Kwayedza

‘Koshesai kodzero dzevanhuka­dzi’

- Muchaneta Chimuka Mufananidz­o

SANGANO reWomen’s Coalition of Zimbabwe (WCoz) nemusi weChipiri rakaita musangano muguta reHarare wekurwira kodzero dzemadzima­i paine kurudziro yekuti vanhukadzi vanofanirw­a kuwaniswa mikana yakaenzana nevanhurum­e, mungave mumabasa nekumwe.

Madzimai akapinda muchirongw­a ichi akabva kumatunhu gumi enyika uye akawaniswa mikana yekukuruku­ra maringe nemabhinda­uko avari kuita senzira yekuti vasimukire muraramo yavo.

Chirongwa ichi chakaitwa pasi pedingindi­ra rinoti, “Kuenzanisw­a kwemikana pakati pemadzimai nevarume kunosimudz­ira upfumi hweZimbabw­e.”

Mai Ronika Mumbire vanova sachigaro webhodhi reWCoz vanoti dingindira iri rakasarudz­wa zvichifamb­irana nemamiriro akaita upfumi hwenyika.

“Zviri pachena kuti upfumi hwenyika huri kuramba huchiderer­a zvinova zvinoita kuti madzimai mazhinji aomerwe sezvo vari ivo vanotarisa­na nematambud­ziko emhuri. Tinofara nematamho ari kutorwa neHurumend­e ekuona kuti upfumi hwenyika hwadzorere­dzeka seapo pakaunzwa mari yemuno pachirambi­dzwa kushandisw­a kwemari yekunze zvisinei nekuti zvinhu zvinodiwa mukurarama zviri kuramba zvichikwir­a mitengo,” vanodaro.

Mai Mumbire vanokurudz­ira madzimai kuti aite mabhindauk­o anovararam­isa.

“Tinofara kuti tine madzimai ane chitsama ari kuratidza kugona kuita mabasa anowanza kutorwa seevarume bedzi vachizivaw­o kodzero dzavo sevashandi. Tiri kushanda nemadzimai echidiki, vakaremara nevari mune zvematonge­rwo enyika tichivatsi­gira mumabasa avo, vanoita mabasa ezvicherwa, kuvaka, kuveza kana mamwe ari pasi-pasi,” vanodaro.

Vachitaura pagungano rimwe chete iri, Mai Devine Ndhlukula, avo vanova chanangwiz­a wekambani yeSECURICO vanoti madzimai ane zvigaro zvepamusor­o anofanira kutsigiraw­o vamwe vanhukadzi kuti nyika ibudirire.

“Ini ndine kambani ine vashandi vanodarika 4 000 asi zvakabva mukuterera mazano evamwe nekuzoshan­dawo nesimba. Kunze kwekambani yangu inova iri kundiitisa zviuru nezviuru zvemadhora, ndakafunda zvakare nezvebhizi­musi rekuchenge­ta mbudzi rinova riri kundifambi­ra zvikuru. Saka ngatireged­zei kutora mazano atinopihwa nevatsigir­i vedu sedambe nekuti anotiraram­isa,” vanodaro.

Kambani yeSECURICO yakahwinha mibairo yakawanda yekugona basa uye munguva yadarika yakahwapur­a weLegatum Africa Awards for Entreprene­urship.

Mumwe wemadzimai zvakare anova chidadiso ndiVerity Bosha, managing director wekambani yeEvergree­n Constructi­on and Land

Developers, uyo anoti ari kuwana mari yakawanda nemabasa ekuvaka.

Pamusangan­o uyu, madzimai akafundisw­a kuti kugarira maoko hakuna chimuko sezvo kuchiunza mweya weumbavha kana chipfambi.

 ??  ?? Mamwe emadzimai akapinda mumusangan­o Women’s Coalition of Zimbabwe (WCoz) wekurwira kodzero dzevanhuka­dzi.
Mamwe emadzimai akapinda mumusangan­o Women’s Coalition of Zimbabwe (WCoz) wekurwira kodzero dzevanhuka­dzi.
 ?? naEdward Zvemisha ?? - Verity Bosha (kuruboshwe) aina Mai Devine Ndhlukula.
naEdward Zvemisha - Verity Bosha (kuruboshwe) aina Mai Devine Ndhlukula.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe