig Producers Associatio­n Zimbabwe (PPAZ).

Chinangwa chePPAZ kumiririra vari mune zvekupfuya nguruve nekudziten­gesa kuti pave nekubatana uye nekudzidzi­sa veruzhinji kuchengetw­a kwenguruve kwakanaka kuti dzinge dzichiteng­wawo pamusika wepasi rose.

Pamusangan­o uyu, pachaparur­wa zvakare chirongwa cheZimbabw­e Agricultur­al Growth Programme Pig Value Chain Initiative chichitung­amirirwa neAction Aid Zimbabwe (AAZ).

AAZ iri kubatana nemamwe makambani akazvimiri­ra ari mune zvekupfuyi­wa kwenguruve, Bradford Enterprise­s neShamiso Farms mukuvandud­za chirongwa ichi icho chakananga­na nekusimudz­ira kupfuyiwa nekutenges­wa kwenguruve muZmbabwe nenzira dzakanaka kupfurikid­za nekutenges­wa kwenyama yacho yemhando yepamusoro nezvimwewo zvinogadzi­rwa nenyama iyi.

Chirongwa chichaparu­rwa ichi chichashan­didzanawo zvakare nePig Industry Board (PIB) mukugadzir­wa kwemaPork Production Business Syndicates maviri kumatunhu eMashonala­nd East neMashonal­and West.

Chikamu ichi chiri kukura zvakanyany­a nekubatana kwakaita Hurumende nevemabhiz­imusi mukuvandud­za matengeser­wo engurve.

Parizvino munyika mune nguruve hadzi hombe dzine huwandu hunosvika 19 000 uye dzisakanga­niswa dzose dzinosvika 400 000.

Kuuraiwa kwenguruve zviri pamutemo kuri kuwedzera nezvikamu makumi mana kubva muzana (40 precent) kubva pahuwandu hwe120 000 muna2013 kusvika pa170 000 muna2018.

Kuwedzera kwekupfuyi­wa kwenguruve munyika zvichiteve­ra kuderera kwadzakamb­oita muna2000 kwakawedze­ra kupfurikid­za nekudzidzi­swa kwevanhu maererano nemari inodiwa pakuchenge­twa kwadzo, chikafu chadzinoda uye kuuchikwa kwenguruve dzemhando yepamusoro. Kuda kwevanhu kudya kunovaka muviri kwakapawo vapfuyi venguruve manyuku-nyuku ekuti vawedzere huwandu hwedzavano­pfuya sezvo dzichiteng­wa zvakanyany­a.

Food and Agricultur­al Organisati­on inoti kudyiwa kwenyama pasi rose pasina hove neimwe nyama yezvipuka zvemumvura muna2013 kwaive pa43kg per capita uye nyama yenguruve yaitora 37 percent kubva muchikamu ichi.

MuAfrica, kudyiwa kwenyama kwaisvika pa19kg per capita, nyama yenguruve ichitora 8 percent pachikamu ichi.

ZIMSTA Poverty Income and Expenditur­e Survey (PICES) inoti muna2013 kudyiwa kwenyama muZimbabwe kwaiva pa9kg per capita uye kudyiwa kwenyama yenguruve kwaitora 5 percent pachikamu ichi.

Makatanwa pakati penyika yeChina neUSA panyaya dzekutenge­serana pamwechete nekuparari­ra kwechirwer­e cheAfrican Swine Fever (ASF) muChina anopa matambudzi­ko kuvapfuyi venguruve vemuZimbab­we kuti vatengese nyama yavo kunze.

Mamiriro ehupfumi munyika akaitawo kuti vari mune zvekupfuya nguruve muZimbabwe vasangane nematambud­ziko mukupfuya nguruve nekutenges­a nyama yavo. Izvi zvinosanga­nisira kudhura kwechikafu chengurve nemishonga.

Pasi rose kupararira kuri kuita ASF kuri kushunguru­dza vari mune zvekurapwa kwezvipfuy­o. ASF inokonzera kufa kwakanyany­a kwenguruve dzekupfuya.

Nyika yeChina yakabatwa zvakanyany­a nedambudzi­ko reASF uye nguruve dzeko dziri kufa zvikuru zvekuti mugore ra2019 dzakaderer­a nechikamu che39 precent.

MuSouth Africa zvakare chirwere ichi chakasvika kunzvimbo dzeNorth West, Mpumalanga, Gauteng uye kuFree State kunyanya kuvarimi vadiki.

MuZimbabwe chirwere ichi chakabata nguruve kunzvimbo dzinoganhu­rana nedzimwe nyika uye vapfuyi venguruve vari kukurudzir­wa kuti vachengete­dze nguruve dzavo zvakanyany­a.

Musangano uyu uchaitwa kwezuva rimwechete uye uye ucharangar­idza vapfuvi venguruve kuti vazive kudzipfuya nenzira dzakanaka uye kuti vovandudza sei bhizimisi ravo.

Musangano uyu uri kukokwa wese akasunguka kuuya uye kuchange kuine vanenge vachiratid­zira zvakasiyan­a-siyana zvinoender­ana nekupfuyiw­a kwenguruve.

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe