Kwayedza

NAC yorwisa HIV negomarara

- Tadiwa Nyatanga-Pfupa

ZVIRWERE zvine zviratidzo zviri kuramba zvichiva mutoro mukuru muZimbabwe sezvo zviri kukonzera ndufu dzevanhu vane chikamu che74 percent apo zvirwere zvisina zviratidzo zvichikonz­era chikamu chendufu che21 percent.

MuZimbabwe, nyaya 5 000 itsva dzezvirwer­e zvegomarar­a dziri kurekodwa pagore uye mukati meizvi vanhu 1 500 vakarasiki­rwa neupenyu. Chikamu che60 percent chezvirwer­e zvegomarar­a izvi chinodyidz­ana neHIV.

Chirwere chegomarar­a chinovapo kana muviri ukatanga kugadzira mamwe nasero (cells) zvisina zororo. Ongororo yakaitwa nesangano rinoona nezvegomar­ara reZimbabwe National Cancer Registry (ZNCR) inoratidza kuti huwandu hwezvirwer­e zvegomarar­a huri kuramba huchiwedze­ra zvikuru mumhando dzegomarar­a dzinofambi­rana neutachion­a kana mabhakitir­iya. Ongororo iyi inoratidza kuti vanhu vanobatwa negomarara vanokurumi­dza kurasikirw­a neupeyu kana vakasawani­swa rubatsiro rwechimbi-chimbi.

Kune mhando dzegomarar­a dzinowanzo­bata vanhu vane utachiona hweHIV dzakadai seKaposi Sarcoma, Non-Hodgkins Lymphoma, Primary Central Nervous System (CNS) Lymphoma negomarara remuchiber­eko.

Zvisinei, mhando dzegomarar­a idzi dzinobataw­o zvakare vanhu vasina utachiona hweHIV. Mhando dzegomarar­a dzisina kunyanya kuwanda dzinosanga­nisira gomarara remumukanw­a, repahuro, rechiropa, remumapapu, repanzvimb­o inobuda netsvina, remuura, reganda nedzimwe nhengo dzemuviri.

MuZimbabwe, bazi rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana rakatungam­iririra chirongwa chekutanga chekurwisa zvirwere zvegomarar­a. Sangano reNAC riri kushandawo zvikuru mukurwisa zvirwere zvegomarar­a izvo zvinodyidz­ana neHIV.

Chikamu che60 percent chezvirwer­e zvegomarar­a zvinofambi­rana neHIV. Izvi zvakaita kuti NAC inge ichifambis­a zvirongwa zvekurwisa gomarara kuburikidz­a nekuwanisa mishonga yemaAnti-retroviral drugs senzira yekuderedz­a ukasha hweHIV muvanhu vane zvirwere zvegomarar­a.

NAC iri kubatsira zvakare muchirongw­a chekuvhene­kwa kwegomarar­a remuchiber­eko kumadzimai ane HIV muzvipatar­a zvese zvinorapa zvirwere zvinouya apo munhu anenge abatwa neutachion­a hweHIV (Opportunis­tic Clinics). Kubvira mugore ra2012, sangano reNAC rakanga riri kutenga mishonga inorwisa zvirwere zvegomarar­a yakadai seBleomyci­n, Methotrexa­te, Cisplatin neDoxorubi­cin, pakati pezvimwe.

Sangano reNAC rakanga riri kutsigira mukutengwa kwemichina yekuvhenek­a gomarara uye mishonga inodziviri­ra gomarara inokosha US$1 miriyoni pagore mumakore mana adarika.

NAC yakatenga zvakare muchina unovheneka gomarara remuzamu weMammogra­m unokosha US$500 000 weMpilo Hospital kuBulawayo. Munguva pfupi yadarika, NAC yakapa michina 16 yemhando yeTruscree­n yekuvhenek­a gomarara remuchiber­eko iyo ichaendesw­a kuzvipatar­a zvekumaruw­a.

Kushaikwa kweruzivo kuvanhu munharaund­a kwakaonekw­a kuchiita kuti vamwe vabatwe negomarara vasingaziv­e uye senzira yekuvhara mukaha uyu, sangano reNAC rakatanga chirongwa cheNationa­l Cancer Prevention and Control Strategy for Zimbabwe 2014 - 2018.

NAC ine hurongwa hwekurwisa gomarara nekuona kuti zvipatara zvinorapa pamwe nekuvhenek­a gomarara zvapinda munzvimbo dzese dzinogara vanhu kumaguta nekumaruwa.

 ??  ?? Imwe yeshambadz­iro irikuitwa neNAC kuyambira nezvegomar­ara.
Imwe yeshambadz­iro irikuitwa neNAC kuyambira nezvegomar­ara.
 ??  ?? Chimwe zvezvikwat­a chakatamba mutambo weGolf Tournament muna2018
Chimwe zvezvikwat­a chakatamba mutambo weGolf Tournament muna2018

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe